Amosi 7:1-17

  • Zviratidzo zvekuti Israeri yava kuda kuparadzwa (1-9)

    • Mhashu (1-3), moto (4-6), tambo yekururamisa mudhuri (7-9)

  • Amosi anoudzwa kuti arege kuprofita (10-17)

7  Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naChangamire Ishe Jehovha: Panguva yakanga yava kumera mbeu dzakapedzisira kudyarwa,* iye akaita kuti pave nemhashu dzakawanda. Idzi imbeu dzakazodyarwa uswa hwamambo hwekupa zvipfuwo hwachekwa.  Mhashu dzacho padzakapedza kudya zvakamera munyika, ndakati: “Changamire Ishe Jehovha, varegerereiwo!+ Jakobho angapona* here? Haana simba!”+  Saka Jehovha akabva achinja pfungwa dzake.*+ “Hazvichaitiki,” akadaro Jehovha.  Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naChangamire Ishe Jehovha: Changamire Ishe Jehovha akataura kuti pave nechirango chemoto. Wakaomesa mvura yakadzika, ukaparadza chikamu chenyika yacho.  Ndakabva ndati: “Ndapota, Changamire Ishe Jehovha, regai kudaro.+ Jakobho angapona* here? Haana simba!”+  Saka Jehovha akabva achinja pfungwa dzake.*+ “Izvozvowo hazvichaitiki,” akadaro Jehovha.  Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira parusvingo rwakavakwa pachishandiswa tambo yekururamisa mudhuri, uye ainge akabata tambo yekururamisa mudhuri.  Jehovha akabva ati kwandiri: “Amosi, uri kuonei?” Ini ndikati: “Tambo yekururamisa mudhuri.” Jehovha achibva ati: “Ndiri kuisa tambo yekururamisa pavanhu vangu vaIsraeri. Handichavaregereri.+  Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka+ dzichava matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaparadzwa;+ uye ndichauya kuzorwisa imba yaJerobhoamu nebakatwa.”+ 10  Amaziya mupristi wekuBheteri+ akatumira shoko kuna Mambo Jerobhoamu+ weIsraeri achiti: “Amosi akupandukirai pakati pevanhu veimba yaIsraeri.+ Nyika yaneta nemashoko ake ese.+ 11  Nekuti Amosi ari kuti, ‘Jerobhoamu achaurayiwa nebakatwa, uye Israeri achatotapwa obviswa munyika yake.’”+ 12  Amaziya akabva ati kuna Amosi: “Iwe muoni, enda, tizira kunyika yeJudha utsvage zvekudya zvako* ikoko, woprofitira ikoko.+ 13  Hauchafaniri kuprofita muBheteri,+ nekuti inzvimbo tsvene yamambo+ uye iimba yeumambo.” 14  Amosi akabva apindura Amaziya achiti: “Ndakanga ndisiri muprofita, uye ndakanga ndisiri mwanakomana wemuprofita; asi ndaiva mufudzi,+ uye ndaishanda muminda yemionde.* 15  Asi Jehovha akandibvisa pabasa rekufudza makwai, uye Jehovha akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu vaIsraeri.’+ 16  Zvino chinzwa shoko raJehovha: ‘Uri kuti, “Usaprofita zvakaipa nezvaIsraeri,+ uye usazivisa mashoko asina kunaka+ pamusoro peimba yaIsaka.” 17  Saka zvanzi naJehovha: “Mudzimai wako achava pfambi muguta. Vanakomana vako nevanasikana vako vachaurayiwa nebakatwa. Nyika yako ichagovewa ichiita zvekuyerwa netambo, uye iwe uchafira munyika isina kuchena; uye Israeri achatotapwa obviswa munyika yake.”’”+

Mashoko Emuzasi

Kureva, mbeu dzemuna January naFebruary.
ChiHeb., “angasimuka.”
Kana kuti “azvidemba.”
ChiHeb., “angasimuka.”
Kana kuti “azvidemba.”
ChiHeb., “udye chingwa.”
Kana kuti “ndaibaya maonde.” Muonde uri kutaurwa pano unonzi musycamore uye unowanika kuIsrael.