Amosi 8:1-14

  • Chiratidzo chetswanda ine michero yemuzhizha (1-3)

  • Vadzvinyiriri vanotongwa (4-14)

    • Nzara yekushaya mashoko aMwari (11)

8  Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naChangamire Ishe Jehovha: Paiva netswanda ine michero yemuzhizha.  Akabva ati kwandiri: “Amosi, uri kuonei?” Ini ndikati, “Tswanda ine michero yemuzhizha.” Jehovha akati kwandiri: “Kuguma kwasvika pavanhu vangu vaIsraeri. Handichavaregererizve.+  ‘Zuva iroro, nziyo dzepatemberi dzichachinja dzova kuchema,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Zvitunha zvizhinji zvicharasirwa pese pese,+ zvekuti kuchasara kwangoti zii!’   Inzwai izvi, imi munotsikirira varomboMuchiparadza vanyoro vepanyika,+   Imi vari kuti, ‘Mutambo wekugara kwemwedzi uchapera riini+ kuti titengese zvirimwa zvedu,NeSabata+ kuti titengese zvirimwa? Kuti tiite kuti efa* ive diki,Uye tikudze shekeri,*Kuti tibire vanhu nezvikero zvedu zvisina kururama;+   Kuti titenge vanhu vanotambura tichishandisa sirivhaUye varombo neshangu mbiri,+Uye kuti titengese marara ezvirimwa.’   Jehovha apika neChidadiso chaJakobho achiti,+‘Handizombokanganwi mabasa avo ese.+   Nyika ichadedera nekuda kwaizvozvo,Uye vagari vese vemunyika yacho vachachema.+ Nyika yacho yese haizoiti seRwizi rwaNire ruri kuzara here,Yofashamira uye yoserera saNire weIjipiti?’+   ‘Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha,‘Ndichaita kuti zuva rinyure achiri masikati,Uye kuti nyika ive nerima masikati machena.+ 10  Ndichachinja mitambo yenyu kuti ive kuchema+Nenziyo dzenyu dzese kuti dzive nziyo dzekushungurudzika.* Ndichaita kuti hudyu dzese dzipfeke masaga uye kuti misoro yese ive nemiparavara;Ndichaita kuti zvifanane nemunhu ari kuchema mwanakomana wake mumwe chete,Uye kuti magumo acho aite sezuva rekushungurudzika.’ 11  ‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha,‘Andichaunza nzara panyika,Kwete nzara yezvekudya kana nyota yekushaya mvura,Asi yekunzwa mashoko aJehovha.+ 12  Vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa,Uye vachibva kuchamhembe vachienda kumabvazuva. Vachaenda kwese kwese vachitsvaga shoko raJehovha, asi havazoriwani. 13  Zuva iroro mhandara dzakanaka dzichati rabada nenyota,Zvese nemajaya acho; 14  Vaya vanopika nemhosva yeSamariya+ uye vanoti,“Namwari wako mupenyu, iwe Dhani!”+ Vachitiwo, “Tinopika nenzira yekuBheeri-shebha!”+ Vachadonha, uye havazomukizve.’”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “dzemariro.”