Dhanieri 4:1-37

  • Mambo Nebhukadhinezari anobvuma kuti Mwari ndiMambo (1-3)

  • Hope dzamambo dzemuti (4-18)

    • Nguva nomwe dzichapfuura chigutsa chacho chakadaro (16)

    • Mwari ndiye Mutongi wevanhu (17)

  • Dhanieri anodudzira hope dzacho (19-27)

  • Hope dzacho dzinotanga kuzadziswa pana mambo (28-36)

    • Mambo anorasika pfungwa kwenguva nomwe (32, 33)

  • Mambo anorumbidza Mwari wedenga (37)

4  “Mashoko aMambo Nebhukadhinezari kumarudzi ese, nenyika nevanhu vemitauro yese nevanhu vese vari panyika: Rugare rwenyu ngaruwande!  Ndinokuzivisai nemufaro zviratidzo nezvishamiso zvandakaitirwa naMwari Wekumusorosoro.  Zviratidzo zvake zvikuru kwazvo, uye zvishamiso zvake zvinoratidza kuti ane simba guru kwazvo! Umambo hwake hunogara nekusingaperi, uye ushe hwake hunoramba huripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+  “Ini, Nebhukadhinezari, ndakanga ndigere zvakanaka mumba mangu, ndichibudirira mumuzinda mangu.  Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndakarara pamubhedha wangu, zvandakaona uye zvandakaratidzwa zvakandivhundutsa.+  Saka ndakarayira kuti varume vese vakachenjera veBhabhironi vauye pamberi pangu, kuti vandiudze kuti hope dzacho dzairevei.+  “Panguva iyoyo vapristi vaiita zvemashiripiti, nen’anga, nevaKadheya,* nevazivi venyeredzi+ vakapinda mandaiva. Pandakavaudza hope dzacho, vakatadza kundiudza zvadzinoreva.+  Pakazouya Dhanieri, uyo ane mweya wavanamwari vatsvene+ uye ane zita ramwari wangu+ rekuti Bheteshazari,+ ndikamuudza hope dzacho, ndichiti:  “‘Iwe Bheteshazari, mukuru wevapristi vanoita zvemashiripiti,+ ndinonyatsoziva kuti une mweya wavanamwari vatsvene+ uye kuti hapana chinhu chakavanzika chinganyanya kukuomera.+ Saka ndiudze zviratidzo zvandakaona muhope dzangu uye zvazvinoreva. 10  “‘Pazviratidzo zvandakaona ndakarara pamubhedha wangu, ndakaona muti+ wakanga wakareba kwazvo+ waiva pakati penyika. 11  Muti wacho wakakura, ukasimba, uye wakareba kusvika kudenga, uchioneka kumigumo yenyika yese. 12  Mashizha awo akanga akanaka, uine michero yakawanda uye zvinhu zvese zvaiwana zvekudya pauri. Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzaigara mumapazi awo, uye zvisikwa zvese zvaiwana zvekudya pauri. 13  “‘Pandaiona zviratidzo izvi ndiri pamubhedha wangu, ndakaona murindi, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga.+ 14  Akashevedzera achiti: “Rigai muti,+ muteme mapazi awo, zunzai mashizha awo, muparadzire michero yawo! Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri pamapazi awo. 15  Asi siyai chigutsa chacho chiine midzi yacho muvhu, chakasungwa nesimbi nemhangura, chiri pakati peuswa hwesango. Regai chinyoroveswe nedova rinobva mudenga, uye ngachigare pamwe chete nemhuka dzesango pakati pezvinomera zviri panyika.+ 16  Mwoyo wachiinawo wemunhu ngauchinjwe kuti uve mwoyo wemhuka, uye nguva nomwe+ ngadzipfuure chakadaro.+ 17  Izvi zvarayirwa nevarindi,+ uye chikumbiro chacho chaitwa nevatsvene, kuti vanhu vazive kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwese hwevanhu+ uye kuti anohupa waanoda, uye kuti anogadza pahuri kunyange munhu akaderera kupfuura vese.” 18  “‘Idzi ndidzo hope dzandakaratidzwa, ini Mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshazari, chidzidudzira, nekuti vamwe varume vese vakachenjera vemuumambo hwangu vatadza kundiudza zvadzinoreva.+ Asi iwe unokwanisa, nekuti une mweya wavanamwari vatsvene.’ 19  “Panguva iyoyo, Dhanieri, uyo anonzi Bheteshazari,+ akarohwa nehana, akatanga kutya. “Mambo akati, ‘Bheteshazari, hope dzacho nekududzirwa kwadzo ngazvirege kukutyisa.’ “Bheteshazari akapindura kuti, ‘Ishe wangu, hope dzacho ngadzishande kune vaya vanokuvengai, uye kududzirwa kwadzo kuvavengi venyu. 20  “‘Muti wamakaona uyo wakakura ukasimba, ukareba kusvika kudenga uchionekwa nenyika yese,+ 21  uine mashizha akanaka, nemichero yakawanda, nezvekudya zvezvinhu zvese, mhuka dzesango dzichigara pasi pawo, uye shiri dzedenga dzichigara mumapazi awo,+ 22  imi mambo ndimi muti wacho, nekuti umambo hwenyu hwakakura mukava nesimba, uye ukuru hwenyu hwakawedzera hukasvika kudenga,+ neushe hwenyu kumigumo yenyika.+ 23  “‘Mambo akaonawo murindi, iye mutsvene,+ achiburuka kubva kudenga, achiti: “Rigai muti, muuparadze, asi siyai chigutsa chacho chiine midzi yacho muvhu, chakasungwa nesimbi nemhangura, chiri pakati peuswa hwesango. Regai chinyoroveswe nedova redenga, uye ngachigare pamwe chete nemhuka dzesango kusvika nguva nomwe dzapera.”+ 24  Mambo, uku ndiko kududzirwa kwehope dzacho; Wekumusorosoro ndiye asarudza zvichaitika kuna ishe wangu mambo. 25  Muchadzingwa pakati pevanhu, monogara nemhuka dzesango, uye muchadya uswa semombe; uye muchanyoroveswa nedova redenga,+ uye nguva nomwe+ dzichapera muriko,+ kusvikira maziva kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anohupa waanoda.+ 26  “‘Asi nemhaka yekuti vakarayira kuti chigutsa chemuti nemidzi yacho+ zvisiyiwe zvakadaro, umambo hwenyu huchadzoka kwamuri pashure pekunge maziva kuti denga ndiro riri kutonga. 27  Saka imi mambo, gamuchirai zano rangu. Siyai zvivi zvenyu muite zvakarurama, uye siyai zvakaipa zvenyu munzwire varombo tsitsi. Zvimwe mungaramba muchibudirira.’”+ 28  Zvese izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari. 29  Papera mwedzi 12, mambo aifamba padenga remuzinda weBhabhironi. 30  Mambo aiti: “Iri harisi Bhabhironi Guru randakavaka nesimba rangu neukuru hwangu kuti rive muzinda weumambo uye kuti ndiratidze ukuru hwangu nesimba rangu here?” 31  Mambo achiri kutaura, pane inzwi rakabva kudenga richiti: “Zvanzi kwauri, iwe Mambo Nebhukadhinezari, ‘Watorerwa umambo,+ 32  uye wava kudzingwa pakati pevanhu. Uchagara pamwe chete nemhuka dzesango uye uchadya uswa semombe, uye nguva nomwe dzichapera uriko, kusvikira waziva kuti Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anohupa waanoda.’”+ 33  Panguva iyoyo shoko racho rakazadziswa pana Nebhukadhinezari. Akadzingwa pakati pevanhu, uye akatanga kudya uswa semombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova redenga, kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yemakondo uye nzara dzake dzaita sedzeshiri.+ 34  “Pakapera nguva yacho,+ ini Nebhukadhinezari ndakatarisa mudenga, pfungwa dzangu dzikatanga kushanda zvakanaka; uye ndakarumbidza Wekumusorosoro. Ndakarumbidza ndikakudza iye anorarama nekusingaperi, nekuti ushe hwake ushe husingagumi uye umambo hwake hunoramba huripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ 35  Vagari vese vepanyika havasi chinhu kana vachienzaniswa naye, uye anoita zvaanoda pakati peuto rekudenga nepakati pevagari vepanyika. Hapana angamutadzisa kuita zvaanoda+ kana kumuti, ‘Waitei?’+ 36  “Panguva iyoyo pfungwa dzangu dzakatanga kushanda zvakanaka uye ndakavazve neumambo hwangu hune mbiri, nemasimba angu nekukudzwa kwangu.+ Makurukota angu nevanhu vangu vanokudzwa vakatanga kuuya kwandiri vachitsvaga mazano, uye ndakadzorerwa paumambo hwangu, ndikatopiwa simba rinopfuura randaiva naro. 37  “Zvino ini, Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nekuremekedza nekukudza Mambo wekudenga,+ nekuti mabasa ake ese anoenderana nechokwadi uye nzira dzake dzakarurama,+ uye anokwanisa kuninipisa vaya vanozvikudza.”+

Mashoko Emuzasi

Kureva, vanhu vaiva neunyanzvi hwekushopera nekududzira nyeredzi.