Dhanieri 7:1-28
7 Mugore rekutanga raMambo Bheshazari+ weBhabhironi, Dhanieri akarota hope uye akaona zviratidzo akarara pamubhedha wake.+ Akabva anyora hope dzacho,+ achirondedzera zvinhu zvacho zvese.
2 Dhanieri akati:
“Pazvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndakaona mhepo ina dzekudenga dzichinyandura gungwa guru.+
3 Mhuka huru ina+ dzakabva dzabuda mugungwa racho, uye dzese dzakanga dzakasiyana.
4 “Yekutanga yakanga yakaita seshumba,+ uye yaiva nemapapiro egondo.+ Ndakaramba ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo adzurwa, ikasimudzwa panyika, ikamiswa nemakumbo maviri semunhu, ikapiwa mwoyo wemunhu.
5 “Uye ndakaona imwe mhuka yechipiri yakanga yakaita sebheya.+ Yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu; uye yakaudzwa kuti, ‘Simuka, udye nyama zhinji.’+
6 “Pashure pacho, ndakaramba ndakatarisa ndikaona imwe mhuka yakanga yakaita sembada,+ asi yakanga iine mapapiro mana pamusana akaita seeshiri. Mhuka yacho yaiva nemisoro mina,+ uye yakapiwa simba rekutonga.
7 “Pashure pacho, ndakaramba ndakatarisa zvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina. Mhuka yacho yaityisa uye yaivhundutsa uye yakanga yakasimba kwazvo, iine mazino mahombe esimbi. Yaiparadza, ichipwanya-pwanya, uye yakatsika-tsika zvakanga zvasara.+ Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzese dzakanga dzaitangira, uye yaiva nenyanga gumi.
8 Pandaifunga nezvenyanga dzacho, pakabva pabuda imwe nyanga diki pakati padzo,+ uye dzimwe nyanga nhatu dzekutanga dzakadzurwa pamberi payo. Nyanga yacho yaiva nemaziso akaita seemunhu, uye yaiva nemuromo waitaura uchizvikudza.+
9 “Ndakaramba ndakatarisa kusvikira zvigaro zveumambo zvaiswa, Wemazuva Mazhinji+ achibva agara.+ Zvipfeko zvake zvakanga zvakachena sechando,+ uye bvudzi remusoro wake rakanga rakaita semvere dzemakwai dzakachena. Chigaro chake cheumambo chaiva marimi emoto; mavhiri acho aiva moto unobvira.+
10 Paiva nerukova rwemoto rwaiyerera ruchibva pamberi pake.+ Vane chiuru chakapetwa kane chiuru, vairamba vachimushumira, uye vane zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi vakanga vakamira pamberi pake.+ Dare+ rakatanga kutonga, mabhuku akavhurwa.
11 “Panguva iyoyo, mashoko ekuzvikudza+ andainzwa achitaurwa nenyanga yacho akaita kuti ndirambe ndakatarisa. Ndakaramba ndakatarisa kusvikira mhuka yacho yaurayiwa, muviri wayo ukapiswa nemoto, ukaparadzwa.
12 Asi dzimwe mhuka dzese+ dzakatorerwa ushe hwadzo, uye upenyu hwadzo hwakawedzerwa nenguva imwe chete nemwaka.
13 “Ndakaramba ndakatarisa zvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe munhu akafanana nemwanakomana wemunhu+ achiuya aine makore ekudenga; akasvika kune Wemazuva Mazhinji,+ uye vakamuswededza pamberi pake.
14 Akapiwa ushe+ nekukudzwa,+ neumambo, kuti vanhu vemarudzi ese, nenyika, nemitauro yakasiyana-siyana vamushumire.+ Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.+
15 “Zvino ini Dhanieri, ndakanetseka chaizvo nekuti zvandakaratidzwa zvakandityisa.+
16 Ndakaenda pedyo nemumwe wevakanga vakamira ipapo, kuti ndimubvunze kuti zvinhu izvi zvairevei. Akabva apindura, akandiudza kuti zvinhu izvi zvairevei.
17 “‘Mhuka huru idzi ina,+ dzinomiririra madzimambo mana achamuka panyika.+
18 Asi vatsvene vaIye Mukurusa+ vachagamuchira umambo,+ uye umambo hwacho huchava hwavo+ nekusingaperi, huchava hwavo nariini nariini.’
19 “Ndakabva ndada kuziva nezvemhuka yechina, iyo yakanga yakasiyana nedzimwe dzese. Yaityisa kwazvo, iine mazino esimbi nenzara dzemhangura uye yaiparadza, ichipwanya-pwanya, uye ichitsika-tsika zvakanga zvasara.+
20 Ndakadawo kuziva nezvenyanga gumi+ dzaiva mumusoro mayo, neimwe nyanga yakabuda ikaita kuti nyanga nhatu dziwire pasi,+ nyanga yaiva nemaziso nemuromo waitaura uchizvikudza, iyo yainge yakakura kupfuura dzimwe.
21 “Ndakaramba ndakatarisa nyanga iyoyo payairwa nevatsvene, ichivakunda,+
22 kusvikira Wemazuva Mazhinji+ asvika, akapa mutongo waitsigira vatsvene vaIye Mukurusa,+ uye nguva yakasarudzwa yekuti vatsvene vapiwe umambo yakasvika.+
23 “Iye akati: ‘Kana iri mhuka yechina, kune umambo hwechina huchavapo panyika. Huchange hwakasiyana nehumwe umambo hwese, uye huchaparadza nyika yese uye huchaitsika-tsika hwoipwanya-pwanya.+
24 Kana dziri nyanga gumi, pachava nemadzimambo gumi achabuda muumambo ihwohwo; uye pachavazve nemumwe pashure pawo, uyo achange akasiyana neekutanga, uye achaninipisa madzimambo matatu.+
25 Achataura mashoko ekushora Wekumusorosoro,+ uye acharamba achinetsa vatsvene vaIye Mukurusa. Achafunga nezvekuchinja nguva nemutemo, uye vachaiswa muruoko rwake kwenguva imwe chete, nedzimwe nguva, nehafu yenguva.*+
26 Asi Dare rakatanga kutonga, vachibva vamutorera ushe hwake, kuti vamuparadze uye vamutsakatise.+
27 “‘Zvino umambo neushe neukuru hweumambo hwaiva pasi pematenga ese zvakapiwa vatsvene vaIye Mukurusa.+ Umambo hwavo umambo hunogara nekusingaperi,+ uye humwe ushe hwese huchava pasi pavo huchivateerera.’
28 “Pano ndipo panogumira nyaya yacho. Asi ini Dhanieri, ndakanetseka chaizvo nezvaiva mupfungwa dzangu, zvekuti chiso changu chakachinja; asi ndakachengeta nyaya yacho mumwoyo mangu.”
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, nguva nhatu nehafu.