Dheuteronomi 16:1-22

  • Paseka; Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso (1-8)

  • Mutambo Wemavhiki (9-12)

  • Mutambo Wematumba (13-17)

  • Kugadza vatongi (18-20)

  • Zvinhu zvakanzi zvisashandiswa pakunamata (21, 22)

16  “Chengeta mwedzi waAbhibhi,* wopemberera Paseka yaJehovha Mwari wako,+ nekuti Jehovha Mwari wako akakubudisa muIjipiti usiku mumwedzi waAbhibhi.+  Uye unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka kuna Jehovha Mwari wako,+ chemakwai nembudzi nechemombe,+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha kuti zita rake rigare.+  Usachidya pamwe chete nechinhu chakaiswa mbiriso;+ kwemazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chekutambudzika, nekuti wakabuda munyika yeIjipiti uchimhanya-mhanya.+ Chero bedzi uri mupenyu, unofanira kuita izvi kuti uyeuke zuva rawakabuda munyika yeIjipiti.+  Kwemazuva manomwe, munyika yenyu yese hamufaniri kuonekwa muine mukanyiwa wakavira,+ uye nyama yese yauchabayira manheru pazuva rekutanga haifaniri kurara usiku hwese kusvikira mangwanani.+  Hauzobvumirwi kubayira chibayiro chePaseka muguta rese rese pamaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako.  Asi chinofanira kubayirwa kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare. Unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka manheru panongovira zuva,+ kana zuva rawakabuda muIjipiti rasvika.  Unofanira kuchibika,+ wodyira munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ uye mangwanani unozodzokera hako kumatende ako.  Kwemazuva matanhatu, unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, uye pazuva rechinomwe pachava negungano dzvene rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Haufaniri kuita basa.+  “Unofanira kuverenga mavhiki manomwe. Unofanira kutanga kuverenga mavhiki acho manomwe kubvira panotanga kupinzwa jeko muzviyo* zvisati zvakohwewa.+ 10  Unofanira kubva wapemberera Mutambo Wemavhiki unoitirwa Jehovha Mwari wako,+ uine mupiro unobva muruoko rwako wekungopawo zvako uchizvidira, uchipa maererano nekukomborerwa kwaunoitwa naJehovha Mwari wako.+ 11  Uye unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi ari mukati memaguta* ako, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari pakati pako, munzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare.+ 12  Yeuka kuti wakava muranda muIjipiti,+ saka chengeta uye tevedzera mirau iyi. 13  “Unofanira kuchengeta Mutambo Wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro* rako, uye pamafuta newaini zvaunosvina. 14  Fara panguva yemutambo wako,+ iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari mukati memaguta ako. 15  Kwemazuva manomwe uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha, nekuti Jehovha Mwari wako achakomborera zvibereko zvako zvese uye zvese zvaunoita,+ uye uchafara kwazvo.+ 16  “Vanhurume vako vese vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza: paMutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ paMutambo Wemavhiki,+ nepaMutambo Wematumba,+ uye hapana anofanira kuuya pamberi paJehovha achingova maoko chete. 17  Chipo chinounzwa nemunhu mumwe nemumwe chinofanira kuenderana nechikomborero chaakapiwa naJehovha Mwari wako.+ 18  “Unofanira kugadza vatongi+ nevatungamiriri vedzinza rimwe nerimwe mumaguta* ako ese auri kupiwa naJehovha Mwari wako, uye vanofanira kutonga vanhu zvakarurama. 19  Usatonga nyaya zvisina kururama,+ kana kusarura,+ kana kugamuchira chiokomuhomwe,+ nekuti icho chinopofumadza vakachenjera uye chinoita kuti vakarurama vamonyorore mashoko. 20  Unofanira kuramba uchitonga zvakarurama,+ kutonga zvakarurama chete, kuti urambe uchirarama uye utore nyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako. 21  “Haufaniri kusima muti chero wemhando ipi zvayo kuti uve bango rinoera*+ pedyo neatari yaJehovha Mwari wako yaunozvigadzirira. 22  “Uyewo usazvigadzirira shongwe inoyera,+ iyo inovengwa naJehovha Mwari wako.

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “memagedhi.”
ChiHeb., “mumagedhi.”