Dheuteronomi 27:1-26

  • Mutemo unofanira kunyorwa pamatombo (1-10)

  • PaGomo reEbhari uye paGomo reGerizimu (11-14)

  • Kutukwa kunodzokororwa (15-26)

27  Mozisi nevakuru vaIsraeri vakabva varayira vanhu vachiti: “Chengetai mirayiro yese yandiri kukupai nhasi.  Musi wamuchayambuka Jodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, mumise matombo makuru moadzurura.*+  Munyore paari mashoko ese eMutemo uyu pamunenge mayambuka, kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka, sezvamakapikirwa naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu.+  Kana mayambuka Jodhani, munofanira kumisa matombo aya paGomo reEbhari+ moadzurura,* sezvandiri kukurayirai nhasi.  Muvakirewo Jehovha Mwari wenyu atari ipapo, atari yematombo. Hamufaniri kushandisa midziyo yesimbi pamatombo acho.+  Munofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wenyu nematombo asina kuvezwa, mopa Jehovha Mwari wenyu zvibayiro zvinopiswa pairi.  Mupe zvibayiro zverugare+ mozvidyira ipapo,+ uye muchafara muri pamberi paJehovha Mwari wenyu.+  Uye munyore zvakajeka mashoko ese eMutemo uyu pamatombo acho.”+  Mozisi nevapristi vedzinza raRevhi, vakabva vataura nevaIsraeri vese vachiti: “Ramba wakanyarara, uteerere, iwe Israeri. Nhasi wava rudzi rwaJehovha Mwari wako.+ 10  Unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uchengete mitemo yake nemirau yake,+ yandiri kukurayira nhasi.” 11  Musi iwoyo Mozisi akarayira vanhu achiti: 12  “Aya ndiwo madzinza achamira paGomo reGerizimu+ kuti akomborere vanhu kana mayambuka Jodhani: Simiyoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa, naBhenjamini. 13  Uye ava ndivo vachamira paGomo reEbhari+ kuti vataure kutukwa kwacho: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuroni, Dhani, naNaftari. 14  Uye vaRevhi vachataura kuvaIsraeri vese nenzwi guru vachiti:+ 15  “‘Ngaatukwe munhu anogadzira ovanza mufananidzo wakavezwa+ kana kuti mufananidzo wesimbi,+ chinhu chinosemesa Jehovha,+ basa remaoko emhizha.’* (Vanhu vese vachadavira vachiti, ‘Ameni!’*) 16  “‘Ngaatukwe munhu anozvidza baba vake kana amai vake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 17  “‘Ngaatukwe munhu anochinja pane zviratidzo zvemuganhu+ wemuvakidzani wake.’ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 18  “‘Ngaatukwe munhu anoita kuti bofu rirasike nzira.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 19  “‘Ngaatukwe munhu anotonga mhosva yemutorwa, nherera, kana kuti chirikadzi+ achitsaudzira.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 20  “‘Ngaatukwe munhu anorara nemudzimai wababa vake, nekuti azvidza baba vake.’*+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 21  “‘Ngaatukwe munhu anorara nemhuka chero ipi zvayo.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 22  “‘Ngaatukwe munhu anorara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana mwanasikana waamai vake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 23  “‘Ngaatukwe munhu anorara naamai vemudzimai wake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 24  “‘Ngaatukwe munhu anohwandira muvakidzani wake omuuraya.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 25  “‘Ngaatukwe munhu anobvuma chiokomuhomwe kuti auraye munhu asina* mhosva.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’) 26  “‘Ngaatukwe munhu asingazoshandisi mashoko eMutemo uyu achiatevedzera.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “moadzurura neraimu.”
Kana kuti “moadzurura neraimu.”
Kana kuti “Ngazviitike.”
Kana kuti “emunhu anogadzira zvinhu zvemuti nezvesimbi.”
ChiHeb., “afukura nguo yababa vake.”
Kana kuti “mweya usina.”