Dheuteronomi 28:1-68

  • Makomborero nekuteerera (1-14)

  • Kutukwa nemhaka yekusateerera (15-68)

28  “Uye kana ukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wako nekunyatsoita mirayiro yake yese yandiri kukurayira nhasi, Jehovha Mwari wako achakuisa pamusoro pemamwe marudzi ese epanyika.+  Makomborero ese aya achauya pauri uye haazobvi pauri, nekuti unenge waramba uchiteerera+ inzwi raJehovha Mwari wako:  “Uchakomborerwa muguta, uye uchakomborerwa mumunda.+  “Vana vako vachakomborerwa+ uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvezvipfuwo zvako, mhuru dzako nemakwayana ako zvichakomborerwa.+  “Tswanda yako nendiro yako yekukanyira chingwa zvichakomborerwa.+  “Uchakomborerwa paunopinda, uye uchakomborerwa paunobuda.  “Jehovha achaita kuti vavengi vako vanenge vachida kukurwisa vakundwe pamberi pako.+ Vachakurwisa vachibva nedivi rimwe chete, asi vachakutiza nemativi manomwe.+  Jehovha achazivisa kuti chikomborero chiuye pazvinhu zvaunenge wakachengeta mumatura ako+ nezvese zvauchaita, uye achakukomborera munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.  Jehovha achaita kuti uve rudzi rwake rutsvene,+ sezvaakakupikira,+ nekuti unenge waramba uchichengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, uchifamba munzira dzake. 10  Marudzi ese epanyika achaona kuti zita raJehovha riri kushevedzwa pauri,+ uye achakutya.+ 11  “Jehovha achaita kuti uve nevana vakawanda uye zvipfuwo zvakawanda nevhu rinobereka munyika+ yakapikirwa madzitateguru ako naJehovha kuti achakupa.+ 12  Jehovha achakuzarurira dura rake rakanaka, denga, kuti ape nyika yako mvura mumwaka wayo+ uye kuti akomborere zvese zvaunoita. Uchakweretesa marudzi mazhinji, asi iwe hauzofaniri kukwereta.+ 13  Jehovha achaita kuti uve musoro, kwete muswe; uye uchava pamusoro,+ kwete pasi, kana uchinge waramba uchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wako yandiri kukurayira nhasi kuti uichengete uye uiite. 14  Usatsauka pamashoko ese andiri kukurayira nhasi, uchienda kurudyi kana kuruboshwe,+ uchitevera vamwe vanamwari kuti uvashumire.+ 15  “Asi kana ukasateerera inzwi raJehovha Mwari wako uchirega kuchengeta mirayiro yake yese nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kutukwa kwese uku kuchauya pauri uye hakuzobvi pauri:+ 16  “Uchatukwa muguta, uye uchatukwa mumunda.+ 17  “Tswanda yako nendiro yako yekukanyira chingwa zvichatukwa.+ 18  “Vana vako vachatukwa+ uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvezvipfuwo zvako, mhuru dzako nemakwayana ako zvichatukwa.+ 19  “Uchatukwa paunopinda, uye uchatukwa paunobuda. 20  “Jehovha achatumira pauri kutukwa, kuvhiringidzika, nekurangwa pazvinhu zvese zvauchaita, kusvikira waparadzwa uye wapera munguva pfupi pfupi, nemhaka yekuipa kwemabasa ako uye kundisiya kwaunenge waita.+ 21  Jehovha achaita kuti chirwere chirambe chiri pauri kusvikira akuparadza panyika yauri kuenda kunotora.+ 22  Jehovha achakurova netiibhii, fivha,+ kuzvimba, kupisa muviri, bakatwa,+ mhepo inopisa zvirimwa, uye zvirimwa zvenyu zvichava nezvirwere;+ uye izvi zvichakutevera kusvikira waparara. 23  Denga riri pamusoro pako richava semhangura, uye nyika iri pasi pako ichava sesimbi.+ 24  Jehovha achaita kuti mvura inonaya munyika yako ive upfu neguruva zvinouya pauri zvichibva kudenga kusvikira waparadzwa. 25  Jehovha achaita kuti ukundwe pamberi pevavengi vako.+ Uchavarwisa uchibva kudivi rimwe chete, asi uchavatiza nemativi manomwe; umambo hwese hwepanyika huchatya pahuchaona zvakaipa zvinenge zvichiitika kwauri.+ 26  Uye zvitunha zvenyu zvichava zvekudya zveshiri dzese dzekudenga nezvemhuka dzepanyika, pasina anodzidzinga.+ 27  “Jehovha achakurova nemamota eIjipiti, uye uchabuda musana,* uchaita mhezi, nemaronda paganda, zvisingazorapiki. 28  Jehovha achakurova nekupenga neupofu+ uye nekuvhiringidzika.* 29  Uchatsvangadzira masikati machena, sekutsvangadzira kunoita bofu murima,+ uye hauzobudiriri pane zvese zvaunoita; uye uchagara uchibiridzirwa uye uchibirwa, pasina munhu anokubatsira.+ 30  Uchavimbisa mukadzi kuti umuroore, asi mumwe murume achamubata chibharo. Uchavaka imba, asi hauzoigari.+ Uchadyara munda wemizambiringa, asi hauzotangi kuushandisa.+ 31  Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi hauzomboidyi. Dhongi rako richabiwa wakatarisa, uye hauzorionizve. Makwai ako achapiwa vavengi vako, uye hapana anozokuponesa. 32  Vanakomana vako nevanasikana vako vachapiwa vamwe vanhu+ wakatarisa, uye uchagara uchivasuwa asi usina zvaunogona kuita. 33  Zvibereko zvenyika yako nezvese zvauchakohwa zvichadyiwa nevamwe vanhu vausina kumbobvira waziva,+ uye uchagara uchibiridzirwa uye uchidzvinyirirwa. 34  Uchapengeswa nezvauchaona nemaziso ako. 35  “Jehovha achakurova nemamota anorwadza asingarapiki mumabvi ako nemumakumbo ako, kubvira pasi petsoka kusvikira panhongonya. 36  Jehovha achakudzinga pamwe namambo wauchagadza kuti akutonge okuendesai kurudzi rwawanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako,+ uye uchanoshumira vamwe vanamwari, vanamwari vematanda nevematombo.+ 37  Uye marudzi ese auchaendeswa kwaari naJehovha achatya paachaona zvakaipa zvinenge zvichiitika kwauri uye achakuita chiseko* okunyomba.+ 38  “Uchaenda nembeu yakawanda kumunda,+ asi uchakohwa zvishoma, nekuti zvichaparadzwa nemhashu. 39  Uchadyara minda yemizambiringa nekuisakura, asi hauzonwi waini uye hapana zvauchakohwa,+ nekuti zvichadyiwa nemakonye. 40  Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yese, asi hauzozori mafuta, nekuti maorivhi ako achadonha. 41  Uchabereka vanakomana nevanasikana, asi havazorambi vari vako, nekuti vachatapwa.+ 42  Zvipukanana zvakawanda zvichaparadza miti yako yese nezvibereko zvevhu rako. 43  Mutorwa ari pakati pako acharamba achingokwirira kukupfuura, asi iwe ucharamba uchingodzikira. 44  Achakukweretesa, asi iwe hauzomukweretesi.+ Achava musoro, asi iwe uchava muswe.+ 45  “Kutukwa kwese uku+ kuchatouya pauri, kwokutevera, uye hakuzobvi pauri kusvikira waparadzwa,+ nekuti unenge usina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako nekuchengeta mirayiro yake nemirau yake yaakakurayira.+ 46  Uye kucharamba kuri pauri nepavana vako sechiratidzo nechishamiso nariini,+ 47  nekuti unenge usina kushumira Jehovha Mwari wako uchipembera uye mwoyo wako uchifara pawaiva nezvinhu zvakawanda.+ 48  Jehovha achatuma vavengi vako kwauri, uye uchavashandira+ uine nzara+ nenyota, usina chekupfeka uye uchishayiwa zvinhu zvese. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza. 49  “Jehovha achatuma rudzi runobva kure+ kuti rukurwise, runobva kumugumo wenyika; ruchakuhwapura sezvinoita gondo,+ rudzi rune mutauro wausinganzwi,+ 50  rudzi runotyisa, rusina basa nevakwegura uye rusinganzwiri tsitsi vadiki.+ 51  Vachadya zvipfuwo zvako zvichaberekwa uye zvibereko zvevhu rako kusvikira waparadzwa. Havana kana chavachasiya pazviyo, waini itsva kana mafuta, mhuru kana makwayana ako kusvikira vakuparadza.+ 52  Vachakukomba, vokuvharira mumaguta* ako ese ari munyika yako kusvikira masvingo ako marefu uye akasimba aunenge uchivimba nawo akoromoka. Vachakukomba uri mukati memaguta ako ese ari munyika yako yese yawakapiwa naJehovha Mwari wako.+ 53  Uye uchadya vana vako, nyama yevanakomana vako nevanasikana vako+ vawakapiwa naJehovha Mwari wako, nemhaka yekuomerwa kwaunenge waitwa wakakombwa uye kurwadziswa kwauchaitwa nemuvengi wako. 54  “Kunyange murume ari pakati pako akagarika, ane upenyu hwakanaka, haazonzwiri tsitsi hama yake kana mudzimai wake waanoda kana vanakomana vake vanenge vasara, 55  uye achavanyima nyama yevanakomana vake yaachadya, nekuti anenge asisina kana chinhu nemhaka yekuomerwa kwaanenge aitwa pamusana pekukombwa uye kurwadziswa kwaunenge uchiitwa nemuvengi wako mumaguta ako.+ 56  Uye mukadzi ari pakati pako akagarika, ane upenyu hwakanaka asingatombozivi kutsika pasi netsoka yake nekuti akanyanya kugarika,+ haazombonzwiri tsitsi murume wake waanoda kana mwanakomana wake kana mwanasikana wake, 57  zvekuti achadyira pachivande vanakomana vake vaanobereka uye chevakuru* chinobuda pakati pemakumbo ake, nemhaka yekuomerwa kwaanenge aitwa pamusana pekukombwa uye kurwadziswa kwaunenge uchiitwa nemuvengi wako mumaguta ako. 58  “Kana ukasanyatsochengeta mashoko ese eMutemo uyu akanyorwa mubhuku rino+ uye ukasatya zita iri rinokudzwa nerinoshamisa,+ raJehovha+ Mwari wako, 59  Jehovha achaita kuti iwe nevana vako murwadziwe nematambudziko akanyanya,+ matambudziko makuru asingaperi, uye zvirwere zvakaipa zvisingaperi. 60  Achadzosa kwauri zvirwere zvese zveIjipiti zvawaitya, uye zvichakunamatira. 61  Uyewo Jehovha achakuunzira zvirwere zvese nematambudziko zvisina kunyorwa mubhuku reMutemo uno, kusvikira waparadzwa. 62  Kunyange zvazvo mawanda senyeredzi dzekudenga,+ muchasara muri vashoma,+ nekuti munenge musina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu. 63  “Uye kufarira kwaiita Jehovha kuti mubudirire uye muwande, ndiko kufarira kuchaita Jehovha kuti akuparadzei uye akupedzei; uye muchabviswa panyika yamuri kuenda kunotora. 64  “Jehovha achakuparadzira pakati pemarudzi ese, kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika,+ uye ikoko uchashumira vanamwari vematanda nevematombo vawakanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako.+ 65  Hauzogadzikani kana kuwana nzvimbo yekuisa tsoka yako kuti izorore pakati pemarudzi iwayo.+ Jehovha achatoita kuti ugare uchizvidya mwoyo+ uye maziso ako anete uye uore mwoyo.+ 66  Upenyu hwako huchazara nematambudziko, uye uchange uchitya usiku nemasikati; uchange uchityira upenyu hwako. 67  Mangwanani uchati, ‘Dai ari manheru!’ uye manheru uchati, ‘Dai ari mangwanani!’ nemhaka yekutya kwaunenge uchiita mumwoyo mako uye nemhaka yezvauchaona nemaziso ako. 68  Uye Jehovha achakudzosera kuIjipiti nengarava, nenzira yandakakuudza kuti, ‘Hauzomboionizve,’ uye muchazvitengesa kuvavengi venyu ikoko kuti muve varandarume nevarandakadzi, asi pachange pasina anokutengai.”

Mashoko Emuzasi

Izvi zvimapundu zvinorwadza zvinoitika kunobuda netsvina.
Kana kuti “nekukangaidzika kwemwoyo.”
ChiHeb., “chirevo.”
ChiHeb., “mumagedhi.”
Idzi inyama dzinoumbika muchibereko dzinobuda panozvarwa mwana.