Esteri 4:1-17

  • Modhekai anochema (1-5)

  • Modhekai anoudza Esteri kuti apindire (6-17)

4  Modhekai+ paakaziva zvinhu zvese zvakanga zvaitwa,+ akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazora madota. Akabva abuda akaenda pakati peguta, achichema achiridza mhere neshungu.  Asi akangogumira pagedhi ramambo, nekuti hapana aifanira kupinda mugedhi ramambo akapfeka masaga.  Uye mumatunhu ese+ akasvika shoko ramambo nemurayiro wake, makava nekuchema kukuru pavaJudha, vachitsanya+ nekusvimha misodzi, vachiridza mhere. Vakawanda vairara pamasaga nemumadota.+  Vasikana vaishandira Esteri uye vashandi vake vechirume* pavakapinda vakamuudza, mambokadzi akanetseka chaizvo. Akabva atumira nguo dzekuti Modhekai apfeke pane kuti apfeke masaga ake, asi akadziramba.  Esteri akabva ashevedza Hataki, mumwe wevakuru vakuru vemumuzinda* wamambo, akanga agadzwa namambo kuti ashandire Esteri, uye akamurayira kuti abvunze Modhekai kuti azive kuti izvi zvairevei uye kuti chii chakanga chichiitika.  Saka Hataki akabuda, akaenda kwaiva naModhekai munzvimbo yeguta yaiungana vanhu yaiva pamberi pegedhi ramambo.  Modhekai akamuudza zvinhu zvese zvakanga zvaitika kwaari neuwandu hwemari+ yakanga yavimbiswa naHamani kuti aizobhadhara achiisa munochengeterwa pfuma yamambo kuti vaJudha vaparadzwe.+  Akamupawo gwaro remurayiro wakanga wadzikwa muShushani*+ kuti vaparadzwe. Aifanira kunoriratidza Esteri nekumutsanangurira nezvaro uye kunomuudza+ kuti apinde maiva namambo kuti ateterere kuti mambo anzwe nyasha uye akumbirire vanhu vekwake kuna mambo chaiko.  Hataki akadzoka akaudza Esteri zvakanga zvataurwa naModhekai. 10  Esteri akapindura Hataki achimuudza zvaaifanira kunoudza Modhekai+ achiti: 11  “Vashandi vese vamambo nevanhu vemumatunhu amambo vanoziva kuti kana pakava nemurume kana mukadzi anopinda muchivanze chemukati+ chamambo asina kushevedzwa, panongova nemutemo mumwe chete uripo wekuti: Anofanira kuurayiwa; anogona kungosiyiwa ari mupenyu chete kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yeumambo yegoridhe.+ Uye ini ndatova nemazuva 30 ndisina kushevedzwa namambo.” 12  Modhekai paakaudzwa zvakanga zvataurwa naEsteri, 13  akapindura Esteri achiti: “Usafunga kuti zvauri muimba yamambo iwe wega ndiwe uchapukunyuka pane vamwe vaJudha vese. 14  Nekuti kana ukaramba wakanyarara panguva ino, kubatsirwa nekununurwa kuchauya kuvaJudha kuchibva kumwe,+ asi iwe neimba yababa vako, muchaparara. Uye ndiani anoziva kana wakava mambokadzi nekuda kwenguva yakaita seino?”+ 15  Esteri akabva apindura Modhekai achiti: 16  “Endai munounganidza vaJudha vese vari muShushani* munditsanyire.+ Musadya kana kunwa kwemazuva matatu,+ masikati neusiku. Ini nevasikana vanondishandira tichatsanyawo. Ndichapinda muna mambo kunyange zvisingabvumirwi nemutemo, uye kana ndikaparara, ngandiparare hangu.” 17  Saka Modhekai akaenda, akaita zvese zvaakanga arayirwa naEsteri.

Mashoko Emuzasi

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Ngomwa.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Ngomwa.”
Kana kuti “muSusa.”
Kana kuti “muSusa.”