Esteri 5:1-14

  • Esteri anomira pamberi pamambo (1-8)

  • Kushatirwa kwaHamani uye kuzvikudza kwake (9-14)

5  Pazuva rechitatu,+ Esteri akapfeka nguo dzake dzeumambo akanomira pachivanze chemukati chemuzinda wamambo, pakatarisana neimba yamambo, mambo paakanga agere pachigaro chake cheumambo muimba yeumambo pakatarisana nesuo.  Mambo paakangoona Mambokadzi Esteri akamira pachivanze, akamunzwira nyasha, uye mambo akatambanudzira tsvimbo yeumambo yegoridhe+ yaiva muruoko rwake kuna Esteri. Esteri akabva aswedera pedyo, akabata pamusoro petsvimbo yeumambo.  Mambo akamubvunza kuti: “Zvaita sei nhai Mambokadzi Esteri? Chii chauri kuda kukumbira? Uchapiwa kunyange kusvika pahafu yeumambo hwangu!”*  Esteri akapindura achiti: “Kana zvakanaka kuna mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani+ kumabiko andamugadzirira.”  Saka mambo akati kuvarume vake: “Udzai Hamani kuti auye nekukurumidza, sezvakumbirwa naEsteri.” Saka mambo naHamani vakaenda kumabiko akanga agadzirwa naEsteri.  Pavakanga vava kunwa waini pamabiko acho, mambo akati kuna Esteri: “Chii chauri kuteterera kuti upiwe? Uchachipiwa! Uye chii chauri kukumbira? Uchapiwa kunyange kusvika pahafu yeumambo hwangu!”*+  Esteri akapindura kuti: “Chandiri kutetererera uye chandiri kukumbira ndeichi,  Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvakanaka kuna mambo kundipa zvandiri kutetererera uye kundipa zvandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumabiko andichavaitira mangwana; uye mangwana ndichaita sezvataurwa namambo.”  Zuva iroro Hamani akabuda achifara, mwoyo wake uchifara. Asi Hamani paakaona Modhekai pagedhi ramambo uye kuti haana kumusimukira kana kubvunda pamberi pake, Hamani akabva ashatirirwa Modhekai+ kwazvo. 10  Zvisinei, Hamani akazvidzora akaenda kumba kwake. Akabva atumira shoko kuti shamwari dzake naZereshi+ mudzimai wake vashevedzwe. 11  Hamani akadada nepfuma yake zhinji, vanakomana vake vakawanda,+ nekukwidziridzwa kwaakanga aitwa namambo uye kukudzwa kwaakanga aitwa achiiswa pamusoro pemachinda nevashandi vamambo.+ 12  Hamani akatiwo: “Pamusoro paizvozvo, Mambokadzi Esteri haana mumwe waakoka kuti auye namambo kumabiko aagadzira+ kunze kwangu. Ndakokwawo mangwana kuti ndive pamwe chete naye namambo.+ 13  Asi zvese izvi hazvisi kundifadza kana ndichiri kuona Modhekai muJudha agere pagedhi ramambo.” 14  Saka shamwari dzake dzese nemudzimai wake Zereshi vakati kwaari: “Ita kuti danda rakareba makubhiti 50* ridzikwe. Uye mangwanani ibva wataurira mambo kuti Modhekai anofanira kuturikwa pariri.+ Ubve waenda namambo kunofara kumabiko.” Mashoko acho akafadza Hamani, saka akaita kuti danda racho ridzikwe.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Kunyange kana uchida hafu yeumambo hwangu, uchapiwa.”
Kana kuti “Kunyange kana uchida hafu yeumambo hwangu, uchapiwa.”
Mamita angasvika 22,3. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.