Ezra 2:1-70

  • Vanhu vakadzoka kubva kuutapwa (1-67)

    • Vashandi vepatemberi (43-54)

    • Vanakomana vevashandi vaSoromoni (55-57)

  • Mipiro yekuzvidira yetemberi (68-70)

2  Ava ndivo vaiva vanhu vemudunhu racho, vakabva pane vaya vakanga vatapwa,+ avo vakanga vaendeswa kuBhabhironi+ naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, vachibva vazodzoka kuJerusarema neJudha, mumwe nemumwe kuguta rake,+  vaya vakauya naZerubhabheri,+ Jeshua,+ Nehemiya, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Mispari, Bhigvhai, Rehumu, naBhaana. Uhwu ndihwo uwandu hwevarume veIsraeri:+  vanakomana vaParoshi, 2 172;  vanakomana vaShefatiya, 372;  vanakomana vaAraa,+ 775;  vanakomana vaPahati-moabhi,+ vekuvanakomana vaJeshua naJoabhi, 2 812;  vanakomana vaEramu,+ 1 254;  vanakomana vaZatu,+ 945;  vanakomana vaZakai, 760; 10  vanakomana vaBhani, 642; 11  vanakomana vaBhebhai, 623; 12  vanakomana vaAzgadhi, 1 222; 13  vanakomana vaAdhonikamu, 666; 14  vanakomana vaBhigvhai, 2 056; 15  vanakomana vaAdhini, 454; 16  vanakomana vaAteri, wekwaHezekiya, 98; 17  vanakomana vaBhezai, 323; 18  vanakomana vaJora, 112; 19  vanakomana vaHashumu,+ 223; 20  vanakomana vaGibhari, 95; 21  vanakomana vekuBhetrehema, 123; 22  varume vekuNetofa, 56; 23  varume vekuAnatoti,+ 128; 24  vanakomana vekuAzmavheti, 42; 25  vanakomana vekuKiriyati-jearimu, Kefira, neBheeroti, 743; 26  vanakomana vekuRama+ neGebha,+ 621; 27  varume vekuMikmasi, 122; 28  varume vekuBheteri neAi,+ 223; 29  vanakomana vekuNebho,+ 52; 30  vanakomana vekuMagbhishi, 156; 31  vanakomana vemumwe Eramu, 1 254; 32  vanakomana vaHarimu, 320; 33  vanakomana vekuRodhi, Hadhidhi, neOno, 725; 34  vanakomana vekuJeriko, 345; 35  vanakomana vekuSenaa, 3 630. 36  Vapristi vaiva:+ vanakomana vaJedhaya+ veimba yaJeshua,+ 973; 37  vanakomana vaImeri,+ 1 052; 38  vanakomana vaPashuri,+ 1 247; 39  vanakomana vaHarimu,+ 1 017. 40  VaRevhi vaiva:+ vanakomana vaJeshua naKadmieri,+ vekuvanakomana vaHodhavhiya, 74. 41  Vaimbi vaiva:+ vanakomana vaAsafi,+ 128. 42  Vanakomana vevarindi vepamagedhi vaiva:+ vanakomana vaSharumu, vanakomana vaAteri, vanakomana vaTarimoni,+ vanakomana vaAkubhu,+ vanakomana vaHatita, vanakomana vaShobhai, vese pamwe chete vaiva 139. 43  Vashandi vepatemberi* vaiva:+ vanakomana vaZiha, vanakomana vaHasufa, vanakomana vaTabhaoti, 44  vanakomana vaKerosi, vanakomana vaSiaha, vanakomana vaPadhoni, 45  vanakomana vaRebhana, vanakomana vaHagabha, vanakomana vaAkubhu, 46  vanakomana vaHagabhu, vanakomana vaSarimai, vanakomana vaHanani, 47  vanakomana vaGidheri, vanakomana vaGahari, vanakomana vaReaya, 48  vanakomana vaRezini, vanakomana vaNekodha, vanakomana vaGazamu, 49  vanakomana vaAza, vanakomana vaPaseya, vanakomana vaBhesai, 50  vanakomana vaAsna, vanakomana vaMeunimu, vanakomana vaNefusimu, 51  vanakomana vaBhakbhuki, vanakomana vaHakufa, vanakomana vaHahuri, 52  vanakomana vaBhazruti, vanakomana vaMehidha, vanakomana vaHasha, 53  vanakomana vaBhakosi, vanakomana vaSisera, vanakomana vaTema, 54  vanakomana vaNeziya, vanakomana vaHatifa. 55  Vanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva: vanakomana vaSotai, vanakomana vaSofereti, vanakomana vaPerudha,+ 56  vanakomana vaJaraa, vanakomana vaDhakoni, vanakomana vaGidheri, 57  vanakomana vaShefatiya, vanakomana vaHatiri, vanakomana vaPokereti-hazebhaimu, vanakomana vaAmi. 58  Vashandi vepatemberi* vese nevanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva 392. 59  Ava ndivo vakabva kuTeri-mera, Teri-hasha, Kerubhi, Adhoni, neImeri, asi vakatadza kuratidza kuti imba yemadzibaba avo ndeipi kana kwavakabva nako, kuti vaiva vaIsraeri here:+ 60  vanakomana vaDheraya, vanakomana vaTobhiya, vanakomana vaNekodha, 652. 61  Uye kuvanakomana vevapristi: vanakomana vaHabhaya, vanakomana vaHakozi,+ vanakomana vaBhazirai, uyo akatora mudzimai pavanasikana vaBhazirai+ muGiriyedhi, akashevedzwa nezita remhuri yacho. 62  Ava vakatsvaga zvinyorwa zvavo kuti varatidze kuti dzinza ravo nderipi, asi vakazvishaya, saka vakanzi havana kukodzera kuva vapristi.*+ 63  Saka gavhuna* akavaudza kuti havangadyi zvinhu zvitsvenetsvene+ kusvikira pava nemupristi anobvunza Urimu neTumimu.+ 64  Ungano yacho yese yaiva nevanhu 42 360,+ 65  tisingabatanidzi varandarume vavo nevarandasikana vavo, avo vaiva 7 337; uye vaivawo nevaimbi 200 vechirume nevechikadzi. 66  Mabhiza avo aiva 736, manyurusi avo aiva 245, 67  ngamera dzavo dzaiva 435, madhongi avo ari 6 720. 68  Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba vakapa mipiro yeimba yaMwari wechokwadi nekuzvidira,+ kuti vaivakezve* panzvimbo yayo.+ 69  Maererano nezvavaiwana, vakapa madrakema* 61 000 egoridhe kuti ashandiswe pabasa racho, nemamaina* 5 000 esirivha,+ nenguo refu 100 dzevapristi. 70  Vapristi, vaRevhi, nevamwe vanhu, vaimbi, varindi vepamagedhi, nevashandi vepatemberi* vakagara mumaguta avo, nevamwe vaIsraeri vese.*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
Kana kuti “VaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
Kana kuti “vakarambidzwa kuva vapristi vachinzi havana kuchena.”
Kana kuti “muTishata,” zita rebasa rechiPezhiya ragavhuna wedunhu.
Kana kuti “vaimise.”
Rinowanzonzi rakaenzana nedhariki regoridhe rekuPezhiya rairema magiramu 8,4. Harisi iro drakema remuMagwaro echiGiriki. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
MuMagwaro echiHebheru, maina rakaenzana nemagiramu 570. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “nevaNetinimu.” ChiHeb., “vanhu vakapiwa,” kureva kuti vakapiwa sezvipo.
ChiHeb., “nevaIsraeri vese.”