Ezra 3:1-13

  • Atari inovakwazve uye zvibayiro zvinopiwa (1-7)

  • Temberi inotanga kuvakwazve (8, 9)

  • Faundesheni yetemberi inovakwa (10-13)

3  Pakasvika mwedzi wechi7,+ vaIsraeri* vava mumaguta avo, vakaungana muJerusarema vakabatana.  Jeshua+ mwanakomana waJehozadhaki nevamwe vapristi naZerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri+ nehama dzake vakasimuka vakavaka atari yaMwari waIsraeri, kuti vape zvibayiro zvinopiswa pairi, sezvakanyorwa muMutemo waMozisi+ munhu waMwari wechokwadi.  Saka vakamisa atari panzvimbo yayaimbova, pasinei nekuti vaitya vanhu venyika dzakanga dzakavapoteredza,+ uye vakatanga kupa Jehovha zvibayiro zvinopiswa pairi, zvibayiro zvinopiswa zvemangwanani nezvemanheru.+  Vakabva vaita Mutambo Wematumba maererano nezvakanyorwa,+ uye zuva nezuva vaipa zvibayiro zvinopiswa zvine uwandu hwakanga hwataurwa kuti ndihwo hwaidiwa zuva rimwe nerimwe.+  Pashure paizvozvo vakapa mupiro unopiswa unogara uchipiwa,+ nemipiro yekugara kwemwedzi+ neyemwaka yese yemitambo mitsvene+ yaJehovha, neyakabva kumunhu wese akapa Jehovha mupiro achizvidira.+  Kubvira pazuva rekutanga remwedzi wechi7+ vakatanga kupa Jehovha zvibayiro zvinopiswa, kunyange zvazvo faundesheni yetemberi yaJehovha yakanga isati yavakwa.  Vakapa vanhu vaicheka matombo+ nemhizha+ mari, uye vakapa vaSidhoni nevaTire zvekudya nezvekunwa nemafuta, nekuti ivo vaiunza matanda emisidhari nemugungwa kubva kuRebhanoni vachiaendesa kuJopa,+ zvichibva pamvumo yavakapiwa naMambo Koreshi wePezhiya.+  Mugore rechipiri kubva pavakauya kuimba yaMwari wechokwadi kuJerusarema, mumwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri, Jeshua mwanakomana waJehozadhaki nedzimwe hama dzavo dzese, vapristi nevaRevhi, nevaya vese vakanga vauya kuJerusarema vachibva kuutapwa,+ vakatanga basa; vakagadza vaRevhi vaiva nemakore 20 zvichikwira kuti vatungamirire basa reimba yaJehovha.  Saka Jeshua nevanakomana vake nehama dzake, naKadmieri nevanakomana vake, vanakomana vaJudha, vakabatana kuti vatungamirire vaya vaiita basa muimba yaMwari wechokwadi, pamwe chete nevanakomana vaHenadhadhi,+ vanakomana vavo nehama dzavo, ivo vaRevhi. 10  Vavaki pavakavaka faundesheni yetemberi yaJehovha,+ vapristi avo vainge vakapfeka zvipfeko zvebasa, vaine mabhosvo,+ uye vaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi, avo vaiva nezviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha maererano nezvakanga zvarayirwa naMambo Dhavhidhi weIsraeri.+ 11  Vakabva vatanga kuimba vachidairana+ vachirumbidza nekuonga Jehovha, “nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji kuna Israeri runogara nekusingaperi.”+ Vanhu vese vakabva vashevedzera nenzwi guru vachirumbidza Jehovha nekuti faundesheni yeimba yaJehovha yakanga yavakwa. 12  Vapristi vakawanda nevaRevhi nevakuru vedzimba dzemadzibaba, vaya vainge vakwegura uye vakaona imba yekare,+ vakachema nenzwi guru pavakaona faundesheni yeimba iyi ichivakwa, asi vamwe vanhu vakawanda vaishevedzera nemanzwi ari pamusoro vachifara.+ 13  Saka vanhu vakanga vasingagoni kusiyanisa kushevedzera kwemufaro nekwekuchema, nekuti vanhu vaishevedzera nemanzwi ari pamusoro zvekuti vainzwika kure chaizvo.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”