Ezra 5:1-17

  • VaJudha vanotangazve kuvaka temberi (1-5)

  • Tsamba yaTatenai kuna Mambo Dhariyasi (6-17)

5  Zvino muprofita Hagai+ nemuprofita Zekariya+ muzukuru waIdho+ vakaprofita kuvaJudha vaiva muJudha nemuJerusarema, muzita raMwari waIsraeri uyo aiva pavari.  Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri, naJeshua+ mwanakomana waJehozadhaki ndipo pavakabva vatanga kuvakazve imba yaMwari+ yaiva muJerusarema; uye vaprofita vaMwari vaiva navo, vachivatsigira.+  Panguva iyoyo, Tatenai gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi* naShetari-bhozenai nevamwe vavo vakauya kwavari, vakavabvunza kuti: “Ndiani akakupai mvumo yekuti muvake imba iyi uye yekuti mupedze chivakwa ichi?”*  Vakabva vavabvunza kuti: “Varume vari kuvaka chivakwa ichi ndivanaani?”  Asi Mwari aichengeta vakuru* vevaJudha,+ uye havana kuvamisa kusvikira patozotumirwa shoko kuna Dhariyasi uye padzoswa gwaro nezvenyaya iyi.  Aya ndiwo mashoko aiva mutsamba yakatumirwa naTatenai, gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi naShetari-bhozenai nevamwe vake, magavhuna madiki enharaunda yeMhiri kweRwizi, kuna Mambo Dhariyasi;  vakamutumira shoko, uye izvi ndizvo zvavakanyora: “Kuna Mambo Dhariyasi: “Rugare ngaruve nemi!  Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha kuimba yaMwari mukuru, uye imba yacho iri kuvakwa nemazitombo ari kukungurutswa achiiswa munzvimbo yawo, uye mumadziro acho muri kuiswa matanda. Vanhu vacho vari kuita basa nemwoyo wese uye riri kubudirira nekuti vari kushanda chaizvo.  Takabva tabvunza vakuru vavo kuti: ‘Ndiani akakupai mvumo yekuti muvake imba iyi uye yekuti mupedze chivakwa ichi?’*+ 10  Takavabvunzawo mazita avo kuti tikuudzei, kuti tinyore mazita evarume vari kutungamirira. 11  “Vakatipindura kuti: ‘Tiri vashumiri vaMwari wedenga nenyika, uye tiri kuvakazve imba yakavakwa makore mazhinji akapfuura, yakavakwa ikapedzwa namambo mukuru weIsraeri.+ 12  Zvisinei, nemhaka yekuti madzibaba edu akagumbura Mwari wedenga,+ akabva avaisa mumaoko aMambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi, muKadheya, uyo akaputsa imba iyi,+ akatapa vanhu achivaendesa kuBhabhironi.+ 13  Kunyange zvakadaro, mugore rekutanga raMambo Koreshi weBhabhironi, Mambo Koreshi akarayira kuti imba iyi yaMwari ivakwezve.+ 14  Uyewo Mambo Koreshi akabudisa midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari kubva mutemberi yeBhabhironi iyo yakanga yatorwa naNebhukadhinezari mutemberi yemuJerusarema akaiunza kutemberi yeBhabhironi.+ Yakapiwa murume anonzi Sheshbhazari,*+ uyo akaitwa gavhuna naKoreshi.+ 15  Koreshi akati kwaari: “Tora midziyo iyi uende kunoiisa mutemberi iri muJerusarema, uye imba yaMwari ngaivakwezve panzvimbo yayaiva.”+ 16  Sheshbhazari uyu akabva asvika akavaka faundesheni yeimba yaMwari+ iri muJerusarema; uye ichiri kuvakwa kubva ipapo kusvika iye zvino, asi haisati yapera.’+ 17  “Kana zvakanaka kuna mambo, zvinyorwa zviri munochengeterwa pfuma yamambo ikoko kuBhabhironi ngazviongororwe, kuti zvizivikanwe kuti ndizvo here kuti Mambo Koreshi akapa murayiro wekuti imba iyoyo yaMwari iri muJerusarema ivakwezve;+ uye zvinenge zvasarudzwa namambo panyaya iyi ngazvitumirwe kwatiri.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “weMhiri kwaYufratesi.”
Kana kuti “matanda aya.”
ChiAram., “ziso raMwari wavo raiva pavakuru.”
Kana kuti “matanda aya.”
Anogona kunge ari iye Zerubhabheri pana Ezr 2:2; 3:8.