Ezra 6:1-22

  • Ongororo yaDhariyasi uye murayiro wake (1-12)

  • Temberi inopera uye inokumikidzwa (13-18)

  • Paseka inochengetwa (19-22)

6  Panguva iyoyo Mambo Dhariyasi ndipo paakapa murayiro, uye vakaongorora muimba yaichengeterwa zvinyorwa, maiiswa pfuma muBhabhironi.  Pakabva pawanikwa gwaro* munhare* yemuEkibhatana, mudunhu reMedhiya, uye gwaro racho raiva nemashoko ekuti:  “Mugore rekutanga raMambo Koreshi, Mambo Koreshi akapa murayiro pamusoro peimba yaMwari iri muJerusarema achiti:+ ‘Imba yacho ngaivakwezve kuti ive nzvimbo yavachapira zvibayiro, uye faundesheni yayo inofanira kuvakwa; imba yacho inofanira kukwirira nemakubhiti 60,* yakafara makubhiti 60,+  iine mitsara mitatu yemazitombo akakungurutswa achiiswa munzvimbo yawo nemutsara mumwe chete wematanda;+ uye mari yekushandisa ngaibve muimba yamambo.+  Uyewo dzorerai midziyo yeimba yaMwari yegoridhe neyesirivha iyo yakabudiswa naNebhukadhinezari mutemberi yaiva muJerusarema ikaunzwa kuBhabhironi.+ Ngaiiswe munzvimbo yayo mutemberi iri muJerusarema, muimba yaMwari.’+  “Saka Tatenai, gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi,* Shetari-bhozenai, nevamwe venyu, magavhuna madiki enharaunda yeMhiri kweRwizi,+ siyanai nenzvimbo iyoyo.  Musavhiringa basa reimba iyoyo yaMwari. Gavhuna wevaJudha nevakuru vevaJudha vachavakazve imba iyoyo yaMwari panzvimbo yayaiva.  Ndiri kupawo murayiro pamusoro pezvamunofanira kuitira vakuru ava vevaJudha kuti imba iyoyo yaMwari ivakwezve: Varume ava vanofanira kukurumidza kupiwa mari yekushandisa ichitorwa papfuma yeumambo,+ pamutero wakabva munharaunda iri Mhiri kweRwizi kuti vaenderere mberi nebasa vasingamiri.+  Chero zvinenge zvichidiwa, ingava mikono midiki yemombe+ uyewo makondohwe+ nemakwayana+ ezvibayiro zvinopisirwa Mwari wedenga, gorosi,+ munyu,+ waini,+ nemafuta,+ sezvinenge zvataurwa nevapristi vari muJerusarema, ngavarambe vachizvipiwa zuva nezuva pasina kukundikana, 10  kuti varambe vachipa mipiro inofadza Mwari wedenga uye vanyengeterere upenyu hwamambo nevanakomana vake.+ 11  Ndapawo murayiro wekuti kana pakava nemunhu anoputsa murau uyu, bango richazvomorwa paimba yake, iye osimudzwa oturikwa pariri, uye imba yake ichaitwa chimbuzi chevanhu vese* nekuda kwemhosva iyi. 12  Mwari uyo akaita kuti zita rake rigare imomo+ ngaaparadze chero mambo nevanhu vanosimudza ruoko kuti vatyore murayiro uyu, voparadza imba iyoyo yaMwari iri muJerusarema. Ini Dhariyasi, ndapa murayiro uyu. Ngazviitwe nekukurumidza.” 13  Tatenai, gavhuna wenharaunda yeMhiri kweRwizi, Shetari-bhozenai,+ nevamwe vavo, vakabva vakurumidza kuita zvese zvakanga zvarayirwa naMambo Dhariyasi. 14  Saka vakuru vevaJudha vakaramba vachivaka,+ basa richienderera mberi, vachisimbiswa nekuprofita kwaiitwa naHagai+ naZekariya+ muzukuru waIdho; uye vakapedza kuivaka sezvakarayirwa naMwari waIsraeri+ uye sezvakarayirwa naKoreshi+ naDhariyasi+ naMambo Atashasta+ wePezhiya. 15  Vakapedza imba yacho pazuva rechitatu remwedzi waAdhari,* mugore rechi6 rekutonga kwaMambo Dhariyasi. 16  VaIsraeri, vapristi nevaRevhi+ nevaya vese vaimbova nhapwa vakabva vakumikidza imba iyi yaMwari vachifara. 17  Vakapa mikono 100 yemombe, makondohwe 200, nemakwayana 400, zvekukumikidza nazvo imba yaMwari, uye nhongo 12 kuti dzive chibayiro chechivi chevaIsraeri vese, zvichienderana nekuwanda kwemadzinza aIsraeri.+ 18  Vakaisa vapristi mumapoka avo uye vaRevhi mumapoka avo, kuti vaite basa raMwari muJerusarema,+ sezvakanyorwa mubhuku raMozisi.+ 19  Vaya vaimbova nhapwa vakabva vachengeta Paseka pazuva rechi14 remwedzi wekutanga.+ 20  Vapristi nevaRevhi, vese zvavo, vakanga vazvichenesa,+ saka vese vakanga vakachena; vakauraya chibayiro chePaseka vachiitira vaya vese vaimbova nhapwa, nevamwe vapristi, naivowo pachavo. 21  VaIsraeri vakanga vadzoka kubva pakutapwa vakabva vadya chibayiro chacho, pamwe chete nemunhu wese akanga abatana navo uye akanga asiya zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi enyika yacho kuti anamate* Jehovha Mwari waIsraeri.+ 22  Vakaitawo Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso+ kwemazuva manomwe vachifara, nekuti Jehovha akaita kuti vafare uye akanga aita kuti mwoyo wamambo weAsiriya ude kuvaitira zvakanaka,+ zvekuti akavatsigira* pabasa reimba yaMwari wechokwadi, iye Mwari waIsraeri.

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Mamita angasvika 26,7. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “weMhiri kwaYufratesi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo inorasirwa marara; murwi wendove.”
ChiHeb., “atsvage.”
ChiHeb., “akasimbisa maoko avo.”