Ezra 9:1-15

  • Kuroorerana nemamwe marudzi muIsraeri (1-4)

  • Munyengetero waEzra wekureurura (5-15)

9  Zvinhu izvi pazvakangoitwa, machinda akauya kwandiri, akati: “Vanhu veIsraeri nevapristi nevaRevhi havana kuzviparadzanisa nemarudzi enyika uye netsika dzawo dzinosemesa,+ tsika dzevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhi, vaIjipiti,+ nevaAmori.+  Vakatora vamwe vanasikana vavo kuti vave madzimai avo neevanakomana vavo.+ Zvino ivo, rudzi* rutsvene,+ vavhengana nemarudzi enyika dzacho.+ Machinda nevatevedzeri vevatongi ndivo vanotova pamberi pamhosva iyi yekusatendeka.”  Pandakangozvinzwa, ndakabvarura nguo yangu yemukati neyekunze, ndikadzura rimwe bvudzi mumusoro mangu nendebvu dzangu, uye ndakagara pasi ndichinetseka chaizvo.  Vanhu vese vairemekedza mashoko* aMwari waIsraeri vakabva vandiunganira nemhaka yekusatendeka kwevanhu vainge vadzoka kuutapwa. Vakandiunganira pandakanga ndakagara ndichinetseka kusvikira yava nguva yemupiro wezviyo* wemanheru.+  Panguva yemupiro wezviyo wemanheru+ ndakasimuka pandainetseka ndiri, ndakapfeka nguo dzakabvaruka, yemukati neyekunze, uye ndakapfugama ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu.  Uye ndakati: “Haiwa Mwari wangu, ndiri kunyara uye ndiri kushaya kuti ndotarisa sei kwamuri, haiwa Mwari wangu, nekuti kukanganisa kwedu kwawanda pamisoro yedu uye mhosva dzedu dzaturikidzana kusvika kudenga.+  Mhosva yedu ihombe kubvira pamazuva emadzitateguru edu kusvika nhasi;+ uye kukanganisa kwedu kwakaita kuti isu, nemadzimambo edu, nevapristi vedu, tiiswe muruoko rwemadzimambo edzimwe nyika, tiurayiwe nebakatwa,+ tiendeswe kuutapwa,+ tipambwe,+ uye tinyadziswe, sezvazviri nhasi.+  Asi pari zvino nyasha dzinobva kuna Jehovha Mwari wedu dzauya kwenguva pfupi paaita kuti pave nevashoma vanopukunyuka uye nekutipa kwaaita nzvimbo yakasimba* panzvimbo yake tsvene,+ kuti tifare chaizvo, haiwa Mwari wedu, uye kuti atizorodze zvishoma pauranda hwedu.  Nekuti kunyange zvazvo tiri varanda,+ Mwari wedu haana kutisiya muuranda hwedu; asi akatiratidza rudo rusingachinji pamberi pemadzimambo ePezhiya,+ kuti atimutsidzire kuti tisimudze imba yaMwari wedu,+ tivakezve pamatongo ayo uye kuti atipe rusvingo rwematombo* muJudha nemuJerusarema. 10  “Zvino tichatii pashure peizvi haiwa Mwari wedu? Nekuti takasiya mirayiro yenyu 11  yamakatipa muchishandisa vashumiri venyu vaprofita, muchiti: ‘Nyika yamuri kupinda mairi kuti muitore inyika isina kuchena nemhaka yekusachena kwemarudzi enyika dzacho, nemhaka yetsika dzawo dzinosemesa dzaakaizadza nadzo nekusachena kwawo kubva kwainotangira kusvika kwainoperera.+ 12  Saka musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo, uyewo musagamuchira vanasikana vavo kuti mupe vanakomana venyu;+ uye musatombovabatsira kuva nerugare kana kuti vabudirire,+ kuitira kuti muve nesimba uye kuti mudye zvakanaka zvenyika yacho uye muitore kuti ive yevanakomana venyu nekusingaperi.’ 13  Uye pashure pezvese zvakatiwira nemhaka yemabasa edu akaipa uye mhosva yedu huru (nekuti imi, haiwa Mwari wedu, hamuna kutiitira zvinoenderana nekutadza kwedu,+ uye makaita kuti isu tiri pano tipukunyuke)+ 14  toputsazve here mirayiro yenyu tichiroorerana nemarudzi ane tsika idzi dzinosemesa?+ Izvi hazviiti here kuti mutitsamwire zvikuru zvekusvika pakutiparadza zvachose, poshaya vashoma kana kuti mumwe chete anopukunyuka? 15  Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, imi makarurama,+ nekuti vamwe vedu tichiripo nanhasi. Iye zvino tiri pamberi penyu isu vatadzi, kunyange zvazvo zvisingabviri kumira pamberi penyu nezvatiri izvi.”+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “vaidedereswa nemashoko.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “nekutipa kwaaita hoko.”
Kana kuti “rusvingo rwekudzivirira.”