Genesisi 3:1-24
3 Nyoka+ ndiyo yakanga yakachenjera* kupfuura mhuka dzese dzemusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Saka yakati kumukadzi: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?”+
2 Mukadzi akabva ati kunyoka: “Tingadya hedu michero yemiti yemumunda.+
3 Asi Mwari akataura nezvemuchero wemuti uri pakati pemunda,+ achiti: ‘Musaudya, kana kuubata; mukangodaro muchafa.’”
4 Nyoka yakabva yati kumukadzi: “Chokwadi hamumbofi.+
5 Nekuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”+
6 Audzwa izvi, mukadzi akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uchiyevedza,* chokwadi, muti wacho waifadza kutarisa. Saka akatemha muchero wawo akatanga kuudya.+ Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.+
7 Maziso avo akabva asvinudzwa, vakabva vaziva kuti vakanga vasina kupfeka. Saka vakasonanidza mashizha emuonde, vakazvigadzirira zvinofukidza chiuno.+
8 Gare gare vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mumunda pakwainge kwava kutonhorera, uye murume nemudzimai wake vakanohwanda Jehovha Mwari pakati pemiti yemumunda.
9 Jehovha Mwari akaramba achishevedza munhu achiti kwaari: “Uri kupiko?”
10 Akazodaira achiti: “Ndanzwa inzwi renyu mumunda, asi ndatya nekuti ndanga ndisina kupfeka, saka ndahwanda.”
11 Iye akati: “Ndiani akuudza kuti wanga usina kupfeka?+ Asi wadya muchero wemuti wandakati usadye?”+
12 Murume akati: “Mukadzi wamakandipa ndiye andipa muchero wemuti wacho, saka ndadya.”
13 Jehovha Mwari akabva ati kumukadzi: “Chii ichi chawaita?” Mukadzi wacho akapindura kuti: “Nyoka ndiyo yandinyengera, saka ndadya.”+
14 Jehovha Mwari akabva ati kunyoka:+ “Nemhaka yezvawaita izvi, watukwa pazvipfuwo zvese nepamhuka dzese dzesango. Uchafamba nedumbu, uye uchadya guruva mazuva ese eupenyu hwako.
15 Ndichaisa ruvengo+ pakati pako+ nemukadzi,+ nepakati pevana*+ vako nemwana*+ wake. Iye achakupwanya musoro+ uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”+
16 Kumukadzi akati: “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako nepamuviri; uchasununguka vana uchirwadziwa, uchada kugara uchingova pedyo nemurume wako, uye achakutonga.”
17 Kuna Adhamu* akati: “Sezvo wateerera inzwi remudzimai wako, ukadya muchero wemuti wandakakurayira+ ndichiti, ‘Usaudya,’ ivhu ratukwa nemhosva yako.+ Uchadya zvibereko zvaro uchirwadziwa mazuva ese eupenyu hwako.+
18 Richakumerera minzwa nemasora anobaya, uye uchadya zvinomera zvemusango.
19 Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+
20 Pashure peizvi, Adhamu akatumidza mudzimai wake kuti Evha,* nekuti ndiye aizova amai vemunhu wese mupenyu.+
21 Jehovha Mwari akagadzirira Adhamu nemudzimai wake nguo refu dzematehwe, kuti vapfeke.+
22 Jehovha Mwari akabva ati: “Iye zvino munhu ava semumwe wedu pakuziva zvakanaka nezvakaipa.+ Saka kuti arege kutambanudza ruoko rwake, otorawo michero yemuti weupenyu,+ odya, orarama nekusingagumi,—”
23 Jehovha Mwari akabva amudzinga mumunda weEdheni+ kuti arime ivhu raakanga atorwa kwariri.+
24 Saka akadzingira munhu kunze, akaisa makerubhi+ kumabvazuva kwemunda weEdheni nebakatwa raibvira moto raigara richitenderera richichengetedza nzira yaienda kumuti weupenyu.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “ndiyo yainyengera.”
^ Kana kuti “uchifadza maziso.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kureva kuti “Munhu Wepanyika; Vanhu.”
^ Kureva kuti “Mupenyu.”