Habhakuki 3:1-19

  • Muprofita wacho anonyengetera kuna Jehovha kuti aratidze simba rake (1-19)

    • Mwari achaponesa vanhu vake vakazodzwa (13)

    • Kupembera nemufaro muna Jehovha pasinei nekuoma kwezvinhu (17, 18)

3  Uyu ndiwo munyengetero wemuprofita Habhakuki, waakaita zvekuimba serwiyo rwemariro:*   Jehovha, ndakanzwa nezvenyu. Ndinoshamiswa kwazvo nebasa renyu Jehovha. Riitei pakupindana kwemakore acho!* Makore acho paanenge achipindana, itai kuti rizivikanwe. Musakanganwa kunzwira tsitsi panguva yezhowezhowe.+   Mwari akauya achibva kuTemani,Iye Mutsvene achibva kuGomo reParani.+ (Sera)* Ukuru hwake hwakafukidza denga;+Uye nyika yakazadzwa nekurumbidzwa kwake.   Aipenya sechiedza.+ Muruoko rwake makabuda mwaranzi mbiri,Uye ndimo mainge makavanzwa simba rake.   Denda raifamba riri mberi kwake,+Uye fivha yaitevera shure kwake.   Akamira ndokuzunungusa nyika.+ Akaita kuti marudzi akwakuke nekungoatarisa.+ Makomo aya akabvira kare aripo akaputswa,Zvikomo zvekare zvakakotama.+ Idzi ndidzo nzira dzake kubvira kare.   Ndakaona mumatende eKushani muine dambudziko. Matende enyika yeMidhiyani akazununguka.+   Jehovha, makatsamwira nzizi here,Makatsamwira nzizi kwazvo here? Makashatirirwa gungwa here?+ Nekuti makatasva mabhiza enyu;+Ngoro dzenyu dzaikunda.*+   Mabudisa uta hwenyu uye magadzirira kupfura. Zvombo zvacho zvine* mhiko yenyu.* (Sera) Makakamura nyika muchishandisa nzizi. 10  Makomo akazvongonyoka achirwadziwa paakakuonai.+ Dzvotsvotsvo remvura rakapfuura richinaya munyika yacho. Pakava nekutinhira kwemvura.+ Yakasimudza maoko ayo mudenga. 11  Zuva nemwedzi zvakamira munzvimbo yazvo yekugara iri kumusoro.+ Miseve yenyu yakaenda sezvinoita chiedza.+ Pfumo renyu raipenya semheni. 12  Makafamba panyika makatsamwa. Makatsika-tsika* marudzi muine hasha. 13  Makaenda kunoponesa vanhu venyu, kuti muponese muzodziwa wenyu. Makakuya mutungamiriri weimba yevanhu vakaipa. Yakaputswa kubvira kumusoro kusvika kufaundesheni yayo. (Sera) 14  Makabaya misoro yevarwi vake nezvombo zvakePavakauya kuzotiparadzira* vakashatirwa. Vaifara chaizvo pavaiparadza munhu anotambudzika, vachiita zvekumuhwandira. 15  Makapfuura nemugungwa nemabhiza enyu,Nemumvura zhinji isina kugadzikana. 16  Ndakanzwa nezvazvo ndikabvunda;Pandakazvinzwa miromo yangu yakadedera. Mapfupa angu akapera simba,+Makumbo angu achidedera. Asi ndakamirira dambudziko racho chinyararire,+Nekuti riri kuuya pavanhu vanotirwisa. 17  Kunyange kana muonde ukarega kutumbuka,Uye mizambiringa ikasabereka;Kunyange kana miorivhi ikasabereka,Uye minda ikasabereka zvekudya;Kunyange kana makwai akapera mudanga,Uye mumatanga mukasava nemombe; 18  Ini ndichapembera nemufaro muna Jehovha;Ndichafara muna Mwari, muponesi wangu.+ 19  Changamire Ishe Jehovha ndiye simba rangu;+Achaita kuti tsoka dzangu dziite sedzenondo,Uye achandifambisa panzvimbo dzakakwirira.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “rwekushungurudzika.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “panguva yatiri kurarama.”
Kana kuti “dzaiponesa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Miseve yacho ine.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Mhiko dzemadzinza dzataurwa.”
ChiHeb., “Makapura.”
ChiHeb., “kuzondiparadzira.”