Hagai 1:1-15

  • Vanhu vanotsiurwa nekuti havasi kuvakazve temberi (1-11)

    • ‘Inguva yekugara mudzimba dzakanamirirwa mapuranga akanaka here?’ (4)

    • “Nyatsofungai nezvenzira dzenyu” (5)

    • Kudyara zvizhinji asi vachikohwa zvishoma (6)

  • Vanhu vanoteerera inzwi raJehovha (12-15)

1  Mugore rechipiri raMambo Dhariyasi, mumwedzi wechi6, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya nekumuprofita Hagai*+ richienda kuna gavhuna weJudha Zerubhabheri,+ mwanakomana waSheatiyeri, uye kumupristi mukuru Joshua mwanakomana waJehozadhaki, richiti:  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Vanhu ava vari kuti, “Nguva yekuti imba* yaJehovha ivakwe* haisati yasvika.”’”+  Shoko raJehovha rakauyazve kumuprofita Hagai,+ richiti:  “Ino inguva yekuti mugare mudzimba dzenyu dzakanamirirwa mapuranga akanaka, muchisiya imba iyi iri dongo here?+  Zvino zvanzi naJehovha wemauto, ‘Nyatsofungai nezvenzira dzenyu.  Makadyara mbeu zhinji, asi muri kukohwa zvishoma.+ Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hapana chamunonzwa kuti manwa. Munopfeka asi hapana anodziyirwa. Munhu wemaricho anoisa mubhadharo wake muchihomwe chakabooka-booka.’”  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Nyatsofungai nezvenzira dzenyu.’  “‘Kwirai mugomo muuye nematanda.+ Vakai imba yangu+ kuti ndiifarire uye ndikudzwe,’+ anodaro Jehovha.”  “‘Maitarisira kuti muchawana zvizhinji, asi makawana zvishoma; uye pamakauya nazvo mudzimba dzenyu ndakazvifuridza zvikaenda.+ Ndakaitirei izvozvo?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. ‘Nekuti imba yangu idongo, asi imi muri kumhanya-mhanya kugadzirisa dzimba dzenyu.+ 10  Saka denga rakakunyimai dova raro, uye nyika haina kukuberekerai chinhu. 11  Ndakaramba ndichiita kuti mvura isanaya panyika nemumakomo, zvikaita kuti mushaye goho, newaini itsva, nemafuta, nezvinomera panyika. Iye zvino mese vanhu nezvipfuwo muri kutambura uye imi muri kushandira mahara.’” 12  Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri,+ nemupristi mukuru Joshua mwanakomana waJehozadhaki,+ nevamwe vanhu vese vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, uye mashoko emuprofita Hagai, nekuti akanga atumwa naJehovha Mwari wavo; uye vanhu vakatanga kutya Jehovha. 13  Hagai uyo aiva nhume yaJehovha akabva audza vanhu mashoko aya sekurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akati: “‘Ndinemi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” 14  Saka Jehovha akaita kuti Zerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri, gavhuna weJudha,+ nemupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki, nevamwe vanhu vese vave nechido+ chekuita basa; uye vakauya vakatanga kuita basa paimba yaJehovha wemauto Mwari wavo.+ 15  Iri raiva zuva rechi24 remwedzi wechi6, mugore rechipiri raMambo Dhariyasi.+

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Kuberekwa Pamutambo.”
Kana kuti “temberi.”
Kana kuti “ivakwezve.”