Hosiya 10:1-15
10 “Israeri muzambiringa wemusango* unobereka michero.+
Michero yaanobereka painowanda, iye anobva awedzerawo atari dzake;+Goho renyika yake parinowedzera, shongwe dzake dzinoyera dzinowedzerawo kunaka.+
2 Mwoyo yavo ine unyengeri;Iye zvino vachabatwa nemhosva.
Pane achaputsa atari dzavo, oparadza shongwe dzavo.
3 Zvino vachati, ‘Hatina mambo,+ nekuti hatina kutya Jehovha.
Uye mambo ane chaangatiitira here?’
4 Vanotaura mashoko asingabatsiri, vanoita mhiko dzenhema,+ uye vanoita sungano;Saka mitongo yavanopa yakaita semasora anouraya ari mumiforo mumunda.+
5 Vagari vemuSamariya vachatyira chidhori chavo, iyo mhuru yekuBheti-avheni.+
Vanhu vacho vachachichemaSezvichaitwa nevapristi vavanamwari vekune dzimwe nyika avo vaichifarira uye vaifarirawo kukudzwa kwacho,Nekuti vachachitorerwa choendwa nacho.
6 Chichaendeswa kuAsiriya chopiwa sechipo kuna mambo mukuru.+
Efremu achanyadziswa,Uye Israeri achanyara nezano raakatevera.+
7 Samariya namambo wayo vachanyangarika*+Sekamuti kadimburwa, kari pamusoro pemvura.
8 Nzvimbo dzakakwirira dzekuBheti-avheni+ idzo dzinoita kuti Israeri atadze,+ dzichaparadzwa.+
Paatari+ dzavo pachamera minzwa nemasora anobaya.
Vanhu vachati kumakomo, ‘Tifushirei!’
Uye kuzvikomo, ‘Tiwirei!’+
9 Iwe Israeri, wakatadza kubvira pamazuva eGibhiya.+
Vakaramba vachingodaro vari ikoko.
Hondo haina kupedza vanhu vasina kururama muGibhiya.
10 Ndichavaranga pandinenge ndava kuda.
Marudzi achavamomoteraPavanenge vabopwa pajoko rezvivi zvavo zviviri.*
11 Efremu aiva tsiru rakapingudzwa raifarira kupura,Saka handina kuremedza mutsipa wake wakanaka.
Iye zvino ndichaita kuti mumwe munhu atasve* Efremu.+
Judha acharima; Jakobho ndiye achamuputsira mavhinga.
12 Dyarai mbeu yekururama, mokohwa rudo rusingachinji.
Rimai nyika inorimika+Nguva yekutsvaga Jehovha isati yapera,+Kusvikira auya, okudzidzisai zvinhu zvakarurama.+
13 Asi imi makarima zvakaipa,Mukakohwa zvisina kururama,+Uye makadya zvakaberekwa neunyengeri;Nekuti makavimba nenzira yenyu,Nevarwi venyu vakawanda.
14 Vanhu vako vachamutsirwa mheremhere,Uye maguta ako akakomberedzwa nemasvingo achaparadzwa ese,+Sekuparadza kwakaita Sharimani imba yaAribheri,Pazuva rehondo, paya pakaparadzwa vanaamai pamwe chete nevana vavo.
15 Izvi ndizvo zvichaitwa kwauri iwe Bheteri,+ nemhaka yezvakaipa zvako zvakanyanyisa.
Chokwadi mambo weIsraeri achaparadzwa mambakwedza.”+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “unotanda.”
^ ChiHeb., “vachaitwa kuti vanyarare.”
^ Kureva kuti kurangwa kwavo pakunenge kuchivaremera sejoko.
^ Kana kuti “abope.”