Hosiya 11:1-12
11 “Ndakada Israeri paaiva mukomana,+Uye ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.+
2 Pavairamba* vachivashevedza,Ivo vaibva vatowedzera kuenda kure navo.+
Vakaramba vachibayira zvibayiro kumifananidzo yaBhaari+Uye vachipa zvibayiro kumifananidzo yakavezwa.+
3 Ndini ndakadzidzisa Efremu kufamba,+ ndichivatakura mumaoko angu;+Asi havana kubvuma kuti ndakanga ndavaporesa.
4 Ndakaramba ndichivakweva netambo dzemunhu,* netambo dzerudo;+Ndaiita semunhu ari kubvisa joko pamitsipa yavo,Uye ndakaunzira mumwe nemumwe wavo zvekudya neunyoro.
5 Havazodzokeri kunyika yeIjipiti, asi Asiriya ndiyo ichava mambo wavo,+Nekuti vakaramba kudzoka kwandiri.+
6 Bakatwa richavheya richirwisa maguta ake+Roparadza mazariro* ake uye rovaparadza nemhaka yezvavakafurirana kuita.+
7 Vanhu vangu vanongoda kuita zvinhu zvisina kutendeka kwandiri.+
Kunyange zvazvo vakavashevedza kuti vakwidze kumusoro,* hapana ari kukwidza.
8 Ndingakusiya here nhai Efremu?+
Ndingakuisa mumaoko evamwe here nhai Israeri?
Ndingakubata seAdma here?
Ndingakuita seZebhoimu here?+
Ndachinja pfungwaUye mwoyo wangu uri kurwadza.+
9 Handizoratidzi kutsamwa kwangu kukuru.
Handizoparadzizve Efremu,+Nekuti handisi munhu asi ndiri Mwari,Iye Mutsvene ari pakati pako;Uye handizouyi kwauri ndakashatirwa.
10 Vachatevera Jehovha uye achadzvova seshumba;+Paachadzvova, vanakomana vake vachauya vachidedera vachibva kumavirira.+
11 Vachadedera seshiri pavachabuda muIjipiti,Uye senjiva pavachabuda munyika yeAsiriya;+Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
12 “Efremu akandikomba nenhema,Uye imba yaIsraeri yakandikomba neunyengeri.+
Asi Judha achiri kufamba naMwari,Uye akavimbika kuna Iye Mutsvenetsvene.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, vaprofita nevamwe vanhu vaitumwa kunodzidzisa vaIsraeri.
^ Kana kuti “netambo dzemutsa,” dzakaita sedzemubereki.
^ Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
^ Kureva kuti vadzokere pakunamata kwechokwadi kunodiwa neWekumusorosoro.