Hosiya 14:1-9
14 “Dzoka kuna Jehovha Mwari wako iwe Israeri,+Nekuti kukanganisa kwako kwakakupiringisha.
2 Dzokai kuna Jehovha mutaure mashoko aya,Itii kwaari, ‘Tiregerereiwo kukanganisa kwedu+ uye gamuchirai zvakanaka zvatinokuitirai,Uye tichakurumbidzai nemiromo yedu+ sekukupai kwatinoita zvibayiro zvemikono midiki yemombe.
3 Asiriya haizotiponesi.+
Hatizotasvi mabhiza,+Uye hatizotizve, “Haiwa Mwari wedu,” tichidaro kubasa remaoko edu,Nekuti ndimi munonzwira nherera tsitsi.’+
4 Ndichavabatsira kuti vavezve vanhu vakatendeka.+
Ndichavada ndega zvichibva pamwoyo,+Nekuti handisisina kuvatsamwira.+
5 Ndichaita sedova kuna Israeri;Achatumbuka seruvaUye midzi yake ichadzika seyemiti yekuRebhanoni.
6 Tumapazi twake tuchareba,Achange akanaka semuti wemuorivhi,Uye kunhuhwirira kwake kuchaita sekwemiti yekuRebhanoni.
7 Vachatangazve kugara pamumvuri wake.
Vacharima zviyo,* uye vachatungira semuzambiringa.+
Mukurumbira wake uchaita sewewaini yekuRebhanoni.
8 Efremu achati, ‘Ndichadirei zvidhori?’+
Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.+
Ndichaita semujunipa wakasvibirira.
Muchawana michero pandiri.”
9 Ndiani akachenjera? Kana aripo ngaanzwisise zvinhu izvi.
Ndiani akangwara? Ngaazvizive.
Nekuti nzira dzaJehovha dzakarurama,+Uye vakarurama vachafamba madziri;Asi vatadzi vachagumburwa madziri.
Mashoko Emuzasi
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.