Hosiya 4:1-19

  • Mhosva yevaIsraeri yavari kuda kutongwa naJehovha (1-8)

    • Vanhu havasi kuziva Mwari munyika (1)

  • Chipfambi chevaIsraeri uye unzenza hwavo (9-19)

    • Kuda chipfambi kunotsausa vanhu (12)

4  Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri,Nekuti Jehovha ane mhosva yaari kuda kutonga vagari vemunyika,+Nekuti munyika hamuna chokwadi kana rudo* kana kuziva Mwari.+   Mhiko dzenhema, nekunyepa,+ neumhondi,+Nekuba, neupombwe,+ zvazara munyika,Uye vanoramba vachideura ropa pamusoro perimwe.+   Saka nyika ichachema+Uye munhu wese anogara mairi achaperezeka;Mhuka dzesango dzichaparara pamwe chete neshiri dzedenga,Kunyange hove dzemumakungwa dzichafa.   “Asi ngapasava hapo nemunhu anopikisa kana anotsiura,+Nekuti vanhu vako vakaita sevaya vanorwisana nemupristi.+   Saka uchapiringishwa masikati machena,Uye muprofita achapiringishwa pamwe chete newe, sezvinonzi usiku. Uye ndichaita kuti amai vako vanyarare.*   Vanhu vangu vachaitwa kuti vanyarare,* nekuti havandizivi. Zvawakaramba kundiziva,+Ndicharambawo kuti uve mupristi wangu;Uye zvawakakanganwa mutemo waMwari wako,+Iniwo ndichakanganwa vanakomana vako.   Pavaiwanda, vaibva vatowedzerawo kunditadzira.+ Ndichaita kuti vazvidzwe pane kuti vakudzwe.*   Vanodya nyama inouya nevanhu vangu yekukanganisa kwavanenge vaita,Uye vanotofarira kuti vanhu vangu vatadze.   Zvichaitika kuvanhu ndizvo zvichaitikawo kumupristi;Ndichavatongera nzira dzavo,Uye ndichaita kuti zvavakaita zvivadzokere.+ 10  Vachadya asi havazoguti.+ Vachaita chipfambi* asi havazowandi,+Nekuti havana kuremekedza Jehovha. 11  Chipfambi newaini yekare, newaini itsvaZvinopedza shungu dzekuita zvakanaka.+ 12  Vanhu vangu vanobvunza zvidhori zvavo zvematanda,Vachiita zvavanoudzwa netsvimbo yavo;*Nekuti kuda chipfambi ndiko kunoita kuti vatsauke,Uye vanoramba kuteerera Mwari pavanoita chipfambi chavo. 13  Vanopa zvibayiro pamusoro pemakomo,+Uye vanopfungaidza utsi hwezvibayiro pamusoro pezvikomo,Nepasi pemiti yemioku nemistorakisi nepasi pemiti yese mikuru,+Nekuti ine mimvuri yakanaka. Ndokusaka vanasikana venyu vachiita chipfambi,Uye varoora venyu vachiita upombwe. 14  Handizorangiri vanasikana venyu chipfambi chavo,Uye varoora venyu upombwe hwavo. Nekuti varume vanotorana nemahure voenda,Vopa zvibayiro pamwe chete nepfambi dzepatemberi;Vanhu vakadaro vasinganzwisisi+ vachaparara. 15  Iwe Israeri uri kuita chipfambi,+Asi usaita kuti Judha ave nemhosva.+ Musauya kuGirigari,+ kana kuBheti-avheni,+Uye musapika muchiti, ‘NaJehovha mupenyu!’+ 16  Nekuti Israeri aoma musoro+ semhou inonetsa. Saka Jehovha angavafudza segondohwe diki mumafuro akakura here? 17  Efremu haasiyani nezvidhori.+ Muregei akadaro! 18  Kana doro ravo* rapera,Vanotanga kuita ufeve. Uye vatongi vake vanotorwarira kuzvidzwa.+ 19  Mhepo ichamuputira* mumapapiro ayo,Uye vachanyara nezvibayiro zvavo.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “rudo rusingachinji.”
Kana kuti “ndichaparadza amai vako.”
Kana kuti “vachaparadzwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Vakaita kuti ndizvidzwe pane kuti ndikudzwe.”
Kana kuti “unzenza hwakanyanya.”
Kana kuti “netsvimbo yavo yemunhu anoshopera.”
Kana kuti “doro ravo regorosi.”
Kana kuti “ichamutakura.”