Isaya 12:1-6
12 Pazuva iroro chokwadi uchati:
“Ndinokutendai, haiwa Jehovha,Nekuti kunyange makanga makanditsamwira,Kutsamwa kwenyu kwakadzikira zvishoma nezvishoma, uye makandinyaradza.+
2 Inzwai! Mwari ndiye ruponeso rwangu.+
Ndichavimba naye uye handizotyi;+Nekuti Jah* Jehovha ndiye simba rangu uye ndiye anondidzivirira,Uye ava ruponeso rwangu.”+
3 Muchachera mvura muchifara chaizvoPazvitubu zvinopa ruponeso.+
4 Uye pazuva iroro muchati:
“Ongai Jehovha, danai zita rake,Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi!+
Zivisai kuti zita rake riri pamusorosoro.+
5 Imbai* muchirumbidza Jehovha,+ nekuti akaita zvinhu zvinoshamisa kwazvo.+
Itai kuti izvi zvizivikanwe munyika yese.
6 Shevedzera usimudze inzwi uchifara, iwe mugari* wemuZiyoni,Nekuti Mutsvene waIsraeri uyo ari pakati pako mukuru.”
Mashoko Emuzasi
^ “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “Ridzai rwiyo.”
^ ChiHeb., “mukadzi.” Vagari vemo vese ndivo vari kunzi mukadzi.