Isaya 2:1-22

  • Gomo raJehovha rinokwidziridzwa (1-5)

    • Mapakatwa anoitwa miromo yemagejo (4)

  • Zuva raJehovha rinonyadzisa vanozvikudza (6-22)

2  Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema:+   Mumazuva ekupedzisira,*Gomo reimba yaJehovhaRichanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,+Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,Uye marudzi ese achadirana achienda kwariri.+   Uye marudzi mazhinji achaenda, oti: “Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha,Kuimba yaMwari waJakobho.+ Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,Uye isu tichafamba mumakwara ake.”+ Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.+   Achapa mutongo pakati pemarudziOruramisa* zvinhu pakati pemarudzi mazhinji. Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejoNemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+ Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+   Haiwa imba yaJakobho, uyai,Ngatifambei muchiedza chaJehovha.+   Nekuti makasiya vanhu venyu, iyo imba yaJakobho,+Nekuti vazara nezvinhu zvinobva kuMabvazuva;Vanoita zvemashiripiti+ sevaFiristiya,Uye vazere nevana vevanhu vekune dzimwe nyika.   Nyika yavo yakazara nesirivha negoridhe,Uye pfuma yavo haiperi. Nyika yavo yakazara nemabhiza,Uye ngoro dzavo hadziperi.+   Nyika yavo yakazara navanamwari vasina zvavanobatsira.+ Vanokotamira basa remaoko avo,Zvinhu zvakagadzirwa neminwe yavo.   Saka munhu anozvideredza, odzika pasi,Uye hazviiti kuti muvaregerere. 10  Pinda mudombo uye hwanda muguruvaNemhaka yekutyisa kwaJehovhaUye kubwinya kwake kukuru.+ 11  Maziso emunhu anozvikudza achaderedzwa,Uye vanhu vanodada vachadzikiswa pasi.* Jehovha chete ndiye achakwidziridzwa zuva iroro. 12  Nekuti izuva raJehovha wemauto.+ Riri kuuya pamunhu wese anozvikudza uye anozvionera pamusoro,Pamunhu wese pasinei nekuti akakwirira kana kuti akaderera,+ 13  Pamisidhari yese yekuRebhanoni mirefu uye yakakwiriraNepamiti yese yemioku yekuBhashani, 14  Pamakomo ese marefuNepazvikomo zvese zvakakwirira, 15  Pashongwe yese yakakwirira neparusvingo rwese rwakasimba, 16  Pangarava dzese dzeTashishi+Nepazvikepe zvese zvakanaka. 17  Munhu anozvikudza achaderedzwa,Uye vanhu vanodada vachadzikiswa pasi.* Jehovha chete ndiye achakwidziridzwa zuva iroro. 18  Vanamwari vasina zvavanobatsira vachanyangarika zvachose.+ 19  Vanhu vachapinda mumapako ematomboNemumakomba ari pasi,+Nemhaka yekutyisa kwaJehovhaUye kubwinya kwake kukuru,+Panguva yaanosimuka kuti adederese nyika nekutya. 20  Pazuva iroro varume vachatora vanamwari vavo vasina zvavanobatsira vesirivha negoridheAvo vavakagadzira kuti vavakotamireVovakandira kumidune* nezviremwaremwa,+ 21  Kuti vapinde mumakomba ari mumatomboUye mumikaha yemabwe,Nemhaka yekutyisa kwaJehovhaUye kubwinya kwake kukuru,Paanosimuka kuti adederese nyika nekutya. 22  Kuti zvikunakirei, regai kuvimba nemunhuwo zvakeUyo anongovawo mhepo yekufema iri mumhino dzake.* Nei achifanira kufungwa nezvake?

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”
Kana kuti “murayiro.”
Kana kuti “Ogadzirisa.”
Kana kuti “vachaninipiswa.”
Kana kuti “vachaninipiswa.”
Utwu tumbeva tunodya zvakanyanya.
Kana kuti “Uyo ane mhepo yake yekufema mumhino dzake.”