Isaya 24:1-23
24 Inzwai! Jehovha ari kubvisa zvinhu zvese munyika* achiisiya isina chinhu.+
Anoipidigura+ oparadzira vagari vayo.+
2 Vese vachaitirwa zvakafanana:
Vanhu uyewo mupristi,Muranda natenzi wake,Muranda natenzikadzi wake,Anotenga neanotengesa,Ari mubhizimisi rekupa zvikwereti neanopiwa chikwereti,Akakweretesa neakakwereta.+
3 Nyika ichabviswa zvinhu zvese zviri mairi;Ichapambwa zvinhu zvese,+Nekuti Jehovha ataura shoko iri.
4 Nyika iri kuchema;*+ iri kuparara.
Nyika iri kusvava; iri kupera basa.
Vanhu vanokudzwa vemunyika yacho vapera simba.
5 Nyika yasvibiswa nevagari vayo,+Nekuti vatyora mitemo,+Vachinja murau,+Uye vaputsa sungano inogara kwenguva refu.*+
6 Ndokusaka kutuka kuchiparadza nyika yacho,+Uye vaya vanogara mairi vachinzi vane mhosva.
Ndokusaka vagari vemunyika yacho vava vashoma,Uye pasara varume vashomanana.+
7 Waini itsva iri kuchema,* muzambiringa uri kuoma,+Uye vaya vese vane mwoyo iri kufara vari kugomera.+
8 Mufaro wekurira kwematambureni wapera;Ruzha rwevaya vanoita mafaro akanyanyisa rwaguma;Kurira kunonakidza kwerudimbwa kwapera.+
9 Vanonwa waini pasina rwiyo,Uye doro ravari kunwa riri kuvava.
10 Guta rekusiyiwa, raputsika;+Dzimba dzese dzavharwa kuti parege kuva neanopinda.
11 Vanochemera waini mumigwagwa.
Kufara kwese kwanyangarika;Mufaro wenyika yacho wapera.+
12 Guta rasiyiwa angova matongo;Gedhi rapwanyiwa rikasara rangova murwi.+
13 Nekuti izvi ndizvo zvazvichange zvakaita munyika yacho pakati pemarudzi:
Sezvinoitika panozunzwa muorivhi,+Semazambiringa mashoma anosara kana kukohwa kwapera.+
14 Vachakwidza inzwi ravo,Vachashevedzera vachifara.
Vachazivisa nezveukuru hwaJehovha vari kugungwa.*+
15 Ndokusaka vachakudza Jehovha vari munharaunda yechiedza;*+Vachakudza zita raJehovha Mwari waIsraeri muzvitsuwa zvegungwa.+
16 Tiri kunzwa nziyo kumigumo yenyika, dzichiti:
“Iye Akarurama ngaakudzwe!”*+
Asi ndinoti: “Ndiri kuperezeka, ndiri kuperezeka!
Ndine nhamo! Vanyengeri vanyengera;Neunyengeri hwavo, vanyengeri varatidza unyengeri.”+
17 Kutya kukuru nemakomba nezviteyeso zvakakumirira, iwe mugari wemunyika.+
18 Wese anenge achitiza ruzha runotyisa achawira mugomba,Uye wese anenge achibuda mugomba achabatwa nechiteyeso.+
Nekuti magedhi emvura ari kumusoro achavhurwa,Uye nheyo dzenyika dzichazununguka.
19 Nyika yatsemuka;Nyika yazununguswa;Nyika yagwinha-gwinha zvine simba.+
20 Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa,Uye iri kuzunguzika sekaimba kari kuzunguzwa nemhepo.
Kukanganisa kwayo kuri kuiremera chaizvo,+Uye ichawa, zvekuti haizosimukizve.
21 Zuva iroro Jehovha achafunga nezvekutonga uto rekumusoroUye madzimambo enyika ari panyika.
22 Uye vachaunganidzwaSevasungwa vakaunganidzwa mugomba,Uye vachavharirwa mujeri repasi;Papera mazuva mazhinji, vachaonekwa kuti voitwa sei.
23 Jenaguru richatsverudzwa,Uye zuva rinopenya richanyara,+Nekuti Jehovha wemauto ava Mambo+ muGomo reZiyoni+ nemuJerusarema,Achibwinya pamberi pevakuru vevanhu vake.*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “panyika.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “iri kuoma.”
^ Kana kuti “sungano yekare.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “iri kupera.”
^ Kana kuti “kumavirira.”
^ Kana kuti “kumabvazuva.”
^ Kana kuti “ngaashongedzwe.”
^ ChiHeb., “pamberi pevakuru vake.”