Isaya 28:1-29
28 Ine nhamo korona* yekushamisira* yezvidhakwa zvekwaEfremu+Neruva riri kusvava rerunako rwayo rukuru,Iro riri kumusoro kwebani rakaorera revaya vanokundwa newaini!
2 Inzwai! Jehovha ane mumwe akagwinya uye ane simba.
Sezvinoita mvura ine mabhanan’ana nechimvuramabwe, iro dutu rinoparadza,Sezvinoita mvura ine mabhanan’ana inofashamira,Iye achaikanda pasi nesimba.
3 Korona dzekushamisira* dzezvidhakwa zvekwaEfremuDzichatsikwa-tsikwa.+
4 Uye ruva riri kusvava rerunako rwake rukuru,Iro riri kumusoro kwebani rakaorera,Richava seonde rekutanga, zhizha risati rasvika.
Munhu paanoriona, anorimedza achangoribata.
5 Pazuva iroro Jehovha wemauto achava korona yakanaka chaizvo uye chishongo chakanaka chemumusoro kune vaya vakasara pavanhu vake.+
6 Uye achava mweya wekururama kune uya anotonga nyaya, uye kwekuwana simba kune vaya vanodzinga mhandu dzinouya kuzorwisa pagedhi.+
7 Naivavawo vanorasika nemhaka yewaini;Zvinwiwa zvavo zvinodhaka zvinoita kuti vadzedzereke.
Mupristi nemuprofita vanorasika nemhaka yedoro;Waini inovavhiringidza,Uye doro ravo rinoita kuti vadzedzereke;Zvavanoona zvinoita kuti varasike,Uye vanokanganisa pakutonga.+
8 Nekuti matafura avo azere nemarutsi anosemesa;Akazara pese pese.
9 Ndianiko waachapa ruzivo,Uye ndiani waachatsanangurira shoko?
Ndevaya here vachangobva kurumurwa pamukaka,Vaya vachangobva kubviswa pamazamu?
10 Nekuti unongova “murayiro pamusoro pemurayiro, murayiro pamusoro pemurayiro,Tambo pashure petambo, tambo pashure petambo,*+Zvishoma pano, zvishoma apo.”
11 Saka iye achataura nevanhu ava achishandisa vaya vanokakama uye vane mutauro wekumwe.+
12 Akambovaudza kuti: “Iyi ndiyo nzvimbo yekuzororera. Uya apera simba ngaazorore; iyi ndiyo nzvimbo inozorodza,” asi vakaramba kuteerera.+
13 Saka kwavari shoko raJehovha richava:
“Murayiro pamusoro pemurayiro, murayiro pamusoro pemurayiro,Tambo pashure petambo, tambo pashure petambo,*+Zvishoma pano, zvishoma apo,”Kuitira kuti pavanofamba,Vagumburwe vodonha negotsi,Votyoka, voteyiwa uye vobatwa.+
14 Saka inzwai shoko raJehovha, imi vanozvirumbidza,Imi vatongi vevanhu ava vari muJerusarema,
15 Nekuti varume imi munoti:
“Takaita sungano neRufu,+Uye takaita chibvumirano neGuva.*
Mafashamo ane hasha paanouya achipfuura,Haazosviki kwatiri,Nekuti takaita kuti nhema dzive kwekupotera kweduUye takahwanda munhema.”+
16 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Ndiri kuisa dombo rakaedzwa kuti rive faundesheni muZiyoni,+Dombo repakona rinokosha+ refaundesheni yakasimba.+
Hapana anotenda achavhunduka.+
17 Ndichaita kuti kururama kuve tambo yekuyeresa+Uye kuti kuve tambo yekururamisa.*+
Chimvuramabwe chichakukura kwekupotera kwenhema,Uye mvura ichafashamira nzvimbo yekuhwanda.
18 Sungano yamakaita neRufu ichaparara,Uye chibvumirano chamakaita neGuva* hachizomiri.+
Mafashamo ane hasha paachauya achipfuura,Achakuparadzai.
19 Pese paanopfuura,Achakukukurai;+Nekuti achapfuura mangwanani ega ega,Masikati uye usiku.
Kutya kukuru kwega ndiko kuchaita kuti vanzwisise zvakanzwiwa.”*
20 Nekuti mubhedha mupfupi kwazvo zvekuti haukwani kuzvambarara pauri,Uye jira rakarukwa idiki kwazvo zvekuti harikwani kuzviputira.
21 Nekuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimu;Achati kwanyanu sezvaakaita mubani riri pedyo neGibhiyoni,+Kuti aite basa rake, basa rake rinoshamisa,Uye kuti aite basa rake, basa rake risina kujairika.+
22 Zvino regai kushora,+Kuti zvisungo zvenyu zvirege kuwedzera kusungwa,Nekuti ndanzwa naChangamire Ishe, Jehovha wemauto,Kuti pasarudzwa kuti nyika yese iparadzwe.+
23 Ipai nzeve uye teererai inzwi rangu;Nyatsoteererai uye inzwai zvandinotaura.
24 Murimi anoswera achirima here asingadyari mbeu?
Anongoramba achiputsa mavhinga achienzanisa ivhu mumunda make here?+
25 Paanenge auenzanisa,Haabvi akusha kumini nhema kana kudyara kumini here,Uye haadyari gorosi here, nemapfunde, nebhari munzvimbo yazvoUye haadyari sipereti*+ achipoterera muganhu here?
26 Nekuti Mwari anomudzidzisa nzira* yakarurama;Mwari wake anomurayiridza.+
27 Nekuti kumini nhema haipurwi nechireyi chekupurisa,+Uye vhiri rechireyi harifambiswi pamusoro pekumini.
Pane kudaro, kumini nhema inopurwa nemhuro,Uye kumini inopurwa netsvimbo.
28 Munhu angapura zviyo* kusvika zvaita upfu hwechingwa here?
Aiwa, haarambi achingozvipura;+Uye paanofambisa vhiri rechireyi chake nemabhiza ake pamusoro pazvo,Haazvikuyi.+
29 Izviwo zvinobva kuna Jehovha wemauto,Uyo ane zano rinoshamisa*Uye akaita mabasa makuru.*+
Mashoko Emuzasi
^ Zvinoratidza sekuti pari kureva Samariya, guta guru.
^ Kana kuti “yekuzvitutumadza; yekuzvikudza.”
^ Kana kuti “dzekuzvitutumadza; dzekuzvikudza.”
^ Kana kuti “Tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa, tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa.”
^ Kana kuti “Tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa, tambo yekuyeresa pamusoro petambo yekuyeresa.”
^ Kana kuti “neSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Tambo iyi yaishandiswa kuvaka mudhuri wakatwasuka.
^ Kana kuti “neSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Pavanonzwisisa, vachatya kusvika pekupedzisira.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “anomuranga nenzira.”
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
^ Kana kuti “chinangwa chinoshamisa.”
^ Kana kuti “Uye ane uchenjeri hwakadzama.”