Isaya 32:1-20
32 Inzwai! Mambo+ achatonga kuti pave nekururama,+Uye machinda achatonga zvakarurama.
2 Mumwe nemumwe achaita senzvimbo yekuhwanda mhepo,Nzvimbo yekuhwanda mvura* ine dutu,Sehova dzemvura munyika isina mvura,+Semumvuri wedombo guru munyika yakaoma.
3 Ipapo maziso evaya vari kuona haazorambi akavharwa akanamana,Uye nzeve dzevaya vari kunzwa dzichateerera.
4 Vaya vane mwoyo inomhanyirira zvinhu vachadzamisa pfungwa kuti vave neruzivo,Uye rurimi runokakama ruchataura zvakajeka, ruchitsetsenura.+
5 Benzi harichazonzi rine rupo,Uye munhu asina tsika haazoshevedzwi kuti mukuru mukuru;
6 Nekuti benzi richataura zveupenzi,Uye mwoyo waro ucharonga zvinhu zvakaipa,+Kuti ripandutse vanhu* uye kuti ritaure zvakatsauka pana Jehovha,Kuti rishayise munhu* ane nzara zvekudyaUye kuti rinyime munhu ane nyota chekunwa.
7 Mazano emunhu asina tsika akaipa;+Anofurira vanhu kuita zvinhu zvinonyadzisaKuti aparadze munhu anotambudzika nenhema,+Kunyange murombo paanotaura zvakarurama.
8 Asi munhu ane rupo anoda zvekupa,Uye anoramba achiratidza rupo.
9 “Simukai, imi vakadzi vasingatirimuki, muteerere inzwi rangu!
Imi vanasikana vasingakendengi,+ inzwai zvandinotaura!
10 Imi vasingakendengi muchadedera pachapera nguva inongoti pfuurei gore,Nekuti pachange pasina muchero unenge waunganidzwa kana kukohwa mazambiringa kwapera.+
11 Gwagwadzai, imi vakadzi vasingatirimuki!
Dederai, imi vasingakendengi!
Pfekenurai musare muri mushutu,Uye sungirai masaga muhudyu dzenyu.+
12 Zvirovei zvipfuvaMuchichemera minda yakanaka nemuzambiringa unobereka.
13 Nekuti nyika yevanhu vangu ichazara neminzwa nemakwenzi ane minzwa;Zvichazara mudzimba dzese dzemufaro mukuru,Muguta rekupembera nemufaro.+
14 Nekuti shongwe yakasimba yasiyiwa;Guta reruzha rasiyiwa.+
Oferi+ nenharire zvangova nyika isina chinhu inongogara yakadaro,Nyika inofarirwa nemadhongi emusango,Iwo mafuro ezvipfuwo,+
15 Kusvikira mweya wadururirwa patiri uchibva kumusoro,+Uye renje rava munda wemichero,Uye munda wemichero wava kuonekwa sesango.+
16 Kururama kuchabva kwagara murenje,Uye kururama kuchagara mumunda wemichero.+
17 Kururama kwechokwadi kuchaita kuti pave nerugare,+Uye kururama kwechokwadi kuchabereka runyararo nekuchengeteka zvinoramba zviripo.+
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo ine rugare,Munzvimbo dzekugara dzakachengeteka nemunzvimbo dzekuzororera dzine runyararo.+
19 Asi chimvuramabwe chichaparadza sango,Uye guta richasara rangoti sandara.
20 Munofara imi munodyara mbeu pedyo nepese pane mvura,Imi munosairira mombe nedhongi.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “yekupotera pamvura.”
^ Kana kuti “riite zvisina rukudzo.”
^ Kana kuti “mweya wemunhu.”