Isaya 35:1-10
35 Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro,+Renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.+
2 Chokwadi richatumbuka;+Richapembera uye richashevedzera nemufaro.
Richapiwa runako rweRebhanoni,+Kubwinya kweKameri+ nekweSharoni.+Vachaona kukudzwa kwaJehovha, iko kubwinya kwaMwari wedu.
3 Simbisai maoko asina simba,Uye simbisai mabvi ari kudedera.+
4 Itii kune vaya vanozvidya mwoyo:
“Simbai. Musatya.
Teererai! Mwari wenyu achauya kuzotsiva,Mwari achauya kuzoranga.+
Achauya okuponesai.”+
5 Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa,+Uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.+
6 Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka senondo,+Uye rurimi rwembeveve ruchashevedzera nemufaro.+
Nekuti mvura ichatubuka murenje,Uye hova murenje.
7 Nyika yakaomeswa nekupisa kwekunze ichava dziva rakazara netsanga,Uye nyika yakaoma ichava nezvitubu zvemvura.+
Nzvimbo yairara hunguhwe*+Ichava neuswa hwakasvibirira netsanga nenhokwe.
8 Uye pachava nemugwagwa mukuru,+Iyo nzira inonzi Nzira yeUtsvene.
Munhu asina kuchena haazofambi nayo.+
Ndeyeuya ari kufamba munzira yacho;Hapana benzi richarasika richipinda mairi.
9 Hapana shumba ichava imomo,Uye hapana zvikara zvinotyisa zvichapinda mairi.
Hazvizowaniki imomo;+Vaya chete vakadzikinurwa ndivo vachafamba imomo.+
10 Vaya vakadzikinurwa naJehovha vachadzoka,+ uye vachasvika kuZiyoni vachishevedzera nemufaro.+
Mufaro usingaperi uchava korona mumisoro yavo.+
Vachafara chaizvo, vachipembera nemufaro,Uye kusuwa kukuru nekugomera zvichatiza.+
Mashoko Emuzasi
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.