Isaya 45:1-25
45 Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Koreshi,+Wandakabata ruoko rwerudyi,+Kuti ndikunde marudzi pamberi pake,+Kuti ndiite kuti madzimambo asare asina zvombo,*Kuti ndimuvhurire masuo ane madhoo maviri,Kuitira kuti magedhi arege kuvharwa:
2 “Ini ndichakutungamirira,+Uye ndichaita kuti zvikomo zviti sandara.
Ndichatyora-tyora masuo emhangura,Uye ndichagura mazariro* esimbi.+
3 Ndichakupa pfuma iri murimaNepfuma yakavanzwa iri munzvimbo dzakavandika,+Kuti uzive kuti ndini Jehovha,Mwari waIsraeri, uyo ari kukushevedza nezita rako.+
4 Ndiri kukushevedza nezita rakoNekuda kwemushumiri wangu Jakobho uye nekuda kwaIsraeri wandakasarudza.
Ndiri kukutumidza zita rinokudzwa, kunyange zvazvo wakanga usingandizivi.
5 Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.
Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu.+
Ndichakusimbisa,* kunyange zvazvo wakanga usingandizivi,
6 Kuti vanhu vaziveKubva kumabvazuva kusvika kumaviriraKuti hakuna mumwe kunze kwangu.+
Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.+
7 Ndinogadzira chiedza+ uye ndinosika rima,+Ndinoita kuti pave nerugare+ uye ndinounza dambudziko;+Ini, Jehovha, ndiri kuita zvinhu zvese izvi.
8 Iwe denga, nayisa mvura kubva kumusoro;+Ita kuti makore anayise kururama.
Nyika ngaivhurike, ibereke ruponeso,Uye ngaimeresewo kururama panguva imwe chete.+
Ini, Jehovha, ndakazvisika.”
9 Ane nhamo uya anorwa* neMuiti wake,*Nekuti anongova chaenga*Pakati pezvimwe zvaenga zvemudziyo wevhu zviri pasi!
Ivhu ringati here kuMuumbi* waro: “Uri kuumbei?”+
Kana kuti basa rako ringati here: “Haana maoko”?*
10 Ane nhamo anoti kuna baba: “Munoberekei?”
Uye kumukadzi: “Muri kusunungukei?”*
11 Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsraeri,+ iye akamuumba:
“Ungandibvunza pamusoro pezvinhu zvichauya hereWondipa mirayiro pamusoro pevanakomana vangu+ uye pamusoro pemabasa andakaita nemaoko angu here?
12 Ndakasika nyika+ uye ndakasika munhu pairi.+
Ndakatatamura denga nemaoko angu,+Uye ndinopa uto raro rese mirayiro.”+
13 “Pane murume wandakaita kuti avepo mukururama,+Uye ndichaita kuti nzira dzake dzese dziti twasu.
Ndiye achavaka guta rangu+Osunungura vanhu vangu vakatapwa,+ pasina mubhadharo kana chiokomuhomwe,”+ anodaro Jehovha wemauto.
14 Zvanzi naJehovha:
“Mubereko weIjipiti* nezvinotengeswa nevaItiopiya* nevaSebhiya, ivo vanhu varefu,Zvichauya kwauri zvova zvako.
Vachafamba vari shure kwako vakasungwa necheni.
Vachauya vokotama pamberi pako.+
Vachataura kwauri vachikuremekedza chaizvo vachiti, ‘Chokwadi Mwari anewe,+Uye hakuna mumwe; hakuna mumwe Mwari.’”
15 Chokwadi imi muri Mwari anozvivanza,Haiwa Mwari waIsraeri, Muponesi.+
16 Vese vachanyadziswa uye vachadzikisirwa pasi;Vagadziri vezvidhori vese vachaenda vachinyara.+
17 Asi Israeri achaponeswa naJehovha neruponeso rusingaperi.+
Imi hamuzonyadziswi kana kuzvidzwa nariini nariini.+
18 Nekuti zvanzi naJehovha,Musiki wedenga,+ Mwari wechokwadi,Muumbi wenyika, Muiti wayo, iye akaisimbisa kwazvo,+Asina kungoisikira pasina,* asi akaiumba kuti igarwe:+
“Ndini Jehovha, hakuna mumwe.
19 Handina kutaura ndiri munzvimbo yakavandika,+ munyika yerima;Handina kutaura nevana* vaJakobho kuti,‘Nditsvagei pasina.’*
Ndini Jehovha, anotaura zvakarurama, uye anozivisa zvakarurama.+
20 Unganai muuye.
Uyai pamwe chete, imi makapukunyuka kubva kumarudzi.+
Vaya vanofamba vakatakura mifananidzo yakavezwa havana chavanozivaUye vanonyengetera kuna mwari asingagoni kuvaponesa.+
21 Taurai mashoko enyu nenyaya yenyu.
Ngavarangane vakabatana.
Ndiani akagara ataura izvi kare kareUye akazvizivisa kubvira kare?
Handisi ini here, Jehovha?
Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu;Mwari akarurama uye Muponesi,+ hakuna mumwe kunze kwangu.+
22 Tendeukirai kwandiri muponeswe,+ imi mese migumo yenyika,Nekuti ndini Mwari, hakuna mumwe.+
23 Ndapika neni pachangu;Shoko racho rabuda mumuromo mangu mukururama,Uye harizodzoki:+
Mabvi ese achandipfugamira,Rurimi rwese ruchapika kuti rucharamba rwakavimbika+
24 Ruchiti, ‘Chokwadi muna Jehovha ndimo mune kururama kwechokwadi nesimba.
Vaya vese vakamutsamwira vachauya pamberi pake vachinyara.
25 Vana* vese vaIsraeri vachava vakarurama vachibatsirwa naJehovha,+Uye vachazvirumbidza maari.’”
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Kuti ndisunungure hudyu dzemadzimambo.”
^ Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
^ ChiHeb., “Ndichanyatsokusunga.”
^ Kana kuti “anoitisana nharo.”
^ Kana kuti “neakamuumba.”
^ Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.
^ Kana kuti “kune akarigadzira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Kana kuti ivhu ringati here: ‘Chawaumba hachina mibato’?”
^ Kana kuti “Muri kurwadziwa nekusunungukei?”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Vashandi veIjipiti.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nevatengesi veItiopiya.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti igare isina chinhu.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “asi hamuzobudiriri.”
^ ChiHeb., “mbeu.”