Isaya 48:1-22
48 Inzwai izvi, haiwa imi imba yaJakobho,Imi munozvidana nezita raIsraeri+Uye makabuda mumvura yaJudha,*Imi munopika nezita raJehovha+Uye munodana kuna Mwari waIsraeri,Kunyange zvazvo musingazviiti muchokwadi nemukururama.+
2 Nekuti vanozvishevedza nezita reguta dzvene+Uye vanotsvaga kubatsirwa naMwari waIsraeri,+Ane zita rekuti Jehovha wemauto.
3 “Ndakakuudza kare kare zvinhu zvekare.*
Zvakabuda mumuromo mangu,Uye ndakaita kuti zvizivikanwe.+
Ndakabva ndakurumidza kuzviita, uye zvakavapo.+
4 Nekuti ndaiziva kuti wakaoma musoro,Kuti mutsipa wako irunda* resimbi uye huma yako imhangura,+
5 Ndakakuudza kare kare.
Ndakaita kuti uzvinzwe zvisati zvaitika,Kuti urege kuti, ‘Chidhori changu ndicho chakaita izvi;Mufananidzo wangu wakavezwa uye mufananidzo wangu wesimbi* ndiwo wakarayira izvi.’
6 Wakanzwa uye wakaona zvese izvi.
Mungarega kuzvitaura here?+
Kubva iye zvino ndava kukuzivisa zvinhu zvitsva,+Zvinhu zvakachengetwa zvakavanzwa zvausina kumboziva.
7 Iye zvino ndipo pazviri kusikwa, kwete kare kare,Zvinhu zvausina kumbobvira wanzwa kusvikira zuva ranhasi,Kuti urege kuti, ‘Inzwa! Ndagara ndichizviziva.’
8 Aiwa, hauna kunzwa,+ hauna kuziva,Uye kare nzeve dzako dzakanga dzisina kuvhurika.
Nekuti ndinoziva kuti unyengeri hwako hwakakura,+Uye uri kushevedzwa kuti mudariki kubva pawakaberekwa.+
9 Asi ndichadzora kutsamwa kwangu ndichiitira zita rangu;+Ndichazvidzora pamusoro pako ndichiitira kurumbidzwa kwangu,Uye handizokuparadzi.+
10 Inzwa! Ndakakunatsa, asi kwete sekunatswa kunoitwa sirivha.+
Ndakakuedza* muchoto chekunyungudutsira chematambudziko.+
11 Nekuda kwezita rangu, nekuda kwezita rangu ndichaita chimwe chinhu,+Nekuti ndingazvirega sei ndichisvibiswa?+
Handipi kukudzwa kwangu kuna chero ani zvake.*
12 Nditeerere, haiwa iwe Jakobho, uye Israeri wandakashevedza.
Ndini iye mumwe chete.+ Ndini wekutanga; uyewo ndini wekupedzisira.+
13 Ruoko rwangu rwakavaka nheyo dzenyika,+Uye ruoko rwangu rwerudyi rwakatambanudza denga.+
Pandinoshevedzera kwazviri, zvinosimuka pamwe chete.
14 Unganai mese muteerere.
Ndiani pakati pavo akazivisa zvinhu izvi?
Jehovha akada munhu iyeye.+
Iye achaita zvaanofarira paBhabhironi,+Uye ruoko rwake rucharwisa vaKadheya.+
15 Ini pachangu ndakataura uye ndakamushevedza.+
Ndakamuunza, uye nzira yake ichabudirira.+
16 Swederai pedyo neni munzwe izvi.
Kubvira pakutanga handina kumbotaura ndiri pakavandika.+
Ndaivapo kubvira panguva yazvakaitika.”
Zvino Changamire Ishe Jehovha andituma nemweya wake.
17 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri:+
“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako,Iye anokudzidzisa zvinokubatsira,*+Iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.+
18 Kudai waizoteerera mirayiro yangu!+
Rugare rwako rwaizoita serwizi+Uye kururama kwako semafungu egungwa.+
19 Vana* vako vaizowanda sejechaUye vazukuru vako setsanga dzaro.+
Zita ravo raisazombogurwa kana kutsakatiswa pamberi pangu.”
20 Budai muBhabhironi!+
Tizai vaKadheya!
Zivisai nezvazvo muchishevedzera nenzwi rekufara! Zivisai nezvazvo!+
Itai kuti zvizivikanwe kumigumo yenyika.+
Itii: “Jehovha adzikinura mushumiri wake Jakobho.+
21 Havana kuva nenyota paakavatungamirira nemunzvimbo dzakaita gwenga.+
Akaita kuti mvura iyerere ichibuda mudombo achiitira ivo;Akatsemura dombo akaita kuti mvura itubuke.”+
22 Zvanzi naJehovha, “Vakaipa havana rugare.”+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “makabva kuna Judha.”
^ ChiHeb., “zvekutanga.”
^ Kana kuti “idzira.”
^ Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
^ Kana kuti “ndakakuongorora.” Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndakakusarudza.”
^ Kana kuti “Hapana wandinogovana naye kukudzwa kwangu.”
^ Kana kuti “kuti zvikunakire.”
^ ChiHeb., “Mbeu.”