Isaya 57:1-21
57 Munhu akarurama aparara,Asi hakuna munhu ane hanya nazvo.
Varume vakavimbika vari kubviswa,*+Asi hapana ari kuzviona kuti munhu akarurama abviswaNemhaka yedambudziko.*
2 Anopinda murugare.
Vanozorora pamibhedha yavo,* vaya vese vanofamba zvakarurama.
3 “Asi kana muri imi, uyai pedyo,Imi vanakomana vemukadzi anoroya,Vana vemhombwe uye pfambi:
4 Muri kuseka ani?
Ndiani wamuri kushamira muromo zvakadaro, muchimubudisira rurimi?
Hamusi vana vanodarika here,Vana vanonyengera,+
5 Vaya vazere neruchiva pakati pemiti mikuru,+Pasi pemiti yese yakasvibirira,+Vanouraya vana mumapani,*+Pasi pemikaha yematombo?
6 Wakasarudza matombo anotsvedzerera emubani.*+
Ndiwo mugove wako.
Unotodururira kwaari mipiro yezvinwiwa uye unopa zvipo.+
Ndingafadzwa* nezvinhu izvi here?
7 Wakagadzira mubhedha wako pagomo refu uye rakakwirira,+Uye wakakwira ikoko kunopa chibayiro.+
8 Wakaisa chiyeuchidzo chako seri kwesuo negwatidziro.*
Wakandisiya ukazvifukura;Wakakwira pamusoro ukaita kuti mubhedha wako ukure.
Uye wakaita sungano navo.
Wakada kurara navo pamubhedha wavo,+Uye wakaramba wakatarisa nhengo yemunhurume.*
9 Wakadzika kuna Mereki* nemafutaNezvinonhuhwirira zvakawanda.
Wakatumira nhume dzako kure,Zvekuti wakadzika kuGuva.*
10 Wakashanda zvakaoma pakutevera nzira dzako zhinji,Asi hauna kuti, ‘Hazvina tariro!’
Simba rako rakamutsidzirwa.
Ndokusaka usinganeti.
11 Ndiani wawakavhunduka uye wawakatyaZvekuti wakatanga kunyepa?+
Hauna kundiyeuka.+
Hapana chawakava nehanya nacho.+
Handina here kuramba ndakanyarara ndisingatauri?*+
Saka hauna kunditya.
12 Ndichazivisa ‘kururama’ kwako+ nemabasa ako,+Uye hazvizokubatsiri.+
13 Paunoshevedzera kuti ubatsirwe,Zvidhori zvako zvawakaunganidza hazvizokununuri.+
Zvese zvichatakurwa nemhepo,Mhepowo zvayo yekufema inobuda mumuromo ichazvipeperetsa,Asi uya anopotera mandiri achagara nhaka yenyikaUye achaita kuti gomo rangu dzvene rive rake.+
14 Zvichanzi, ‘Gadzirai, gadzirai mugwagwa! Gadzirai nzira!+
Bvisai zvese zvinopiringisha munzira yevanhu vangu.’”
15 Nekuti zvanzi neuya Akakwirira uye Wekumusoro,Uyo anogara nekusingaperi+ uye ane zita dzvene:+
“Ndinogara munzvimbo tsvene uye yakakwirira,+Asi ndinogarawo nevaya vakadzvinyirirwa nevanozvininipisa,Kuti ndisimbaradze vanozvininipisaUye ndimutsidzire mwoyo yevari kudzvinyirirwa.+
16 Nekuti handizorambi ndichirwa navo nekusingaperiKana kuramba ndakangotsamwa;+Nekuti simba reupenyu remunhu ringapera nemhaka yangu,+Kunyange zvisikwa zvinofema zvandakaita.
17 Ndakatsamwira chivi chake chekutsvaga pfuma achibiridzira,+Saka ndakamurova, uye ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa.
Asi iye akaramba achifamba semupanduki,+ achitevera nzira yemwoyo wake.
18 Ndakaona nzira dzake,Asi ndichamuporesa+ uye ndichamutungamirira+Uye ndichaita kuti anyaradzwe zvakare,*+ iye nevanhu vake vari kuchema.”+
19 “Ndiri kusika zvibereko zvemiromo.
Uya ari kure neuya ari pedyo vachapiwa rugare runoramba ruripo,”+ anodaro Jehovha,“Uye ndichamuporesa.”
20 “Asi vakaipa vakaita segungwa risina kugadzikana risingadzikami,Uye mvura yaro inoramba ichibudisa masora emugungwa nematope.
21 Vakaipa havana rugare,”+ anodaro Mwari wangu.
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Mudambudziko.”
^ Kureva kuti vari kufa.
^ Kureva, muguva.
^ Kana kuti “munzizi.”
^ Kana kuti “Ndingazvinyaradza.”
^ Kana kuti “emurwizi.”
^ Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.
^ Panogona kunge pachireva kunamata zvidhori.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “mambo.”
^ Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “ndichivanza zvinhu?”
^ Kana kuti “ndichamupa mubhadharo wekumunyaradza.”