Isaya 61:1-11
61 Mweya waChangamire Ishe Jehovha uri pandiri,+Nekuti Jehovha akandizodza kuti ndizivise vanyoro mashoko akanaka.+
Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo,Kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwaUye nezvekusvinudzwa kwemaziso kuvasungwa,+
2 Kuti ndizivise nezvegore rekufarirwa naJehovha*Nezuva rekutsiva kwaMwari wedu,+Kuti ndinyaradze vese vanochema,+
3 Kuti ndibatsire vaya vanochema Ziyoni,Kuti ndivape chishongo chemusoro panzvimbo pemadota,Mafuta ekupembera nemufaro panzvimbo pekuchema,Nguo yekurumbidza panzvimbo pekunetseka mumwoyo.
Uye ivo vachanzi miti mikuru yekururama,Zvakadyarwa naJehovha, kuti akudzwe.*+
4 Vachavakazve matongo ekare;Vachamisa nzvimbo dzekare dzaiva matongo,+Uye vachaita kuti maguta akaparadzwa avepozve,+Idzo nzvimbo dzaiva matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
5 “Vanhu vamusingazivi vachamira vofudza zvipfuwo zvenyu,Uye vekune imwe nyika+ vachava varimi venyu nevashandi venyu vemuminda yemizambiringa.+
6 Asi imi muchanzi vapristi vaJehovha;+Vachakushevedzai kuti vashumiri vaMwari wedu.
Muchadya pfuma yemarudzi,+Uye muchadada nekukudzwa kwawo.*
7 Panzvimbo penyadzi muchava nemigove miviri,Uye panzvimbo pekunyadziswa vachapembera nemufaro pamusoro pemugove wavo.
Chokwadi vachava nemigove miviri munyika yavo.+
Vachapembera nemufaro nekusingaperi.+
8 Nekuti ini Jehovha, ndinoda zvakarurama;+Ndinovenga ugororo uye kusarurama.+
Ndichavapa mubayiro wavo nekutendeka,Uye ndichaita navo sungano inogara nekusingaperi.+
9 Vana* vavo vachazivikanwa pakati pemarudzi+Uye vazukuru vavo pakati pevanhu.
Vese vanovaona vachavaziva,Kuti ndivo vana* vakakomborerwa naJehovha.”+
10 Ndichava nemufaro mukuru muna Jehovha.
Ndichapembera* nemufaro muna Mwari wangu.+
Nekuti andipfekedza nguo dzeruponeso;+Andiputira nenguo* yekururama,Sezvinoita murume ari kuroora anopfeka ngowani* yakaita seyemupristi,+Uye sezvinoita mwenga anozvishongedza.
11 Nekuti sekubudisa kunoita nyika zvinomera zvayoUye sekumeresa kunoita munda zvinhu zvakadyarwa mauri,Changamire Ishe JehovhaAchameresawo kururama nekurumbidza+ pamberi pemarudzi ese.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “renyasha dzaJehovha.”
^ Kana kuti “awedzere kunaka kwake.”
^ Kana kuti “nepfuma yawo.”
^ ChiHeb., “Mbeu.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “Mweya wangu uchapembera.”
^ Kana kuti “nenguo isina maoko.”
^ Iri ijira raisungwa mumusoro richiita zvekumonererwa roita seheti.