Tsamba yaJakobho 1:1-27
1 Ini Jakobho,+ muranda waMwari uye waShe Jesu Kristu, ndinoti kumadzinza 12 akapararira kwese kwese:
Kwaziwai!
2 Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo,+
3 sezvo muchiziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti mutsungirire.+
4 Asi kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese, pasina chamusina.+
5 Saka kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari+ uye achahupiwa,+ nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingazvidzi.*+
6 Asi ngaarambe achikumbira aine kutenda+ uye aine chivimbo chizere,+ nekuti munhu asina chivimbo akafanana nefungu regungwa rinofambiswa nemhepo richisairirwa kwese kwese.
7 Chokwadi, munhu iyeye ngaarege kutarisira kuti ane chaachapiwa naJehovha.*
8 Munhu iyeye ane mwoyo miviri+ uye haana kutsiga pane zvese zvaanoita.
9 Asi hama yakaderera ngaipembere nemufaro pamusoro pekukwidziridzwa kwayo,+
10 uye mupfumi ngaapembere nekuti ava panzvimbo yepasi,+ nekuti achaparara seruva remusango.
11 Sezvinoita zuva rinobuda richipisa rosvavisa zvinomera, maruva azvo odonha, zvosara zvisingayevedzi, mupfumi achapararawo ari mushishi kutsvaga pfuma.+
12 Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo,+ nekuti paanokunda achapiwa korona yeupenyu,+ yakavimbiswa naJehovha* kune vaya vanoramba vachimuda.+
13 Munhu paanenge achiedzwa ngaarege kuti: “Ndiri kuedzwa naMwari.” Nekuti hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu.
14 Asi mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.*+
15 Ruchiva parunenge rwakura,* runobva rwabereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.+
16 Musatsauswa, hama dzangu dzinodiwa.
17 Zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana zvinobva kumusoro,+ kuna Baba vezviedza zvekudenga avo vasingachinji,+ vakasiyana nemumvuri unochinja.+
18 Nekuti ndizvo zvaaida, akaita kuti tiberekwe neshoko rake rechokwadi,+ kuti tive imwe mhando yezvibereko zvekutanga pazvisikwa zvake.+
19 Zivai izvi hama dzangu dzinodiwa: Munhu wese anofanira kukurumidza kuteerera, kunonoka kutaura,+ uye kunonoka kutsamwa,+
20 nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.+
21 Saka bvisai zvese zvisina kuchena nekanhu kese kakaipa,*+ uye bvumai neunyoro kusimwa kweshoko rinokwanisa kukuponesai.*
22 Ivai vaiti veshoko kwete vanzwi chete,+ muchizvinyengera nezvinhu zvenhema.
23 Nekuti kana munhu achingonzwa shoko asingariiti,+ akafanana nemunhu anotarisa chiso chake mugirazi.
24 Nekuti anozvitarisa, oenda, obva atokanganwa kuti iye munhu akaita sei.
25 Asi munhu anonyatsotarisa mumutemo wakakwana werusununguko,+ asingausiyi, achafara pane zvaanoita; haana kuva munzwi anokanganwa, asi aita zvaanzwa.+
26 Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba,*+ ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira.
27 Kunamata kwakachena uye kusina kusviba kuna Mwari wedu uye Baba vedu ndeuku: kuchengeta nherera+ nechirikadzi+ pakutambudzika kwadzo,+ uye kuramba usina kusvibiswa nenyika.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “asingapi mhosva.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “ruchiva rwake rwomukwezva sehwambo.”
^ ChiGir., “rwabata pamuviri.”
^ Kana kuti “kuponesa mweya yenyu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nezvakaipa zvizhinji.”
^ Kana kuti “asingaisi matomu parurimi rwake.”