Tsamba yaJakobho 5:1-20
5 Inzwai imi vapfumi, chemai muridze mhere nemhaka yematambudziko achakuwirai.+
2 Pfuma yenyu yaora, uye nguo dzenyu dzadyiwa nezvitemamachira.*+
3 Goridhe renyu nesirivha yenyu zvapera nengura, uye ngura yazvo ichapupurira kuti mune mhosva uye ichadya nyama yenyu. Zvinhu zvamakaunganidza zvichaita semoto mumazuva ekupedzisira.+
4 Mibhadharo yamakanyima vashandi vakakohwa minda yenyu iri kuramba ichishevedzera, uye kuchema kwevakohwi vachikumbira kubatsirwa kwasvika munzeve dzaJehovha* wemauto.+
5 Makararama upenyu hweumbozha uye maiita zvekungofadza nyama yenyu panyika. Makadya mukakora muchimirira zuva rekuurayiwa kwenyu.+
6 Makapa mhosva munhu akarurama uye makamuuraya. Iye haasi kukushorai here?
7 Saka hama rambai muchimirira nemwoyo murefu kusvikira pakuvapo kwaShe.+ Fungai nezvemurimi uyo anoramba achimirira zvibereko zvinokosha zvevhu, anozvimirira nemwoyo murefu kusvikira mvura yekutanga nemvura yekupedzisira yanaya.+
8 Nemiwo ivai nemwoyo murefu;+ simbisai mwoyo yenyu, nekuti kuvapo kwaShe kwava pedyo.+
9 Hama, musagunun’unirana* kuti murege kutongwa.+ Onai! Mutongi akatomira pasuo.
10 Hama, fungai nezvevaprofita vakataura muzita raJehovha*+ motevedzera muenzaniso wavo wekutsungirira matambudziko+ uye kuva nemwoyo murefu.+
11 Tinoti vanofara* vaya vakatsungirira.+ Makanzwa nezvekutsungirira kwaJobho+ uye makaona zvaakazoitirwa naJehovha,*+ kuti Jehovha* ane tsitsi huru uye ane ngoni.+
12 Asi kupfuura zvese hama dzangu, regai kupika nedenga kana nenyika kana kuita chero imwe mhiko. Asi “Hongu” wenyu ngaave hongu, uye “Kwete,” wenyu, kwete,+ kuti murege kutongwa.
13 Pakati penyu pane ane dambudziko here? Ngaarambe achinyengetera.+ Pane ari kufara here? Ngaaimbe mapisarema.+
14 Pakati penyu pane anorwara here? Ngaashevedze vakuru+ veungano, uye ngavamunyengeterere vachimuzora+ mafuta muzita raJehovha.*
15 Munyengetero unopiwa nekutenda uchaporesa murwere wacho,* uye Jehovha* achamusimbisa. Uyewo kana aine zvivi zvaakaita, acharegererwa.
16 Saka reururai muchiudzana zvivi zvenyu+ pachena uye nyengetereranai kuti muporeswe. Kuteterera kwemunhu akarurama kune simba.*+
17 Eriya aingovawo munhu sesu, asi paakanyengetera nemwoyo wese kuti kusanaya, mvura haina kunaya munyika yacho kwemakore matatu nemwedzi 6.+
18 Akanyengeterazve, denga rikanayisa mvura, nyika yacho ikabereka.+
19 Hama dzangu, kana pakati penyu pakava neanotsauswa pachokwadi, mumwe omudzora,
20 zivai kuti munhu anodzora mutadzi panzira yake yekukanganisa+ achamuponesa* parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.+
Mashoko Emuzasi
^ Utwu tuzvipembenene tunodya machira.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “musanyunyutirana.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “vakakomborerwa.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “munhu anenge akaneta.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ ChiGir., “kune simba guru pakunenge kuchishanda.”
^ Kana kuti “achaponesa mweya wake.”