Jeremiya 17:1-27
17 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi.
Chakatemerwa nechinyoreso chine muromo wedhaimondi pahwendefa remwoyo yavoUye panyanga dzeatari dzavo,
2 Uyewo vanakomana vavo vari kuyeuka atari dzavo nemapango avo anoyera*+Pedyo nemuti wakasvibirira, muzvikomo zvakakwirira,+
3 Nemumakomo ari kumaruwa.
Ndichaita kuti pfuma yako, zvinhu zvako zvese zvinokosha zvipambwe+Idzo nzvimbo dzako dzakakwirira nekuda kwechivi chiri munharaunda dzako dzese.+
4 Uchasiya wega nhaka yako yandakakupa.+
Uye ndichaita kuti ushandire vavengi vako munyika yausingazivi,+Nekuti mabatidza kutsamwa kwangu semoto.*+
Kucharamba kuchibvira.”
5 Zvanzi naJehovha:
“Munhu* anovimba nemumwewo munhu ngaatukwe,+Anovimba nesimba revanhu,*+Uye ane mwoyo unotsauka pana Jehovha.
6 Achaita semuti uri wega mugwenga.
Haazooni zvakanaka pazvinouya,Asi achagara munzvimbo dzakaoma murenje,Munyika ine munyu isingagariki.
7 Akakomborerwa munhu* anovimba naJehovha,Uyo anoisa tariro yake* muna Jehovha.+
8 Achaita semuti wakadyarwa pedyo nemvura,Unoendesa midzi yawo kurukova.
Haazozvioni kuti kwava kupisa,Asi mashizha ake achagara akasvibirira.+
Uye haazonetseki gore rakusinganayi mvura,Uyewo haazoregi kubereka zvibereko.
9 Mwoyo unonyengera* kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo.*+
Ndiani angauziva?
10 Ini, Jehovha, ndiri kunzvera mwoyo,+Ndiri kuongorora pfungwa dzakadzama,*Kuti ndipe mumwe nemumwe zvinoenderana nenzira dzake,Zvinoenderana nezvibereko zvemabasa ake.+
11 Sechikwari chinounganidza zvachisina kukandira,Ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma achibiridzira.*+
Pfuma yacho ichamusiya pakati peupenyu hwake,Uye upenzi hwake huchabuda pachena.”
12 Chigaro cheumambo chakakwidziridzwa kubvira pakutangaNdicho nzvimbo yedu tsvene.+
13 Haiwa Jehovha, tariro yaIsraeri,Vaya vese vanokusiyai vachanyadziswa.
Vaya vanotsauka vachibva kwamuri* vachanyorwa muvhu,+Nekuti vakasiya Jehovha, tsime remvura mhenyu.+
14 Haiwa Jehovha, ndiporesei uye ndichapora.
Ndiponesei, uye ndichaponeswa,+Nekuti ndimi wandinorumbidza.
15 Inzwai! Kune vaya vari kuti kwandiri:
“Shoko raJehovha riri kupi?+
Tapota ngariuye!”
16 Asi ini handina kutiza ndichirega kukuteverai semufudzi,Uye handina kumboti dai zuva redambudziko rauya zvaro.
Munonyatsoziva zvese zvakataurwa nemuromo wangu;Zvese zvakaitika pamberi pechiso chenyu!
17 Musandityisa.
Ndimi nzvimbo yangu yekupotera pazuva redambudziko.
18 Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,+Asi ini musandirega ndichinyadziswa.
Itai kuti vavhundutswe,Asi ini musandirega ndichivhundutswa.
Unzai zuva redambudziko pavari,+Muvapwanye nekuvaparadza zvachose.*
19 Jehovha akati kwandiri: “Enda unomira pagedhi revanakomana vevanhu vacho iro rinoshandiswa nemadzimambo eJudha pakupinda nekubuda, uye pamagedhi ese eJerusarema.+
20 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha, vanhu vese veJudha, nevagari vese vemuJerusarema, imi munopinda nepamagedhi aya.
21 Zvanzi naJehovha: “Chenjererai zvamunoita* uye musatakura chero mutoro upi zvawo pazuva reSabata kana kuupinza nepamagedhi eJerusarema.+
22 Hapana chinhu chamunofanira kutakura muchibudisa mudzimba dzenyu pazuva reSabata; uye hamutombofaniri kuita basa.+ Chengetai zuva reSabata riri dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.+
23 Asi ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve yavo, uye vakaomesa misoro* yavo vachiramba kuteerera uye kurangwa.”’+
24 “‘“Asi kana mukanyatsonditeerera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “porega kuva nemutoro wamunopinza nepamagedhi eguta rino pazuva reSabata uye mochengeta zuva reSabata riri dzvene kuburikidza nekurega kuita basa chero ripi zvaro pariri,+
25 madzimambo nemachinda anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ achapindawo nepamagedhi eguta rino ari mungoro uye pamabhiza, iwo nemachinda awo, varume veJudha nevagari vemuJerusarema;+ uye guta rino richaramba richigarwa.
26 Uye vanhu vachauya vachibva kumaguta eJudha, munzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, munyika yaBhenjamini,+ munyika yakadzikira,+ munzvimbo ine makomo, nekuNegebhu,* vachiuya muimba yaJehovha nemipiro inopiswa,+ zvibayiro,+ mipiro yezviyo,*+ nezvinonhuhwirira zvichena nezvibayiro zvekuonga.+
27 “‘“Asi kana mukasanditeerera muchirega kuchengeta zuva reSabata riri dzvene uye muchitakura mitoro nekupinda nayo nepamagedhi eJerusarema pazuva reSabata, ndichapisa magedhi aro uye moto wacho uchapisa shongwe dzakasimba dzeJerusarema+ uye hauzodzimwi.”’”+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Nekuti mabatidzwa semoto mukutsamwa kwangu.”
^ Kana kuti “Munhu ane simba.”
^ ChiHeb., “Anoita kuti nyama ive ruoko rwake.”
^ Kana kuti “chivimbo chake.”
^ Kana kuti “munhu ane simba.”
^ Kana kuti “unofurira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “haurapiki.”
^ ChiHeb., “itsvo.”
^ Kana kuti “nenzira isina kururama.”
^ ChiHeb., “kwandiri,” zvinoratidza sekuti pari kureva Jehovha.
^ Kana kuti “nekuvaparadza kakapetwa kaviri.”
^ Kana kuti “mweya yenyu.”
^ ChiHeb., “mitsipa.”
^ Kana kuti “nekumaodzanyemba.”
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.