Jeremiya 41:1-18
41 Mumwedzi wechi7 Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama, uyo aiva wemuimba* yeumambo, ari mumwe wevakuru vekwamambo, akauya nevamwe varume gumi kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizpa.+ Pavakanga vachidya vese vari muMizpa,
2 Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume gumi vaaiva navo, vakasimuka vakauraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani nebakatwa. Saka akauraya munhu akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho.
3 Ishmaeri akaurayawo vaJudha vese vaiva naGedhariya muMizpa, nevarwi vevaKadheya vaiva imomo.
4 Pazuva rechipiri Gedhariya aurayiwa, pasati pava nemunhu akaziva nezvazvo,
5 pakauya varume 80 kubva kuShekemu,+ kuShiro+ uye kuSamariya.+ Vakanga vakagera ndebvu dzavo, nguo dzavo dzakabvaruka, vakazvicheka-cheka,+ uye mumaoko avo maiva nemipiro yezviyo* nezvinonhuhwirira zvichena,+ vachizviunza kuimba yaJehovha.
6 Saka Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akabuda muMizpa kuti anovachingura, achifamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari: “Uyai kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.”
7 Asi pavakapinda muguta, Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume vaaiva navo vakavauraya, vakavakanda mumugodhi wemvura.
8 Asi pakati pavo paiva nevarume gumi vakati kuna Ishmaeri: “Musatiuraya, nekuti tine gorosi, bhari, mafuta, neuchi zvatakaviga musango.” Saka haana kuvauraya pamwe chete nehama dzavo.
9 Ishmaeri akakanda zvitunha zvese zvevarume vaakanga auraya mumugodhi wemvura mukuru, uya wakanga wacherwa naMambo Asa achitya Mambo Bhaasha weIsraeri.+ Ndiwo mugodhi wakazadzwa zvitunha zvevarume vacho naIshmaeri mwanakomana waNetaniya.
10 Ishmaeri akatora vanhu vese vakanga vasara muMizpa,+ kusanganisira vanasikana vaMambo nevanhu vese vakanga vasara muMizpa vakanga vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wevarindi mumaoko aGedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akavatapa, achibva asimuka kuti ayambuke kuvaAmoni.+
11 Johanani+ mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo pavakanzwa zvakaipa zvese zvakanga zvaitwa naIshmaeri mwanakomana waNetaniya,
12 vakatora varume vese vakaenda kunorwisa Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, uye vakamuwanira pedyo nemvura zhinji yaiva* muGibhiyoni.
13 Vanhu vese vaiva naIshmaeri vakafara chaizvo pavakaona Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo.
14 Vanhu vese vakanga vatapwa naIshmaeri kuMizpa+ vakabva vatendeuka, vakadzokera naJohanani mwanakomana waKareya.
15 Asi Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akatiza Johanani nevarume 8 pavarume vake, akaenda kuvaAmoni.
16 Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo vakatora vanhu vese vekuMizpa, vaya vavakanunura kubva kuna Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, paakanga auraya Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Vakadzosa varume, varwi, madzimai, vana, nevakuru vemumuzinda kubva kuGibhiyoni.
17 Saka vakaenda vakagara munzvimbo yevanenge vari parwendo yaKimhamu yaiva pedyo neBhetrehema,+ vachida kuzopfuurira kunopinda muIjipiti+
18 nemhaka yevaKadheya. Nekuti vakanga vava kuvatya, sezvo Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akanga auraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu, uyo akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “wembeu.”
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nedziva guru raiva.”