Jeremiya 41:1-18

  • Gedhariya anourayiwa naIshmaeri (1-10)

  • Ishmaeri anotiza Johanani (11-18)

41  Mumwedzi wechi7 Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama, uyo aiva wemuimba* yeumambo, ari mumwe wevakuru vekwamambo, akauya nevamwe varume gumi kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizpa.+ Pavakanga vachidya vese vari muMizpa,  Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume gumi vaaiva navo, vakasimuka vakauraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani nebakatwa. Saka akauraya munhu akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho.  Ishmaeri akaurayawo vaJudha vese vaiva naGedhariya muMizpa, nevarwi vevaKadheya vaiva imomo.  Pazuva rechipiri Gedhariya aurayiwa, pasati pava nemunhu akaziva nezvazvo,  pakauya varume 80 kubva kuShekemu,+ kuShiro+ uye kuSamariya.+ Vakanga vakagera ndebvu dzavo, nguo dzavo dzakabvaruka, vakazvicheka-cheka,+ uye mumaoko avo maiva nemipiro yezviyo* nezvinonhuhwirira zvichena,+ vachizviunza kuimba yaJehovha.  Saka Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akabuda muMizpa kuti anovachingura, achifamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari: “Uyai kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.”  Asi pavakapinda muguta, Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume vaaiva navo vakavauraya, vakavakanda mumugodhi wemvura.  Asi pakati pavo paiva nevarume gumi vakati kuna Ishmaeri: “Musatiuraya, nekuti tine gorosi, bhari, mafuta, neuchi zvatakaviga musango.” Saka haana kuvauraya pamwe chete nehama dzavo.  Ishmaeri akakanda zvitunha zvese zvevarume vaakanga auraya mumugodhi wemvura mukuru, uya wakanga wacherwa naMambo Asa achitya Mambo Bhaasha weIsraeri.+ Ndiwo mugodhi wakazadzwa zvitunha zvevarume vacho naIshmaeri mwanakomana waNetaniya. 10  Ishmaeri akatora vanhu vese vakanga vasara muMizpa,+ kusanganisira vanasikana vaMambo nevanhu vese vakanga vasara muMizpa vakanga vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wevarindi mumaoko aGedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akavatapa, achibva asimuka kuti ayambuke kuvaAmoni.+ 11  Johanani+ mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo pavakanzwa zvakaipa zvese zvakanga zvaitwa naIshmaeri mwanakomana waNetaniya, 12  vakatora varume vese vakaenda kunorwisa Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, uye vakamuwanira pedyo nemvura zhinji yaiva* muGibhiyoni. 13  Vanhu vese vaiva naIshmaeri vakafara chaizvo pavakaona Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo. 14  Vanhu vese vakanga vatapwa naIshmaeri kuMizpa+ vakabva vatendeuka, vakadzokera naJohanani mwanakomana waKareya. 15  Asi Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akatiza Johanani nevarume 8 pavarume vake, akaenda kuvaAmoni. 16  Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo vakatora vanhu vese vekuMizpa, vaya vavakanunura kubva kuna Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, paakanga auraya Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Vakadzosa varume, varwi, madzimai, vana, nevakuru vemumuzinda kubva kuGibhiyoni. 17  Saka vakaenda vakagara munzvimbo yevanenge vari parwendo yaKimhamu yaiva pedyo neBhetrehema,+ vachida kuzopfuurira kunopinda muIjipiti+ 18  nemhaka yevaKadheya. Nekuti vakanga vava kuvatya, sezvo Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akanga auraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu, uyo akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “wembeu.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Dzimwe shanduro dzinoti, “nedziva guru raiva.”