Jeremiya 42:1-22
42 Vakuru vese vemauto, naJohanani+ mwanakomana waKareya, naJezaniya mwanakomana waHoshaya, nevanhu vese, kubva kumudiki kusvika kumukuru, vakabva vaenda
2 kumuprofita Jeremiya vakati: “Tapota inzwai kukumbira kwedu kunzwirwa nyasha mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, muchimiririra vanhu vese ava vakasara, nekuti pangosara vashoma paruzhinji rwese rwevanhu,+ sezvamuri kuona.
3 Jehovha Mwari wenyu ngaatiudze nzira yatinofanira kufamba nayo uye zvatinofanira kuita.”
4 Muprofita Jeremiya akapindura achiti: “Ndazvinzwa, uye ndiri kunyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira. Ndichakuudzai mashoko ese amuchapindurwa naJehovha. Hapana kana shoko randicharega kukuudzai.”
5 Ivo vakati kuna Jeremiya: “Jehovha ngaave chapupu chechokwadi uye chakavimbika kwatiri kana tikasanyatsoita zvatichaudzwa naJehovha Mwari wenyu kuburikidza nemi.
6 Ringava shoko rakanaka kana kuti rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuti zvitifambire zvakanaka nekuti tinenge tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”
7 Papera mazuva gumi, shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya.
8 Saka akashevedza Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo nevamwe vanhu vese, kubva kumudiki kusvika kumukuru.+
9 Akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, wamakandituma kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu chekunzwirwa nyasha pamberi pake:
10 ‘Kana imi mukaramba muri munyika ino, ndichakuvakai uye handizokuputsii, ndichakudyarai uye handizokudzurii, nekuti ndichazvidemba* nedambudziko randakakuunzirai.+
11 Musatya mambo weBhabhironi, wamuri kutya.’+
“‘Musamutya,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘nekuti ndinemi, kuti ndikuponesei uye ndikununurei muruoko rwake.
12 Ndichakunzwirai tsitsi,+ uye iye achakunzwirai tsitsi, okudzorerai kunyika yenyu.
13 “‘Asi kana mukati: “Aiwa, hatisi kuzoramba tiri munyika ino!” morega kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu
14 muchiti, “Aiwa, tichaenda kunyika yeIjipiti,+ kwatisingazooni hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kana kushaya zvekudya; uye tichagara ikoko,”
15 inzwai shoko raJehovha, haiwa imi vaJudha vakasara. Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Kana mukashinga kuenda kuIjipiti, mobva maenda kunogara ikoko,*
16 bakatwa racho ramuri kutya richakuwanai ikoko kunyika yeIjipiti, naiyo nzara yamuri kutya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko.+
17 Uye varume vese avo vari kushinga kuda kuenda kuIjipiti kuti vagare ikoko vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.* Hapana kana mumwe chete wavo achapukunyuka dambudziko randichavaunzira.”’
18 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: ‘Sekudururwa kwakaitwa kutsamwa kwangu nehasha dzangu pavagari vemuJerusarema,+ hasha dzangu dzichadururwawo pamuri kana mukaenda kuIjipiti, uye muchava chinhu chakatukwa, chinotyisa, chinomhurwa, uye chinozvidzwa,+ uye hamuzofi makaonazve nzvimbo ino.’
19 “Jehovha ataura pamusoro penyu, haiwa imi vaJudha vakasara. Musaenda kuIjipiti. Chokwadi zivai kuti ndakuyambirai nhasi
20 kuti kukanganisa kwenyu kuchakuurayisai.* Nekuti makandituma kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, ‘Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, motiudza zvese zvinotaurwa naJehovha Mwari wedu, uye tichazviita.’+
21 Ini ndakuudzai nhasi, asi hamusi kuzoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu kana kuva nechamunoita pane zvese zvaandituma kuti ndikuudzei.+
22 Saka zivai kuti chokwadi muchaurayiwa nebakatwa, nenzara, uye nedenda munzvimbo yamuri kuda kuenda kunogara.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “ndicharwadziwa.”
^ Kana kuti “kunogara ikoko kwenguva pfupi.”
^ Kana kuti “nechirwere.”
^ Kana kuti “kuchaurayisa mweya yenyu.”