Jeremiya 43:1-13

  • Vanhu vanoramba kuteerera voenda kuIjipiti (1-7)

  • Shoko raJehovha kuna Jeremiya paaiva muIjipiti (8-13)

43  Jeremiya paakanga apedza kutaura nevanhu vese mashoko aya ese aJehovha Mwari wavo, mashoko ese zvawo aakanga atumwa naJehovha Mwari wavo kuti avaudze,  Azariya mwanakomana waHoshaya, naJohanani+ mwanakomana waKareya, nevarume vese vaizvikudza vakati kuna Jeremiya: “Zvauri kutaura ndezvekunyepa! Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uti, ‘Musaenda kuIjipiti kunogara ikoko.’  Asi Bharuki+ mwanakomana waNeriya ndiye ari kukufurira kuti utaure zvisina kunaka kwatiri kuti tiiswe mumaoko evaKadheya, kuti vatiuraye kana kutitapa vachitiendesa kuBhabhironi.”+  Saka Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto nevanhu vese havana kuteerera shoko raJehovha rekuti varambe vari munyika yeJudha.  Pane kudaro, Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vakatora vaJudha vese vakanga vasara, avo vakanga vadzoka kunogara munyika yeJudha vachibva kumarudzi ese kwavakanga vapararira.+  Vakatora varume, madzimai, vana, vanasikana vamambo, nevanhu vese vakanga vasiyiwa naNebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, vaina Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani,+ uye vakatorawo muprofita Jeremiya naBharuki mwanakomana waNeriya.  Uye vakapinda munyika yeIjipiti, nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha, uye vakatonosvika kuTapanhesi.+  Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya ari muTapanhesi, richiti:  “Tora matombo makuru neruoko rwako, uavige mumadhaka ari pamasitepisi ezvidhinha ari pamusuo weimba yaFarao iri muTapanhesi, varume vechiJudha vakatarisa. 10  Ubve wati kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndiri kushevedza Nebhukadhinezari* mambo weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichaisa chigaro chake cheumambo pamusoro pematombo iwaya andaviga, uye achatambanudzira tende rake reumambo pamusoro pawo.+ 11  Uye achauya orwisa nyika yeIjipiti.+ Munhu wese akafanirwa nedenda rinouraya achafa nedenda rinouraya, munhu wese akafanirwa nekutapwa achatapwa, munhu wese akafanirwa nebakatwa achaurayiwa nebakatwa.+ 12  Ndichatungidza dzimba* dzavanamwari veIjipiti nemoto,+ uye iye achadzipisa, ovatapa. Achatora nyika yeIjipiti ozviputira nayo, sekuzviputira kunoita mufudzi nenguo yake, uye achabva ikoko murugare.* 13  Achaputsa-putsa mbiru* dzeBheti-shemeshi* munyika yeIjipiti, uye achapisa dzimba* dzavanamwari veIjipiti nemoto.”’”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “temberi.”
Kana kuti “asina kukuvadzwa.”
Kana kuti “shongwe refu dzematombo.”
Kana kuti “dzeImba (dzeTemberi) yeZuva,” kureva, Herioporisi.
Kana kuti “temberi.”