Jeremiya 44:1-30

  • Kuziviswa kwedambudziko richawira vaJudha kuIjipiti (1-14)

  • Vanhu vanoramba kuteerera Mwari (15-30)

    • “Mambokadzi Wedenga” anonamatwa (17-19)

44  Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya pamusoro pevaJudha vese vari kugara munyika yeIjipiti,+ vaya vari kugara muMigdhori,+ muTapanhesi,+ muNofi*+ nemunyika yePatrosi,+ richiti:  “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Makaona dambudziko rese randakaunzira Jerusarema+ nemaguta ese eJudha, uye nhasi ava matongo, uye hapana ari kugara maari.+  Imhaka yezvakaipa zvavakaita vachindigumbura nekuenda kunopa zvibayiro+ uye kunoshumira vamwe vanamwari vavasina kumbobvira vaziva ivo vacho, kana imi, kana madzitateguru enyu.+  Ndakaramba ndichikutumirai vashumiri vangu vese vaprofita, ndichivatuma ndavatumazve,* ndichiti: “Ndapota musaita zvinhu zvakadai zvinosemesa uye zvandinovenga.”+  Asi ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo kuti vasiye zvakaipa zvavo vachirega kupa vamwe vanamwari zvibayiro.+  Saka kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvakadururwa, zvikabvira mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema, akangosara ava matongo asina chinhu, sezvaari nhasi.’+  “Zvino zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Nei muri kuzviunzira* dambudziko guru, richaita kuti varume vese nevakadzi, vana nevacheche vese vaparare muJudha, pasina anosara?  Munondigumburirei nemabasa emaoko enyu, muchipa zvibayiro kune vamwe vanamwari munyika yeIjipiti yamakaenda kunogara? Muchaparara mova chinhu chinoshandiswa pakutuka uye chinhu chinoshorwa pakati pemarudzi ese epanyika.+  Makanganwa here mabasa akaipa chaizvo emadzitateguru enyu nemabasa akaipa chaizvo emadzimambo eJudha+ nemabasa akaipa chaizvo emadzimai awo,+ uyewo mabasa enyu akaipa chaizvo nemabasa akaipa chaizvo emadzimai enyu,+ akaitwa munyika yeJudha nemumigwagwa yeJerusarema? 10  Nanhasi havasi kuzvininipisa,* havasi kutya,+ uyewo havasi kufamba mumutemo wangu nemirau yangu yandakaisa pamberi penyu imi nemadzitateguru enyu.’+ 11  “Saka zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndasarudza kukuunzirai dambudziko, kuti ndiparadze vaJudha vese. 12  Ndichatora vaJudha vakasara avo vakashinga kuenda kunyika yeIjipiti kunogara ikoko uye vachaparara vese munyika yeIjipiti.+ Vachaurayiwa nebakatwa, uye vachapera nenzara; kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachaurayiwa nebakatwa uye nenzara. Uye vachava chinhu chakatukwa, chinhu chinotyisa, chinoshorwa uye chinozvidzwa.+ 13  Ndicharanga vaya vari kugara munyika yeIjipiti, sekuranga kwandakaita Jerusarema nebakatwa, nenzara, uye nedenda.*+ 14  Uye vaJudha vakasara avo vakaenda kunogara kunyika yeIjipiti havazopukunyuki kana kupona kuti vadzokere kunyika yeJudha. Vachashuva kudzokera kuti vanogara ikoko, asi havazodzokeri, kunze kwevashoma vachapukunyuka.’” 15  Varume vese avo vaiziva kuti madzimai avo akanga achipa zvibayiro kune vamwe vanamwari, nemadzimai ese akanga akamira ipapo, vari boka guru, nevanhu vese vakanga vachigara munyika yeIjipiti,+ muPatrosi,+ vakapindura Jeremiya vachiti: 16  “Shoko rawatiudza muzita raJehovha hatisi kuzoriteerera. 17  Asi tichatoita mashoko ese atataura nemiromo yedu, kuti tipe Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa,+ sezvatakaita isu nemadzitateguru edu, madzimambo edu, nemachinda edu tiri mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema, pataidya chingwa tichiguta, takapfuma, uye tisina kana dambudziko. 18  Kubva patakarega kupa Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa, hatisisina chatiinacho uye tapera nebakatwa nenzara.” 19  Uye madzimai akatiwo: “Pataipa Mambokadzi Wedenga* zvibayiro tichimudururira mipiro yezvinwiwa, takambomugadzirira makeke emupiro akaumbwa saiye, nekumudururira mipiro yezvinwiwa tisina kubvumirwa nevarume vedu here?” 20  Jeremiya akabva apindura vanhu vese, varume nemadzimai avo, nevanhu vese vaaitaura navo, achiti: 21  “Zvibayiro zvamakapa mumaguta eJudha nemumigwagwa yeJerusarema,+ imi nemadzitateguru enyu, nemadzimambo enyu, nemachinda enyu nevanhu vemunyika yacho, zvakayeukwa naJehovha uye zvakauya mumwoyo make! 22  Jehovha akazopedzisira asisakwanise kuramba achiona tsika dzenyu dzakaipa nezvinhu zvinosemesa zvamakaita, uye nyika yenyu yakava dongo, chinhu chinotyisa uye chinoshandiswa pakutuka, isina anoigara, sezvazviri nhasi.+ 23  Makapa zvibayiro izvi uye makatadzira Jehovha, muchirega kuteerera inzwi raJehovha, uye kufamba mumutemo wake, mumirau yake nemuzviyeuchidzo zvake, ndokusaka mawirwa nedambudziko iri, sezvazvava nhasi.”+ 24  Jeremiya akabva ati kuvanhu vese nekuvakadzi vese: “Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vese vari munyika yeIjipiti. 25  Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Zvamakataura nemiromo yenyu, imi nemadzimai enyu, makazvizadzisa nemaoko enyu nekuti makati: “Tichatozadzisa mhiko dzedu dzekuti tipe Mambokadzi Wedenga* zvibayiro nekumudururira mipiro yezvinwiwa.”+ Vakadzi imimi muchatozadzisa mhiko dzenyu, moita zvamakapika.’ 26  “Saka inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vese vari kugara munyika yeIjipiti: ‘“Ndiri kupika nezita rangu guru,” anodaro Jehovha, “kuti zita rangu harichazoshandiswizve pakupika nechero murume weJudha+ munyika yese yeIjipiti anoti, ‘NaChangamire Ishe Jehovha mupenyu!’+ 27  Zvino ndiri kuramba ndakavatarisa kuti ndiunze dambudziko, kwete chinhu chakanaka;+ varume vese veJudha vari munyika yeIjipiti vachaparara nebakatwa uye nenzara, kusvikira vasisipo.+ 28  Vashoma chete ndivo vachapukunyuka bakatwa, vodzokera kunyika yeJudha vachibva kunyika yeIjipiti.+ Uye vaJudha vese vakasara, vakaenda kunyika yeIjipiti kunogara ikoko vachaziva kuti ishoko raani rakazadzika, ravo kana kuti rangu!”’” 29  “‘Ichi ndicho chiratidzo kwamuri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘chekuti ndichakurangai munzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu ekuti ndichakuunzirai dambudziko achatozadzika. 30  Zvanzi naJehovha: “Ndiri kuisa Farao Hofra, mambo weIjipiti, mumaoko evavengi vake uye evaya vari kutsvaga kumuuraya,* sekuisa kwandakaita Mambo Zedhekiya weJudha muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, uyo aiva muvengi wake, achitsvaga kumuuraya.”’”*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “muMemfisi.”
ChiHeb., “ndichimukira mangwanani ndichivatuma.”
Kana kuti “kuunzira mweya yenyu.”
Kana kuti “kuzvidemba.”
Kana kuti “nechirwere.”
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Zita rekuremekedza ramwarikadzi ainamatwa nevaIsraeri vainge vapanduka; zvichida aiva mwarikadzi wekubereka.
Kana kuti “mweya wake.”
ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.
Kana kuti “mweya wake.”