Jobho 12:1-25
12 Jobho akabva apindura achiti:
2 “Chokwadi imi ndimi vanhu vanoziva,*Uye uchenjeri huchafa pamwe chete nemi!
3 Asi iniwo ndinonzwisisa.*
Handina kuderera kukupfuurai.
Ndiani asingazivi zvinhu izvi?
4 Ndava chiseko cheshamwari dzangu,+Munhu anoshevedzera kuna Mwari kuti apindurwe.+
Munhu akarurama, asina chaanopomerwa, ndiye ava chiseko.
5 Vaya vakagarika vanozvidza kutambura,Vachifunga kuti ndekwevaya vane tsoka dzisina kugadzikana.*
6 Matende emakororo ane runyararo,+Uye vaya vanotsamwisa Mwari vakachengeteka,+Vaya vakabata mwari wavo mumaoko.
7 Asi bvunzai mhuka, uye dzichakurayiridzai;Neshiri dzedenga, uye dzichakuudzai.
8 Kana kuti fungai nezvenyika,* uye ichakurayiridzai;Uye hove dzemugungwa dzichakuzivisai nezvazvo.
9 Pazvinhu zvese izvi ndechipi chisingaziviKuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvi?
10 Muruoko rwake ndimo mune upenyu hwechinhu chese chinorarama*Uye simba reupenyu remunhu wese.*+
11 Nzeve haiedzi mashokoSekuravira kunoita rurimi zvekudya here?+
12 Uchenjeri hausi pakati pevakwegura here,+Uye kunzwisisa hakuuyi nekupindana kwemazuva here?
13 Iye ane uchenjeri nesimba;+Anopa mazano uye anonzwisisa.+
14 Kana akaputsa chinhu hapana anogona kuchivakazve;+Chaanenge avhara, hapana munhu anogona kuchivhura.
15 Kana akachengeta mvura, zvinhu zvese zvinooma;+Kana akaituma, inozadza nyika.+
16 Iye ane simba neuchenjeri;+Munhu anotsauka, nemunhu anotsausa, ndevake vese;
17 Iye anoita kuti makurukota afambe asina shangu,*Uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.+
18 Anosunungura zvisungo zvinoiswa nemadzimambo,+Uye anosunga bhandi muchiuno mavo.
19 Anoita kuti vapristi vafambe vasina shangu,+Uye anowisira pasi vaya vane masimba, vakanyatsodzika midzi;+
20 Anoita kuti makurukota anovimbwa nawo atadze kutauraUye anobvisa kuchenjera kwevakwegura;*
21 Anodurura kuzvidzwa pavakuru vakuru,+Uye anoita kuti vane simba vapere simba;*
22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zviri murima,+Uye anobudisa chiedza pane rima gobvu;
23 Anoita kuti marudzi akure, kuti azoaparadza;Anoita kuti marudzi akure, kuti azoaendesa kuutapwa.
24 Anobvisa kunzwisisa kwevatungamiriri* vevanhuUye anoita kuti vadzungaire nemasango.+
25 Vanotsvangadzira murima,+ musina chiedza;Anoita kuti vadzedzereke sevarume vakadhakwa.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “ndimi vanhu vacho.”
^ ChiHeb., “ndine mwoyo.”
^ Kana kuti “tsoka dzinotsvedza.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “taurai nenyika.”
^ Kana kuti “mune mweya wemunhu wese mupenyu.”
^ ChiHeb., “renyama yemunhu wese.”
^ Kana kuti “atorerwe zvese.”
^ Kana kuti “kwevakuru.”
^ ChiHeb., “anosunungura bhandi revane simba.”
^ ChiHeb., “Anobvisa mwoyo yevatungamiriri.”