Jobho 17:1-16
17 “Mweya* wangu waputswa, mazuva angu apera;Kumakuva kwakandimirira.+
2 Ndakakombwa nevanondinyomba,+Uye ziso rangu ngarirambe riri pakupanduka kwavari kuita.
3 Ndapota, gamuchirai chandiri kukupai kuti mufanobata uye chichengetei.
Ndianizve achabatana maoko neni kuti aite mhiko yekundibatsira?+
4 Nekuti makaita kuti mwoyo yavo itadze kunzwisisa;+Ndokusaka musingavakwidziridzi.
5 Iye angasarudza kugovana zvinhu neshamwari dzake,Asi maziso evana vake achineta nenzara.
6 Iye akandiita chiseko* pakati pemarudzi,+Zvekuti vava kundisvipira mate kumeso.+
7 Maziso angu haachaoni nemhaka yekurwadziwa,+Uye nhengo dzangu dzese dzaita semumvuri.
8 Vanhu vakarurama vanoramba vakatarisa zvichivashamisa,Uye munhu asina mhosva anogumburwa nevanhu vasingadi Mwari.*
9 Munhu akarurama anoramba ari munzira yake,+Uye munhu ane maoko akachena anowedzera kusimba.+
10 Asi imi mese munogona kuuya motangazve kutaura,Nekuti handina kuwana akachenjera pakati penyu.+
11 Mazuva angu apera;+Zvirongwa zvangu, zvido zvemwoyo wangu zvaparara.+
12 Vanoramba vachiita kuti usiku huve masikati,Vachiti, ‘Chiedza chinofanira kunge chava pedyo nekuti kune rima.’
13 Kana ndikamirira, Guva* richava imba yangu;+Ndichawaridza mubhedha wangu murima.+
14 Ndichashevedzera kugomba*+ ndichiti, ‘Ndiwe baba vangu!’
Kuhonye ndichiti, ‘Ndiwe amai vangu nehanzvadzi yangu!’
15 Saka tariro yangu iri kupi?+
Ndiani ari kuona ndiine tariro?
16 Ichadzika* kumazariro* emagedhi eGuva,*Patichadzika tese muguruva.”+
Mashoko Emuzasi
^ Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “chirevo.”
^ Kana kuti “vakatsauka pakutenda.”
^ Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “kuguva.”
^ Kureva, tariro yangu.
^ Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
^ Kana kuti “eSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.