Jobho 30:1-31
30 “Iye zvino vava kundiseka,+Varume vadiki kwandiri,Vane vanababa vandaizorambaKuisa pamwe chete nembwa dzaichengetedza makwai angu.
2 Simba remaoko avo raindibatsirei?
Simba ravo raparara.
3 Vasakadzwa nenhamo, nenzara;Vanon’un’una zvinhu zviri muvhu rakaomaRava matongo uye rakaparadzwa.
4 Vanotemha mashizha anovava mumakwenzi;Zvekudya zvavo midzi yemiti yemugwenga.
5 Vanodzingwa pakati pevanhu;+Vanhu vanoshevedzera kwavari sezvavanoita mbavha.
6 Vanogara mumakoronga,Mumakomba ari muvhu nemumatombo.
7 Vanochema vari mumakwenziUye vanoungana murukato.
8 Sevanakomana vebenzi uye vemunhu asingazivikanwi,Vakadzingwa panyika.
9 Asi iye zvino vava kundinyomba kunyange munziyo dzavo;+Ndava chiseko* kwavari.+
10 Vanondisema uye vanotambira kure neni;+Havazezi kundisvipira kumeso.+
11 Mwari anditorera zvombo zvandaishandisa* uye andininipisa,Saka havachazvidzori pamberi pangu.
12 Kurudyi rwangu vanosimuka semhomho;Vanoita kuti nditizeUye vanoisa zvinhu zvinondipiringisha munzira yangu kuti ndiparare.
13 Vanoparadza migwagwa yanguUye vanowedzera dambudziko rangu,+Pasina kana anovarambidza.*
14 Vanouya vachiita sevari kupinda nepamadziro akadhirika;Vanodirana vachipinda makaparadzwa.
15 Kutya kwandikunda;Kukudzwa kwangu kwabviswa semhepo,Uye ruponeso rwangu runonyangarika segore.
16 Iye zvino upenyu hwangu hwava kupera;+Mazuva ekutambudzika+ andibata.
17 Mapfupa angu anondirwadza achibaya-baya* usiku;+Marwadzo acho anondin’un’una asingambonyarari.+
18 Chipfeko changu chaunyanidzwa-unyanidzwa zvine simba;*Chinondidzipa sekora yechipfeko changu.
19 Mwari andiwisira mumadhaka;Ndava guruva nemadota.
20 Ndinochema kwamuri kuti mundibatsire, asi hamundipinduri;+Ndinosimuka, asi munongonditarisa.
21 Mandipandukira zveutsinye;+Munondirova nesimba rese reruoko rwenyu.
22 Munondisimudza nemhepo, mondiendesa kure;Mondikanda-kanda mudutu.
23 Nekuti ndinoziva kuti muchandidzikisa murufu,Kuimba ichasangana vanhu vese vapenyu.
24 Asi hapana anorova munhu akatyoka+Anenge achichema achida kubatsirwa panguva yenhamo.
25 Handina here kuchema vaya vakasangana nenguva yakaoma?
Handina* here kuchema varombo?+
26 Kunyange ndaitarisira zvakanaka, kwakauya zvakaipa;Ndaitarisira chiedza, asi kwakauya rima.
27 Kumona-mona kuri kuita mukati mangu hakuna kumira;Mazuva ekutambudzika akanangana neni.
28 Ndinofamba ndakasuruvara;+ hakuna zuva.
Pakati peungano, ndinosimuka ndochemera kubatsirwa.
29 Ndava hama yehunguhwe*Neshamwari yevanasikana vemhou.+
30 Ganda rangu rasviba uye rafunuka;+Mapfupa angu ari kutsva nekupisa kwakuri kuita.*
31 Rudimbwa rwangu rwava kungoridzwa pakuchema,Uye nyere* yangu yava kushandiswa pakuchema.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “chirevo.”
^ ChiHeb., “adhambisa uta hwangu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Pasina kana anovabatsira.”
^ ChiHeb., “Mapfupa angu anoboorwa.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Kurwadziwa nenhamo kwandiunyanidza-unyanidza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu hauna.”
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kutsva nefivha.”
^ Ichi chiridzwa chinoita zvekufuridzwa.