Jobho 35:1-16
35 Erihu akaenderera mberi nemhinduro yake achiti:
2 “Une chokwadi here kuti wakarurama zvekuti ungati,‘Ndakarurama kupfuura Mwari’?+
3 Nekuti uri kuti, ‘Zvine basa rei nemi?*
Zvandiri zviri nani here kupfuura zvandaizova kudai ndakaita chivi?’+
4 NdichakupinduraIwe neshamwari dzako+ dzauinadzo.
5 Tarisa kudenga uone,Cherechedza makore+ ari mudenga denga pamusoro pako.
6 Kana ukatadza, chii chinomurwadza?+
Kana zvitadzo zvako zvikawedzera, unomuitei?+
7 Kana wakarurama, unomupei;Chii chaanogamuchira kwauri?+
8 Uipi hwako hunongokanganisa munhu akaita sewe,Uye kururama kwako kunobatsira mwanakomana wemunhu.
9 Vanhu vanochema kana vachidzvinyirirwa chaizvo;Vanochemera kubatsirwa kubva pautongi hwevane simba.*+
10 Asi hapana anoti, ‘Mwari ari kupi, Muiti wangu Mukuru,+Iye anoita kuti nziyo dziimbwe usiku?’+
11 Anotidzidzisa+ kupfuura mhuka dzepanyika,+Uye anoita kuti tive vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.
12 Vanhu vanoshevedzera, asi haapinduri,+Nemhaka yekuzvikudza kwevakaipa.+
13 Chokwadi Mwari haanzwi kuchema kwenhema;+Wemasimbaose haateereri zvakadaro.
14 Ko kuzoti paunonyunyuta uchiti haumuoni!+
Nyaya yako iri pamberi pake, saka unofanira kumumirira nemwoyo wese.+
15 Nekuti haana kukubvunza zvikanganiso zvako nehasha;Uye haana kukutongera kuita kwako zvinhu usina kufunga.+
16 Jobho anongoshama muromo wake achitaura zvisina musoro;Anoramba achitaura zvaasingazivi.”+