Joeri 1:1-20

  • Dambudziko rakakura remhashu (1-14)

  • “Zuva raJehovha rava pedyo” (15-20)

    • Muprofita wacho anochema kuna Jehovha (19, 20)

1  Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Joeri* mwanakomana waPetueri:   “Inzwai izvi, imi vakuru,Uye teererai, imi vagari vese vemunyika.* Zvinhu zvakadai zvakamboitika here mumazuva enyuKana mumazuva emadzitateguru enyu?+   Zviudzei vanakomana venyu,Uye vanakomana venyu ngavazviudze vanakomana vavo,Uye vanakomana vavo vozviudza chizvarwa chinotevera.   Zvakasiyiwa nemhashu dzinoparadza, zvakadyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda;+Uye zvakasiyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, zvakadyiwa nemhashu dzisina mapapiro;Uye zvakasiyiwa nemhashu dzisina mapapiro, zvakadyiwa nemhashu dzinodya dzisingasiyi chinhu.*+   Mukai, imi zvidhakwa,+ mucheme misodzi! Ridzai mhere imi mese munonwa waini,Nekuti hamusisina waini inotapira.+   Nekuti pane rudzi rwauya munyika yangu, rune simba uye rusingaverengeki.+ Mazino arwo akaita semazino eshumba,+ uye shaya dzarwo dzakaita sedzeshumba.   Rwaparadza muzambiringa wangu uye rwaita kuti muonde wangu uve chigutsa,Rwachenesa miti yacho zvachose rukaikandira kwakadaro uko,Rukasiya tumapazi twayo twava tuchena.   Ridzai mhere sezvinoita mhandara yakapfeka masagaIchichema mukomana anga achida kuiroora.*   Muimba yaJehovha hamusisina mupiro wezviyo*+ nemupiro wezvinwiwa;+Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vari kuchema. 10  Munda waparadzwa, ivhu riri kuchema;+Nekuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yaoma, mafuta apera.+ 11  Varimi vari kunetseka, vashandi vemuminda yemizambiringa vari kuridza mhere,Pamusana pegorosi uye pebhari;Nekuti mbeu dzemuminda dzaparara. 12  Muzambiringa waoma,Muonde waoma. Mupomegraneti,* muchindwe, nemuapuro,Miti yese yemumunda yaoma;+Nekuti mufaro wevanhu wachinja kuva nyadzi. 13  Pfekai masaga, mucheme,* imi vapristi;Ridzai mhere, imi vashumiri vepaatari.+ Pindai mukati, murare makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu;Nekuti mupiro wezviyo+ nemupiro wezvinwiwa+ hazvichaunzwi muimba yaMwari wenyu. 14  Zivisai vanhu kuti vatsanye;* shevedzai vanhu kuti vauye kugungano dzvene.+ Unganidzai vakuru, nevagari vese vemunyika,Kuimba yaJehovha Mwari wenyu,+ muchemere kubatsirwa naJehovha. 15  Maiwee zuva riya kani! Nekuti zuva raJehovha rava pedyo,+Uye richauya nekuparadza kunobva kune Wemasimbaose! 16  Zvekudya hazvina kubviswa pamberi pedu chaipo here,Uye kupembera nemufaro hazvina kubviswa muimba yaMwari wedu here? 17  Mbeu dzavari kushanda padziri nefoshoro dzavo, dzaputana.* Matura haasisina chinhu. Tsapi* dzaputswa, nekuti zviyo zvaoma. 18  Kunyange zvipfuwo zviri kugomera! Mombe dziri kumberereka, nekuti hadzina mafuro! Uye makwai ari kurwadziwa. 19  Ndichachema kwamuri haiwa Jehovha;+Nekuti moto waparadza mafuro musango,Uye rimi remoto rapisa miti yese yesango. 20  Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri,Nekuti hova dzemvura dzaomaUye moto waparadza mafuro musango.”

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Jehovha ndiMwari.”
Kana kuti “vepanyika.”
Muvhesi ino mutauro wechiHebheru wakashandisa mazita mana anotsanangura mhashu.
Kana kuti “Ichichema murume weudiki hwayo.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
Kana kuti “muzvirove zvipfuva.”
ChiHeb., “Tsaurai nguva tsvene yekutsanya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Maonde akaoma avari kushanda paari nefoshoro dzavo aputana.”
Kana kuti “Hozi,” kureva imba inochengeterwa zvirimwa zvinenge zvakohwewa.