Joeri 2:1-32
2 “Ridzai hwamanda muZiyoni!+
Shevedzerai nezvehondo muri mugomo rangu dzvene.
Vagari vese vemunyika* ngavadedere,Nekuti zuva raJehovha riri kuuya!+ Rava pedyo!
2 Izuva rerima guru,+Zuva remakore nerima gobvu,+Sezvinoitika kana chiedza chemambakwedza chakavharirwa nemakomo.
Kune rudzi rune vanhu vazhinji uye rune simba;+Hakuna kumbova nerudzi rwakadaro,Uye hakuzovi nerumwe rwakadaroMumakore ezvizvarwa zvese zvichatevera.
3 Kumberi kwevanhu vacho moto uri kuparadza,Uye kwavari kubva rimi remoto riri kuparadza.+
Nyika iri mberi kwavo yakaita semunda weEdheni,+Asi pavapfuura yaita segwenga risingagari chinhu,Uye hapana chinopukunyuka.
4 Vanoratidzika semabhiza,Uye vanomhanya semabhiza ehondo.+
5 Pavanosvetuka pamusoro pemakomo vanonzwika sengoro dziri kutinhira,+Sekuputika-putika kunoita marimi emoto panotsva mashanga.
Vakaita serudzi rune simba rwakarongwa semauto.+
6 Marudzi acharwadziwa kwazvo nekuda kwavo.
Zviso zvese zvichanetseka.
7 Vanomhanya sevarwi vava kutanga kurwisa,Vanokwira madziro semauto,Mumwe nemumwe anoramba akananga mberi,Uye havatsauki panzira dzavo.
8 Havasundidzirani;Mumwe nemumwe anoramba achienda ari munzira yake.
Kana vamwe vakaurayiwa nezvombo,*Vamwe vacho havadzokeri shure.
9 Vanomhanyira muguta, vanomhanya pamadziro.
Vanokwira padzimba, vanopinda nepamahwindo sezvinoita mbavha.
10 Nyika inodedera pamberi pavo uye denga rinozununguka.
Zuva nemwedzi zvasviba,+Uye nyeredzi hadzichapenyi.
11 Jehovha achashevedzera ari pamberi peuto rake,+ nekuti uto rake rakakura chaizvo.+
Nekuti wacho ari kuita zvaakataura ane simba;Nekuti zuva raJehovha iguru uye rinotyisa kwazvo.+
Ndiani angaritsungirira?”+
12 “Asi kunyange iye zvino,” anodaro Jehovha, “dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yese,+Muchitsanya,+ muchichema, uye muchiridza mhere.
13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu,+Modzoka kuna Jehovha Mwari wenyu,Nekuti iye ane tsitsi nengoni, anononoka kutsamwa,+ uye azere nerudo rusingachinji,+Uye achafunga kusaunza dambudziko racho.*
14 Ndiani anoziva kana achizochinja, orega kuita zvaanga achifunga*+Okusiyirai chikomborero,Mupiro wezviyo nemupiro wezvinwiwa wekupa Jehovha Mwari wenyu?
15 Ridzai hwamanda muZiyoni!
Zivisai vanhu kuti vatsanye;* shevedzai vanhu kuti vauye kugungano dzvene.+
16 Unganidzai vanhu; tsvenesai ungano.+
Unganidzai vakwegura;* unganidzai vana nevacheche vanoyamwa.+
Murume ari kuroora ngaabude muimba yake yemukati, uye mwenga ngaabude muimba yake yemuchato.
17 Pakati pevharanda neatari+Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme uye ngavati:
‘Nzwirai vanhu venyu urombo, haiwa Jehovha;Musaita kuti nhaka yenyu ishorwe,Muchisiya mamwe marudzi achivatonga.
Mamwe marudzi angasvikirei pakuti, “Mwari wavo ari kupi?”’+
18 Jehovha achabva ashingaira achidzivirira nyika yakeUye achanzwira vanhu vake tsitsi.+
19 Jehovha achapindura vanhu vake achiti:
‘Ndiri kukutumirai zviyo newaini itsva nemafuta,Uye muchanyatsoguta;+Handichazoiti kuti mushorwe zvakare pakati pemamwe marudzi.+
20 Ndichadzingira vekuchamhembe kure nemi;Ndichaita kuti vapararire kunyika yakaoma uye isingagarike nevanhu,Vanga vachirwa vari pamberi vachananga kugungwa rekumabvazuva*Uye vanga vari nechekumashure vachananga kugungwa rekumavirira.*
Zimweya rekunhuhwa kwavo richakwira,+Hwema hwavo hwakaipa hucharamba huchikwira;Nekuti iye achaita zvinhu zvikuru.’
21 Usatya, haiwa iwe nyika.
Fara, ufarisise, nekuti Jehovha achaita zvinhu zvikuru.
22 Musatya, imi mhuka dzesango,Nekuti mafuro achasvibirira musango,+Uye miti ichabereka michero;+Muonde nemuzambiringa zvichanyatsobereka.+
23 Imi vanakomana veZiyoni, pemberai, mufare kwazvo muna Jehovha Mwari wenyu;+Nekuti achakupai mvura yekutanga yakaringana,Uye achakunayisirai mvura zhinji,Mvura yekutanga nemvura yekupedzisira, sezvaaiita pakutanga.+
24 Nzvimbo dzekupurira dzichazara zviyo zvakaurutswa,Uye zvisviniro zvichafashukira newaini itsva nemafuta.+
25 Ndichakupai zvinotsiva zvamakarasikirwa nazvoMumakore akadyiwa zvinhu nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, nemhashu dzisina mapapiro, nemhashu dzinodya dzisingasiyi chinhu, uye nemhashu dzinoparadza,Iro uto rangu guru randakatuma pakati penyu.+
26 Chokwadi muchadya kusvikira maguta,+Uye mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,+Uyo akakuitirai zvinhu zvinoshamisa;Vanhu vangu havazombonyadziswi zvakare.+
27 Uye muchaziva kuti ndiri pakati paIsraeri+Uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu,+ hakuna mumwe!
Vanhu vangu havazombonyadziswi zvakare.
28 Pashure paizvozvo ndichadurura mweya wangu+ pavanhu vemarudzi ese,Uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita,Vakwegura venyu vacharota hope,Uye majaya enyu achaona zviratidzo.+
29 Uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vanguNdichadurura mweya wangu mumazuva iwayo.
30 Uye ndichaita zvishamiso* kudenga nepanyika,Ropa nemoto neutsi hwakawanda hunokwira mudenga.+
31 Zuva richasviba uye mwedzi uchava ropa+Zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.+
32 Uye munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa;+Nekuti muGomo reZiyoni nemuJerusarema ndimo muchava nevaya vachapona,+ sezvakataurwa naJehovha,Vachapona vacho ndevaya vanoshevedzwa naJehovha.”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vepanyika.”
^ Kana kuti “nezvombo zvinoita zvekukandwa.”
^ Kana kuti “achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.”
^ Kana kuti “ozvidemba.”
^ ChiHeb., “Tsaurai nguva tsvene yekutsanya.”
^ Kana kuti “vakuru.”
^ Kureva, Gungwa Rakafa.
^ Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
^ Kana kuti “zviratidzo.”