Joeri 2:1-32

  • Zuva raJehovha uye uto rake guru (1-11)

  • Vanhu vanoudzwa kuti vadzoke kuna Jehovha (12-17)

    • “Bvarurai mwoyo yenyu” (13)

  • Jehovha anopindura vanhu vake (18-32)

    • “Ndichadurura mweya wangu” (28)

    • Zvishamiso kudenga nepanyika (30)

    • Vaya vanodana zita raJehovha vachaponeswa (32)

2  “Ridzai hwamanda muZiyoni!+ Shevedzerai nezvehondo muri mugomo rangu dzvene. Vagari vese vemunyika* ngavadedere,Nekuti zuva raJehovha riri kuuya!+ Rava pedyo!   Izuva rerima guru,+Zuva remakore nerima gobvu,+Sezvinoitika kana chiedza chemambakwedza chakavharirwa nemakomo. Kune rudzi rune vanhu vazhinji uye rune simba;+Hakuna kumbova nerudzi rwakadaro,Uye hakuzovi nerumwe rwakadaroMumakore ezvizvarwa zvese zvichatevera.   Kumberi kwevanhu vacho moto uri kuparadza,Uye kwavari kubva rimi remoto riri kuparadza.+ Nyika iri mberi kwavo yakaita semunda weEdheni,+Asi pavapfuura yaita segwenga risingagari chinhu,Uye hapana chinopukunyuka.   Vanoratidzika semabhiza,Uye vanomhanya semabhiza ehondo.+   Pavanosvetuka pamusoro pemakomo vanonzwika sengoro dziri kutinhira,+Sekuputika-putika kunoita marimi emoto panotsva mashanga. Vakaita serudzi rune simba rwakarongwa semauto.+   Marudzi acharwadziwa kwazvo nekuda kwavo. Zviso zvese zvichanetseka.   Vanomhanya sevarwi vava kutanga kurwisa,Vanokwira madziro semauto,Mumwe nemumwe anoramba akananga mberi,Uye havatsauki panzira dzavo.   Havasundidzirani;Mumwe nemumwe anoramba achienda ari munzira yake. Kana vamwe vakaurayiwa nezvombo,*Vamwe vacho havadzokeri shure.   Vanomhanyira muguta, vanomhanya pamadziro. Vanokwira padzimba, vanopinda nepamahwindo sezvinoita mbavha. 10  Nyika inodedera pamberi pavo uye denga rinozununguka. Zuva nemwedzi zvasviba,+Uye nyeredzi hadzichapenyi. 11  Jehovha achashevedzera ari pamberi peuto rake,+ nekuti uto rake rakakura chaizvo.+ Nekuti wacho ari kuita zvaakataura ane simba;Nekuti zuva raJehovha iguru uye rinotyisa kwazvo.+ Ndiani angaritsungirira?”+ 12  “Asi kunyange iye zvino,” anodaro Jehovha, “dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yese,+Muchitsanya,+ muchichema, uye muchiridza mhere. 13  Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu,+Modzoka kuna Jehovha Mwari wenyu,Nekuti iye ane tsitsi nengoni, anononoka kutsamwa,+ uye azere nerudo rusingachinji,+Uye achafunga kusaunza dambudziko racho.* 14  Ndiani anoziva kana achizochinja, orega kuita zvaanga achifunga*+Okusiyirai chikomborero,Mupiro wezviyo nemupiro wezvinwiwa wekupa Jehovha Mwari wenyu? 15  Ridzai hwamanda muZiyoni! Zivisai vanhu kuti vatsanye;* shevedzai vanhu kuti vauye kugungano dzvene.+ 16  Unganidzai vanhu; tsvenesai ungano.+ Unganidzai vakwegura;* unganidzai vana nevacheche vanoyamwa.+ Murume ari kuroora ngaabude muimba yake yemukati, uye mwenga ngaabude muimba yake yemuchato. 17  Pakati pevharanda neatari+Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme uye ngavati: ‘Nzwirai vanhu venyu urombo, haiwa Jehovha;Musaita kuti nhaka yenyu ishorwe,Muchisiya mamwe marudzi achivatonga. Mamwe marudzi angasvikirei pakuti, “Mwari wavo ari kupi?”’+ 18  Jehovha achabva ashingaira achidzivirira nyika yakeUye achanzwira vanhu vake tsitsi.+ 19  Jehovha achapindura vanhu vake achiti: ‘Ndiri kukutumirai zviyo newaini itsva nemafuta,Uye muchanyatsoguta;+Handichazoiti kuti mushorwe zvakare pakati pemamwe marudzi.+ 20  Ndichadzingira vekuchamhembe kure nemi;Ndichaita kuti vapararire kunyika yakaoma uye isingagarike nevanhu,Vanga vachirwa vari pamberi vachananga kugungwa rekumabvazuva*Uye vanga vari nechekumashure vachananga kugungwa rekumavirira.* Zimweya rekunhuhwa kwavo richakwira,+Hwema hwavo hwakaipa hucharamba huchikwira;Nekuti iye achaita zvinhu zvikuru.’ 21  Usatya, haiwa iwe nyika. Fara, ufarisise, nekuti Jehovha achaita zvinhu zvikuru. 22  Musatya, imi mhuka dzesango,Nekuti mafuro achasvibirira musango,+Uye miti ichabereka michero;+Muonde nemuzambiringa zvichanyatsobereka.+ 23  Imi vanakomana veZiyoni, pemberai, mufare kwazvo muna Jehovha Mwari wenyu;+Nekuti achakupai mvura yekutanga yakaringana,Uye achakunayisirai mvura zhinji,Mvura yekutanga nemvura yekupedzisira, sezvaaiita pakutanga.+ 24  Nzvimbo dzekupurira dzichazara zviyo zvakaurutswa,Uye zvisviniro zvichafashukira newaini itsva nemafuta.+ 25  Ndichakupai zvinotsiva zvamakarasikirwa nazvoMumakore akadyiwa zvinhu nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, nemhashu dzisina mapapiro, nemhashu dzinodya dzisingasiyi chinhu, uye nemhashu dzinoparadza,Iro uto rangu guru randakatuma pakati penyu.+ 26  Chokwadi muchadya kusvikira maguta,+Uye mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,+Uyo akakuitirai zvinhu zvinoshamisa;Vanhu vangu havazombonyadziswi zvakare.+ 27  Uye muchaziva kuti ndiri pakati paIsraeri+Uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu,+ hakuna mumwe! Vanhu vangu havazombonyadziswi zvakare. 28  Pashure paizvozvo ndichadurura mweya wangu+ pavanhu vemarudzi ese,Uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita,Vakwegura venyu vacharota hope,Uye majaya enyu achaona zviratidzo.+ 29  Uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vanguNdichadurura mweya wangu mumazuva iwayo. 30  Uye ndichaita zvishamiso* kudenga nepanyika,Ropa nemoto neutsi hwakawanda hunokwira mudenga.+ 31  Zuva richasviba uye mwedzi uchava ropa+Zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.+ 32  Uye munhu wese anodana zita raJehovha achaponeswa;+Nekuti muGomo reZiyoni nemuJerusarema ndimo muchava nevaya vachapona,+ sezvakataurwa naJehovha,Vachapona vacho ndevaya vanoshevedzwa naJehovha.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vepanyika.”
Kana kuti “nezvombo zvinoita zvekukandwa.”
Kana kuti “achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.”
Kana kuti “ozvidemba.”
ChiHeb., “Tsaurai nguva tsvene yekutsanya.”
Kana kuti “vakuru.”
Kureva, Gungwa Rakafa.
Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
Kana kuti “zviratidzo.”