Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 13:1-38
13 Jesu akaziva mutambo wePaseka usati wasvika kuti nguva yake yakanga yakwana+ yekuti abve munyika ino aende kuna Baba.+ Sezvo aida vake vaiva panyika, akaramba achivada kusvikira pamugumo.+
2 Pavaidya zvekudya zvemanheru, Dhiyabhorosi akanga atoisa pfungwa yekumutengesa mumwoyo maJudhasi Iskariyoti,+ mwanakomana waSimoni.+
3 Jesu aiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvese mumaoko ake uye kuti akabva kuna Mwari uye kuti aienda kuna Mwari,+
4 saka akasimuka pavaidya, akabvisa nguo dzake dzekunze. Akatora jira, akarimonera* muchiuno make.+
5 Akabva aisa mvura mumudziyo wekugezera, akatanga kugeza tsoka dzevadzidzi achidzipukuta nejira raakanga akamonera* muchiuno.
6 Akabva asvika pana Simoni Petro. Iye akati kwaari: “Ishe, muri kuda kugeza tsoka dzangu here?”
7 Jesu akamupindura kuti: “Zvandiri kuita hausi kuzvinzwisisa iye zvino, asi kana zvapfuura uchazozvinzwisisa.”
8 Petro akati kwaari: “Hazvitomboiti kuti mugeze tsoka dzangu.” Jesu akamupindura kuti: “Kana ndikasakugeza,+ hauna mugove neni.”
9 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, musageza tsoka dzangu chete. Chibvai magezawo maoko angu nemusoro.”
10 Jesu akati kwaari: “Munhu anenge akageza muviri anofanira kugezwa tsoka chete, nekuti muviri wese wakachena. Imi makachena, asi kwete mese.”
11 Nekuti aiziva munhu ari kumutengesa.+ Ndokusaka akati: “Hamusi mese makachena.”
12 Paakanga ageza tsoka dzavo, apfeka nguo dzake dzekunze, uye agara zvakare patafura, akati kwavari: “Manzwisisa here zvandakuitirai?
13 Munonditi, ‘Mudzidzisi’ uye ‘Ishe,’ uye ndizvozvo chaizvo, nekuti ndizvo zvandiri.+
14 Saka kana ini, Ishe uye Mudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu,+ nemiwo munofanira kugezana tsoka.+
15 Nekuti ndakuratidzai muenzaniso, kuti zvandakuitirai, muitewo saizvozvo.+
16 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye anotumwa haasi mukuru kune akamutuma.
17 Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.+
18 Handisi kutaura pamusoro penyu mese; ndinoziva vandakasarudza. Asi izvi zviri kuitika kuti rugwaro ruzadziswe+ runoti: ‘Uya aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.’*+
19 Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuti pazvinozoitika mutende kuti ndini wacho.+
20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, wese anogamuchira munhu wandinotuma anondigamuchirawo,+ uye wese anondigamuchira anogamuchirawo akandituma.”+
21 Pashure pekutaura izvi, Jesu akashungurudzika, uye akapupura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achanditengesa.”+
22 Vadzidzi vakatanga kutarisana, vachishaya kuti akanga achireva ani.+
23 Mumwe wevadzidzi aidiwa naJesu+ akanga akagara pedyo naJesu.*
24 Simoni Petro akabva anongedza nemusoro kwaari, akati: “Tiudze kuti ari kutaura nezvaani.”
25 Saka mudzidzi wacho akazendamira pachipfuva chaJesu, akati kwaari: “Ishe, ndiani?”+
26 Jesu akapindura kuti: “Ndeuyo wandichapa chimedu chechingwa chandinoseva.”+ Saka akaseva chingwa chacho, akachipa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskariyoti.
27 Judhasi paakanga atora chingwa chacho, Satani akabva apinda maari.+ Saka Jesu akati kwaari: “Kurumidza kuita zvauri kuita.”
28 Asi vamwe vese vakanga vakagara patafura havana kuziva kuti akazvitaurirei kwaari.
29 Vamwe vaitofunga kuti sezvo Judhasi ari iye aichengeta bhokisi remari,+ Jesu akanga achimuudza kuti, “Tenga zvinhu zvatinoda kushandisa pamutambo,” kana kuti aifanira kupa varombo chimwe chinhu.
30 Saka paakatambira chingwa chacho akabva abuda pakarepo. Uye hwaiva usiku.+
31 Saka paakanga aenda, Jesu akati: “Iye zvino Mwanakomana wemunhu ava kukudzwa,+ uye ava kuita kuti Mwari akudzwe.
32 Mwari pachake achamukudza,+ uye achamukudza pakarepo.
33 Vana,* ndasarirwa nenguva shomanana ndiinemi. Muchanditsvaga; uye sezvandakataura kuvaJudha kuti, ‘Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda,’+ ndinozvitaurawo kwamuri iye zvino.
34 Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita,+ imiwo dananai.+
35 Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”+
36 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, muri kuenda kupi?” Jesu akapindura kuti: “Kwandiri kuenda haukwanisi kunditevera iye zvino, asi uchatevera gare gare.”+
37 Petro akati kwaari: “Ishe, nei ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichapa upenyu hwangu* nekuda kwenyu.”+
38 Jesu akapindura kuti: “Une chokwadi here kuti uchapa upenyu hwako* nekuda kwangu? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “akarisunga.”
^ Kana kuti “akasunga.”
^ Kana kuti “andipandukira.”
^ ChiGir., “pachipfuva paJesu.”
^ ChiGir., “Vana vadiki.” Iri ishoko raishandiswa kumunhu waunoda.
^ Kana kuti “mweya wangu.”
^ Kana kuti “mweya wako.”