Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 8:1-38
8 Rimwe zuva mumazuva iwayo, pakaungana vanhu vakawanda zvikuru, uye vakanga vasina zvekudya. Saka akashevedza vadzidzi akati kwavari:
2 “Ndiri kusiririswa nevanhu ava,+ nekuti vava nemazuva matatu vaineni asi havana zvekudya.+
3 Kana ndikavaendesa kumisha yavo vasina kudya, vachaziya munzira; vamwe vavo vanobva kure.”
4 Asi vadzidzi vake vakamupindura kuti: “Munhu angawana kupi chingwa chinokwana vanhu ava vachiguta munzvimbo ino iri kwayo yega?”
5 Akabva avabvunza kuti: “Mune chingwa chakawanda sei?” Ivo vakati: “Zvingwa zvinomwe.”+
6 Uye akaudza vanhu kuti vagare pasi. Akabva atora zvingwa zvacho zvinomwe, akaonga, akazvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu, uye vakavapa.+
7 Vaivawo nehove diki shomanana, uye akadzikomborera, akavaudza kuti vadzipewo vanhu.
8 Saka vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvakasara, zvikazadza matengu manomwe.+
9 Pakanga paine varume vangasvika 4 000. Akabva avati vachienda zvavo.
10 Akabva angokwira muchikepe nevadzidzi vake, vakasvika munharaunda yeDharimanuta.+
11 VaFarisi vakauya, vakatanga kuita nharo naye, vachiti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga, vachida kumuedza.+
12 Saka akatura mafemo achirwadziwa mumwoyo make uye akati: “Chizvarwa ichi chinotsvagirei chiratidzo?+ Zvechokwadi ndinoti, hapana chiratidzo chichapiwa chizvarwa ichi.”+
13 Akabva avasiya, akakwirazve muchikepe, akayambuka mhiri.
14 Asi vakakanganwa kutakura chingwa uye vakanga vasina chavaiva nacho muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.+
15 Uye akavayambira zviri pachena achiti: “Rambai makangwarira; chenjererai mbiriso yevaFarisi neyaHerodhi.”+
16 Saka vakatanga kuitisana nharo pamusoro pekuti vakanga vasina chingwa.
17 Paakavanzwa akati kwavari: “Nei muri kuitisana nharo nezvekuti hamuna chingwa? Hamusati mava kubata zvazvinoreva uye kunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichakagomara pakunzwisisa here?
18 ‘Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’ Hamuyeuki here
19 kuti pandakamedurira varume 5 000 zvingwa zvishanu,+ makaunganidza zvakasara mukazadza tswanda ngani?” Ivo vakati kwaari: “Takazadza 12.”+
20 “Pandakamedurira varume 4 000 zvingwa zvinomwe, matengu mangani amakazadza nezvakasara?” Ivo vakati kwaari: “Manomwe.”+
21 Akabva ati kwavari: “Hamusati mava kunzwisisa here?”
22 Vakazosvika kuBhetisaidha. Uye vanhu vakauya kwaari nemurume aiva bofu, vakamuteterera kuti amubate.+
23 Uye akabata murume wacho ruoko, akabuda naye kunze kwemusha. Pashure pekusvipira mate pamaziso ake,+ akaisa maoko ake paari, ndokumubvunza kuti: “Pane chauri kuona here?”
24 Murume wacho akasimudza musoro akati: “Ndiri kuona vanhu, asi vari kuita kunge miti iri kufamba-famba.”
25 Akaisazve maoko ake pamaziso emurume wacho, murume wacho akatanga kunyatsoona. Maziso ake akaporeswa, uye akanga ava kunyatsoona zvinhu zvese.
26 Saka akamuti aende kumba, asi akati: “Usapinda mumusha uyu.”
27 Jesu nevadzidzi vake vakasimuka vakananga kumisha yeKesariya Firipi, uye vari munzira akatanga kubvunza vadzidzi vake kuti: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+
28 Vakati kwaari: “Johani Mubhabhatidzi,+ asi vamwe vanoti Eriya,+ vamwewo vachiti, mumwe wevaprofita.”
29 Uye akabvunza ivo vacho kuti: “Ko imi, munoti ndini ani?” Petro akamupindura kuti: “Ndimi Kristu.”+
30 Akabva avaudza kuti vasatomboudza chero munhu nezvake.+
31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kusangana nematambudziko akawanda, orambwa nevakuru nevatungamiriri vevapristi nevanyori, ourayiwa,+ ozomuka pashure pemazuva matatu.+
32 Aivaudza mashoko aya pachena. Asi Petro akaenda naye parutivi, akatanga kumutsiura.+
33 Akabva atendeuka, akatarisa vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: “Siyana neni* Satani! nekuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.”+
34 Akabva ashevedza vanhu pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa,* arambe achinditevera.+
35 Nekuti munhu wese anoda kuponesa upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa neupenyu hwake* nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka achahuchengetedza.+
36 Ko zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yese orasikirwa neupenyu hwake?*+
37 Munhu angapa chii chaizvo, kuti arege kurasikirwa neupenyu hwake?*+
38 Nekuti munhu wese anonyara neni nemashoko angu muchizvarwa chino cheupombwe* uye chinotadza, Mwanakomana wemunhu paanouya ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene,+ achanyarawo naye.”+
Mashoko Emuzasi
^ ChiGir., “Enda shure kwangu.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nemweya wake.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “nemweya wake.”
^ Kana kuti “nemweya wake.”
^ Kana kuti “chisina kutendeka.”