Mapisarema 1:1-6

  • Kusiyana kweakarurama neakaipa

    • Mufaro wekuverenga mutemo waMwari (2)

    • Vakarurama vakaita semuti unobereka michero (3)

    • Vakaipa vakaita sehundi inopeperetswa (4)

1  Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipaAsingamiri munzira yevatadzi+Asingagari pachigaro chevanotaura zvekutsvinya.+   Asi chaanofarira mutemo waJehovha,+Uye anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi* siku nesikati.+   Achaita semuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura,Muti unobereka michero mumwaka wawo,Une mashizha asingasvavi. Uye zvese zvaanoita zvichabudirira.+   Vakaipa havana kudaro;Vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo.   Ndokusaka vakaipa vasingazorambi vakamira pakutongwa;+Nevatadzi vasingazorambi vakamira muungano yevakarurama.+   Nekuti Jehovha anoziva nzira yevakarurama,+Asi nzira yevakaipa ichaparara.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “anofungisisa mutemo wake.”