Mapisarema 10:1-18
ל [Lamed]
10 Haiwa Jehovha, munomirirei nechekure?
Munozvivanzirei munguva dzekutambudzika?+
2 Munhu akaipa anozvikudza achidzingirira munhu asina mubatsiri,+Asi achabatwa nemazano ake aakaronga.+
3 Nekuti munhu akaipa anozvirumbidza pamusoro peruchiva rwake+Uye anorumbidza munhu ane makaro;*נ [Nun]Haaremekedzi Jehovha.
4 Nekuzvikudza kwake, munhu akaipa haaedzi kuongorora zvinhu;Mupfungwa dzake anongoti: “Hakuna Mwari.”+
5 Nzira dzake dzinoramba dzichibudirira,+Asi haatombonzwisisi mitongo yenyu;+Anozvidza vavengi vake vese.
6 Anoti mumwoyo make: “Handisi kuzombozununguswa;*Kwezvizvarwa nezvizvarwaHandisi kuzoona dambudziko.”+
פ [Pe]
7 Muromo wake uzere nekutuka, kunyepa, nekutyisidzira;+Pasi perurimi rwake pakazara matambudziko nekukuvadza.+
8 Anogaririra akahwandira pedyo nemisha;Ari paakahwanda anouraya munhu asina mhosva.+
ע [Ayin]
Maziso ake ari kutsvaga munhu wekuuraya.+
9 Anomirira ari paakahwanda seshumba iri panzvimbo painohwandira iri.+
Anomirira kubata munhu asina mubatsiri.
Paanodhonza mambure ake achiavhara,+ anobata munhu asina mubatsiri.
10 Waanenge abata anokurirwa uye anowisirwa pasi;Uye vasina simba vanowira mumaoko ake.*
11 Anoti mumwoyo make: “Mwari akanganwa.+
Atendeudza chiso chake.
Haatombooni zviri kuitika.”+
ק [Qoph]
12 Simukai, haiwa Jehovha.+ Simudzai ruoko rwenyu,+ haiwa Mwari.
Regai kukanganwa vasina mubatsiri.+
13 Nei munhu akaipa asina kuremekedza Mwari?
Anoti mumwoyo make: “Hamuzoiti kuti ndizvidavirire.”
ר [Resh]
14 Asi panoitika nhamo nematambudziko munozviona.
Munotarisa moisa nyaya dzacho mumaoko enyu.+
Munhu anotambudzwa anotendeukira kwamuri;+Ndimi mubatsiri wenherera.+
ש [Shin]
15 Tyorai ruoko rwemunhu akaipa neane utsinye,+Kuti pamunozotsvaga uipi hwake,Hamuzohuonizve.
16 Jehovha ndiMambo nariini nariini.+
Marudzi aparara panyika.+
ת [Taw]
17 Asi muchanzwa chikumbiro chevanyoro, haiwa Jehovha.+
Muchasimbisa mwoyo yavo+ monyatsovateerera.+
18 Muchatonga zvakarurama nyaya dzenherera nedzevaya vakadzvinyirirwa,+Zvekuti munhuwo zvake wepanyika haazovatyisi zvakare.+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Munhu ane makaro anozvirumbidza.”
^ Kana kuti “kuzombodzedzereka.”
^ Kana kuti “munzara dzake dzakasimba.”