Mapisarema 108:1-13
Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.
108 Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari.
Ndichaimba uye ndicharidza rwiyo nezvandiri zvese.*+
2 Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo rudimbwa.+
Ndichaita kuti mambakwedza amuke.
3 Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha,Ndichaimba ndichikurumbidzai* pakati pemarudzi.
4 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakakura, rwakakwirira sematenga,+Uye kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
5 Rumbidzwai zvikuru kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yese.+
6 Tiponesei neruoko rwenyu rwerudyi uye ndipindurei,Kuti vamunoda vanunurwe.+
7 Mwari ataura muutsvene hwake* achiti:
“Ndichapembera nemufaro, ndichapa vanhu vangu Shekemu+ kuti ive nhaka yavo;Ndichavayerera Bani reSukoti.+
8 Giriyedhi+ ndeyangu, Manase ndeyangu,Uye Efremu ingowani* yemusoro wangu;+Judha mudonzvo wangu wemutungamiriri.+
9 Moabhi mudziyo wangu wekugezera.+
Ndichakanda shangu yangu pamusoro peEdhomu.+
Ndichapemberera ndakunda Firistiya.”+
10 Ndiani achandiendesa kuguta rakakomberedzwa nemasvingo?
Ndiani achanditungamirira kusvikira kuEdhomu?+
11 Hamusi imi here, Mwari, uyo akatiramba,Mwari wedu, uyo asingachaendi nemauto edu?+
12 Tibatsirei mukutambudzika kwedu,+Nekuti kuponeswa nevanhu hakubatsiri.+
13 Mwari achaita kuti tiwane simba,+Uye achatsika-tsika mhandu dzedu.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “nekukudzwa kwangu.”
^ Kana kuti “Ndichakuridzirai rwiyo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “munzvimbo yake tsvene.”
^ ChiHeb., “inhare.”