Mapisarema 11:1-7
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
11 Ini ndakapotera kuna Jehovha.+
Saka sei muchiti kwandiri:*
“Tizira kugomo rako seshiri!
2 Tarisai kukunga uta kuri kuita vakaipa;Vanoisa museve wavo pauta,Kuti vapfure vane mwoyo yakarurama murima.
3 Kana nheyo* dzaparadzwa,Munhu akarurama angaitei?”
4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+
Chigaro chaJehovha cheumambo chiri kumatenga.+
Maziso ake anoona, uye maziso ake* anonyatsoongorora vanakomana vevanhu.+
5 Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa;+Anovenga* munhu wese anoda zvemhirizhonga.*+
6 Achanayisira vakaipa misungo;*Moto nesarufa+ nemhepo inopisa ndizvo zvichaiswa mukapu yavo.
7 Nekuti Jehovha akarurama;+ anoda mabasa akarurama.+
Vakarurama vachaona chiso chake.*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kumweya wangu.”
^ Kana kuti “nheyo dzekutonga zvakarurama.”
^ Kana kuti “maziso ake anopenya.”
^ Kana kuti “zvekurwisana.”
^ Kana kuti “Mweya wake unovenga.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “marasha anobvira.”
^ Kana kuti “vachafarirwa naye.”